Pakupedzisira, mese ivai nomweya wokuwirirana, itiranai tsitsi, mudanane muchiitirana mwoyo munyoro muchiyamurana nokuzvininipisa. Rekai kutsiidza chidoipa nochidoipa kana kutukana nokutukana, asi panzvimbo yokutsiidza ropafadzai, nokuti zvakarezvi ndizvo zvamudodaidzihwa kuitira kuti mugare nhaka yomaropafadzo.