YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 6:27-49

Ruka 6:27-49 SNA2002

“Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa, idai vavengi venyu; muitire zvakanaka vanokuvengai. Ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokushonhai. Anokurova padama, umurinzire rimwewo; anokutorera nguo yokunze, usaramba nenguo yomukatiwo. Mumwe nomumwe anokumbira kwauri, umupe; noanokutorera zvako, usazvikumbirazve kwaari. “Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirewo saizvozvo. Kana muchingoda avo vanokudai, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadziwo vanoda vanovada. Kana muchingoitira zvakanaka avo vanokuitirai zvakanaka, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanodarowo. Kana muchingopa ivo chikwerete, vamunoti muchadzoserwazve navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanopawo vatadzi chikwerete, kuti vapiwezve zvakaenzana nazvo. Asi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka. Mupe chikwereti musingaori mwoyo; mubayiro wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro-soro; nokuti iye anomwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa. Ivai netsitsi, saBaba venyu vane tsitsiwo. “Musatonga, nemi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemi hamungazopiwi mhaka; sunungurai, nemi muchasunungurwawo. Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwawo nacho.” Akavaudzawo mufananidzo, akati, “Bofu ringatungamirira rimwe bofu here? Haangawiri mugomba ose ari maviri here? Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake. Asi mumwe nomumwe, kana akwaniswa, achava somudzidzisi wake. “Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako, izvo, danda riri muziso rako haurioni? “Kana ungareva seiko kuhama yako, uchiti, ‘Hama, rega ndibvise rubanzu ruri muziso rako, usingaoni danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kubvisa rubanzu ruri muziso rehama yako. “Nokuti hakuna muti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa, kana muti wakaipa unobereka michero yakanaka; nokuti muti mumwe nomumwe unozikanwa nemichero yawo. Nokuti vanhu havatanhi maonde paminzwa, kana madzambiringa haatanwi parukato. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake; akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yakaipa yomwoyo wake; nokuti muromo unoreva zvizere pamwoyo. “Munondiedzireiko, ‘Ishe! Ishe!’ Musingaiti zvandinoreva? Mumwe nomumwe anouya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye. Akafanana nomunhu akavaka imba, akachera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikauya, mvura ikarova imba iyo, ikasagona kuizunungusa, nokuti yakanga yakavakwa kwazvo. Asi anonzwa, asingaiti, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu, isina nheyo; mvura yakati ichiirova, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukava kukuru.”

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy