YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 6

6
Jesu Ishe weSabata
(Mateu 12:1-8; Mako 2:23-28)
1Zvino nomusi weSabata akafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namaoko.
2Zvino vamwe vavaFarisi vakati kwavari, “Munoitireiko zvisina kutenderwa kuitwa nomusi weSabata?”
3Jesu akavapindura, akati, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; 4kuti akapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapawo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga?”
5Akati kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.”
Jesu anoporesa munhu aiva noruoko rwakakokonyara
(Mateu 12:9-14; Mako 3:1-6)
6Zvino neimwe Sabata akapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kune munhu ipapo akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. 7Vanyori navaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angamuporesa nomusi weSabata, kuti vawane pavangamupomera mhosva napo.
8Asi iye akaziva mifungo yavo, akati kumunhu akanga anoruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire pakati pavanhu.” Akasimuka, akamira. 9Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzai shoko iri, zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa neSabata, kuponesa munhu, kana kumuuraya?” 10Ipapo akaringa-ringa achivatarira vose, akati kwaari, “Tambanudza ruoko rwako.” Akadaro, ruoko rwake rukavandudzwa.
11Zvino vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kuti Jesu vangamuitei.
Jesu anodana vadzidzi vake
(Mateu 10:1-4; Mako 3:13-19)
12Namazuva iwayo akabudira kugomo kundonyengetera, akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari.
13Zvino kwakati kwaedza, akadana vadzidzi vake; akasarudza kwavari vane gumi navaviri vaakatumidza zita rokuti vapostori; 14Simoni, waakatumidzao Petirosi, naAndireya, munun'una wake, naJakobho, naJohani, naFiripi, naBhatoromeo, 15naMateu, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArifeo, naSimoni, ainzi Zerote; 16naJudhasi mwanakomana waJakobho; naJudhasi Isikarioti, akazomupandukira.
17Akaburuka navo, akamira pakati chechetere, navadzidzi vake vazhinji, navanhu vazhinji-zhinji, vaibva Judhea yose neJerusaremu, napamhenderekedzo yegungwa reTire neSidhoni, 18vakanga vauya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo. Navakanga vachitambudzika nemweya yakan'ora vakaporeswa. 19Vanhu vazhinji vose vakatsvaka kumunyangata, nokuti simba rakabuda kwaari rikavaporesa vose.
Mharidzo yaJesu
(Mateu 5:1-12)
20Zvino akatarisisa vadzidzi vake, akati, “Makaropafadzwa imi varombo, nokuti ushe hwaMwari ndohwenyu.
21“Makaropafadzwa imi mune nzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka.
22“Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, vachikudzingai, vachikuzvidzai, vachirasa zita renyu sechinhu chakashata, nokuda kwoMwanakomana womunhu. 23Farai nezuva iro, mupembere, nokuti tarirai, mubayiro wenyu kudenga mukuru; nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita zvakadaro. 24Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu. 25Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchava nenzara. Mune nhamo imi munoseka zvino, nokuti muchachema nokuungudza.
26“Mune nhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.
27“Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa, idai vavengi venyu; muitire zvakanaka vanokuvengai. 28Ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokushonhai. 29Anokurova padama, umurinzire rimwewo; anokutorera nguo yokunze, usaramba nenguo yomukatiwo. 30Mumwe nomumwe anokumbira kwauri, umupe; noanokutorera zvako, usazvikumbirazve kwaari.
31“Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirewo saizvozvo. 32Kana muchingoda avo vanokudai, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadziwo vanoda vanovada. 33Kana muchingoitira zvakanaka avo vanokuitirai zvakanaka, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanodarowo. 34Kana muchingopa ivo chikwerete, vamunoti muchadzoserwazve navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanopawo vatadzi chikwerete, kuti vapiwezve zvakaenzana nazvo. 35Asi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka. Mupe chikwereti musingaori mwoyo; mubayiro wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro-soro; nokuti iye anomwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa. 36Ivai netsitsi, saBaba venyu vane tsitsiwo.
37“Musatonga, nemi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemi hamungazopiwi mhaka; sunungurai, nemi muchasunungurwawo. 38Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwawo nacho.”
39Akavaudzawo mufananidzo, akati, “Bofu ringatungamirira rimwe bofu here? Haangawiri mugomba ose ari maviri here? 40Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake. Asi mumwe nomumwe, kana akwaniswa, achava somudzidzisi wake.
41“Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako, izvo, danda riri muziso rako haurioni?
42“Kana ungareva seiko kuhama yako, uchiti, ‘Hama, rega ndibvise rubanzu ruri muziso rako, usingaoni danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kubvisa rubanzu ruri muziso rehama yako.
43“Nokuti hakuna muti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa, kana muti wakaipa unobereka michero yakanaka; 44nokuti muti mumwe nomumwe unozikanwa nemichero yawo. Nokuti vanhu havatanhi maonde paminzwa, kana madzambiringa haatanwi parukato. 45Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake; akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yakaipa yomwoyo wake; nokuti muromo unoreva zvizere pamwoyo.
Mufananidzo weimba yakavakwa paruware
(Mateu 7:24-27)
46“Munondiedzireiko, ‘Ishe! Ishe!’ Musingaiti zvandinoreva? 47Mumwe nomumwe anouya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye. 48Akafanana nomunhu akavaka imba, akachera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikauya, mvura ikarova imba iyo, ikasagona kuizunungusa, nokuti yakanga yakavakwa kwazvo. 49Asi anonzwa, asingaiti, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu, isina nheyo; mvura yakati ichiirova, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukava kukuru.”

Currently Selected:

Ruka 6: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy