Mariko 9
9
1Zvino Jesu adoti kwavari, “Chokwadi panovamwe vadomira pano vasiri kudzopfa vasati vaona Umambo hwaMwari huchiuya nosimba.”
Kusanduka KwaJesu
(Mateo 17:1-13; Ruka 9:28-36)
2Kudzoti kwapera mazuva matanhatu Jesu adotora Pita, Jakobho naJohwani vari vega, ndokukwira navo mugomo rirefurefu, vadomunangara daipo, adosanduka. 3Mbacha dzache dzidochena zvokutothoya, zvokuti hapanai muwachi pasi pano anosvika padodaropo. 4Ipopo Eriya naMozisi vadooneka vachinyaira naJesu. 5Zvino Pita adobva wati, “Mudzidzisi, zvidonaka kuti tive pano. Regai tivakhe misakasira mitatu: umwe wenyu, umwe waMozisi, umwe waEriya.” 6Ndava wanga achazivaba zvokutaura, ndava vanga vabatiwa nokucha kukuru.
7Pakarepo guti ridouya ndokuvafukidza, izvi ridobva muguti richiti, “Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, mutetekerei.” 8Pasinai nonhambwe yese pavadonangara nangara, hapanai wavadodzoona kusiya kwaJesu naivo basi.
9Pavanga voburuka mugomo adovatsindikira kuti vareke kuwana wavanoudza zvavanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu wamuka kuvadopfa.
10Ivo vadorambawo vadozvisvisva asi vachimbobvunzana vega kuti kumuka kuvadopfa kunorevei. 11Vadomubvunza vachiti, “Seiko vanyori vachiti Eriya ndiye anofanira kuthanga kuuya?”
12Adopindura kuti, “Ichokwadi kuti Eriya ndiye anothanga kuuya achidzotsera zvinhu zvese. Asi zvidonyohwawo sei kuti Mwanakomana woMunhu achatambudziwa chaizvo nokurambiwa? 13Asi ndinoti kwamuri Eriya adotouya kare, futi vadotomuitira zvavaida kuita naye semanyorehwo yazvidoitiwa pamusoro pache.”
Jesu Anoporesa Mukomana Anga Ano Pfavi
(Mateo 17:14-21; Ruka 9:37-43a)
14Paadosvika panga pano vamwe vadzidzi adowana gurusvusvu rovanhu rikuru ridovaunganira, novanyori vachipikisana navo. 15Nokamangu vanhu pavadondoona Jesu vadoshamisika ndokutizirana kwaari vachimumoresa. 16Iye adovabvunza, “Muri kuvabvunzeiko?”
17Umwe pakati pogurusvusvu adoti, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu anoitisiwa chimumumu noshave. 18Pese parinomubata rinomuphomorera pasi, wopupuma furu kumuromo achitsenganisa mazino wobva waoma muviri. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vadzinge shavero, manje varitadzirira.”
19Jesu adomupindura achiti, “Imi, vanhu vanasi vasinai nokutenda kwese, ndichava nemi kusvikira rini? Ndichava nomwoyo murefu nemi kusvikira riniko? Uyai naye kuno.” 20Ivo vadoenda naye kuna Jesu.
Mweya udoipa paudondomuona, udomugwinhagwinha ndokumuphomorera pasi uchimuumburudza, achipupuma furu kumuromo. 21Ipopo Jesu adobvunza baba vache, “Adobva rini adodai?”
Ivo ndokuti, “Kubva paudiki hwache. 22Kazinji unomuwisira mumoto, kana mumvura kuti umubaye, asi kana pano zvamunokwanisa kuita, tinzvirei tsitsi mutiyamure.”
23Jesu adoti kwaari, “Kana uchitenda, zvese zvinogoneka kuno anotenda.”
24Nokamangu baba vomwana vadodaidzira, “Ndinotenda, kana pane pandiri kutsakidza, ndiyamurei.”
25Jesu paadoona kuti mhomho yovanhu yaakutizirana kwaari, adodzuma mweya udoipa achiti, “Iwe mweya wouchimumumu nouburunzeve, birikirafuti ureke kudzopinda maari kamu.”
26Ipopo mweya udokuwa uchimugwinhagwinha zvidoipitsitsazvo uchibva wabirika maari. Iye ndokuita kunge wapfa zvokutoti vazinji vadototi wapfa. 27Asi Jesu adomubata ruoko achimumutsa, achibva wasumuka.
28Kudzoti Jesu wapinda mumba, vadzidzi vache vadomubvunza pavo vega, “Sei tatadzirira kuudzinga?”
29Jesu adoti kwavari, “Mushoo uyu unobirika chete nomunamato.”
Jesu Anonyaira Kamu zvoIpfa Yache
(Mateo 17:22,23; Ruka 9:43b-45)
30Jesu adobirika pakarepo ndokupinda nomuGaririya pakare waidaba kuti zvizikane nomunhu, 31Adodzidzisa vadzidzi kuti, “Mwanakomana woMunhu achaisiwa mumaoko yovanhu, ivo vachamubaya, kana vamubaya achamuka kamu kwapera mazuva matatu.
32Asi ivo vadonzvitsitsaba zvaadonyaira, futi vaicha kumubvunza.
Mbani Mukuru muUshe Hwokudenga?
(Mateo 18:1-5; Ruka 9:46-48)
33Kudzoti vasvika Kaperenaume, vapinda mumba, adovabvunza kuti, “Manga muchipikisanei munzira?”
34Hapanai chavadomupindura, ndava munzira vaiitirana nharo dzokuti mbani mukuru. 35Adogarikika pasi ndokudaidza vanogumi novairi achiti kwavari, “Kana munhu achida kuva wokuthanga, wakareyo mbaave wokupedzisira pavese, ave muranda wovese.” 36Pakarepo adotora mwana mudiki ndokumumisa pamberi pavo, adomutakura mumaoko yache ndokuti kwavari, 37“Wese anotambira mwana anenge iyeyu muzita rangu, anenge wanditambira inini. Nowese anonditambira inini, anotambiraba inini basi, asi anotambirawo noadondituma.”
Asingapesani Nesu Ngwedu
(Ruka 9:49,50)
38Zvino Johwani adoti kwaari, “Mudzidzisi, taona munhu asingafambe nesu achidzinga mweya idoipa muzita renyu, manje tamurambidza nokuti ngweduba.”
39Asi Jesu adoti, “Regai kumurambidza, nokuti hapanai munhu angaite munana muzita rangu achidzopusihwa nokamangu kutaura zvidoipa pamusoro pangu. 40Ndava asingapikisane nesu ngwedu wakareyo. 41Ndava wese anokupasai mukombe womvura muzita rangu kuti mumwe nokuti muri vaKhirisitu, chokwadi ndinokunyepai kuti anosayaba mubairo.
Miedzo yokuti Utadze
(Mateo 18:6-9; Ruka 17:1,2)
42“Wese anokonzera umwe wovadiki vadodaiva vanotenda kwandiri kutaya kutenda kwache kwandiri, hasa kutoti guyo rikuru risungirihwe muhuro mache, akhandiwe mugungwa. 43Kana ruoko rako richikukonzera kutadza, rigwate! Hasa kupinda muupenyu udoremara panokupinda mugehena mumoto usingadzimwe unomaoko yese. 44(Muno honye isingapfe nomoto usingadzimwe). 45Kana tsoka yako ichikutadzisa, igwate. Zviri nani kuwana upenyu husingapere unotsoka ibodzi panokupinda muGehena mumoto usingadzimwe unotsoka dzese. 46(Muno honye isingapfe, nomoto usingadzimwe). 47Futi kana ziso rako richikukonzera kutadza ritokonore! Hasa kuti upinde muumambo hwaMwari unoziso ribodzi panokukhandihwa mugehena unomaziso mairi. 48Muno honye isingapfe nomoto usingadzimwe.
49Nokuti munhu wese acharungiwa nomoto.
50Mwinyu udonaka, asi kana wataya kuvava kwawene kuchadzotsehwa tini?
Ivai nomwinyu mamuri, muve norugare pakati penyu.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mariko 9: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International