Mariko 3
3
Murume anga ano Ruoko Rudoputana
(Mateo 12:9-14; Ruka 6:6-11)
1Jesu adopinda kamu musinagoge, makaremo manga muno munhu ano ruoko rudoputana. 2Vadomunangara kuti vaone kana waidzomuporesa nomusi woSabata, kuti vawane mhosva yokudzomunenedzera. 3Ipopo adoti kumurume wanga anoruoko ridoputana, “Uya pano.” 4Ndokubva wadzovabvunza achiti, “Zvinobvumihwa chere kukohorora kana kudzonga, kuchidza kana kubaya nomusi woSabata?”
Asi vadoramba vadonyarara. 5Adovanangaranangara noukari, achishushikana zvidonyanya nondava yokuoma mwoyo kwavo, adodzoti kumunhu wanga adoremara, “Tambanudza ruoko rako.” Iye adoritambanudza, ndokubva rapora. 6Pakarepo vaFarisi vadobirikirafuti vachienda korangana novobato raHerudhe, mabairo yavaidzoita Jesu.
Gurusvusvu Panyasi poGungwa
7Jesu adobirika novadzidzi vache ndokuenda kugungwa, adobva watevehwa nogurusvusvu rikuru rovanhu. Vanhu vakarevo vadobva muGaririya, nomuJudhiya, 8nomuJerusarema, nomudunhu roIdhumiya, novadobva kumhiri kwoJorodhani, novaibva kudopoteredza Tire noSidhoni. Gurusvusvu rikuru ridonzva zvese zvaadoita ridouya kwaari. 9Nokudaro adoudza vadzidzi vache kuti kuve nokamwadiya, kokudzopinda kuti vanhu vareke kudzomusvanikidza. 10Nokuti wanga waporesa vahwere vazinji, zvokuti vese vanga vachihwara vadotsvekenyedza vachivavarira kuti vandomubata. 11Pese paaionewa novanhu vadogahwa nomweya idoipa yaiwira pasi pamberi pache ichikuwa ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!”
12Asi Iye waiirambidza zvidosimba kuti ireke kuzivisa vanhu kuti Iye mbani.
Jesu Anosarudza nhumwa Gumi Novairi
(Mateo 10:1-4; Ruka 6:12-16)
13Zvino adokwira mugomo ndokudaidza vanhu vaaida. Ivo vadouya kwaari. 14Ipopo adosarudza gumi novairi vaadoda ndokuvatenza kuti nhumwa, kuti vave naye achivatuma koparidza. 15Kuti vave nomasimba yokudzinga mweya idoipa.
16Simoni waadodzotenza kuti Pita, 17naJakobho waiva mukoma nomunin'ina’ina naJohwani vanakomana vaZebhedhiya, vaadodzoshinjirira kuti Bhonagesi, zvinoreva kuti vanakomana vokudhirima, 18naAndireya, naFiripi, naBhatoromiyu, naMateo, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArufiyasi, naThedhiyasi, naSimoni woushingi, muKhenani, 19naJudhasi Sikariyoti wokudzomupandukira. Pasure adodzoenda kumba.
Jesu naZerubhabhu
(Mateo 12:22-32; Ruka 11:14-23; 12:10)
20Zvino gurusvusvu ridoungana kamu, zvokuti vadotosaya nguwa yokuja. 21Hama dzache padzidozvinzva dzidoenda dzichida kumutora nokuti vanhu vanga vaakutonyaira vachiti, “Waakupenga!”
22Ukuwo vanyori vanga vabva kuJerusarema vaiti, “Adogahwa naZerubhabhu, jinda rikuru romweya idoipa, ndiro raanodzinga naro mashave.”
23Ipopo Jesu adovadaidza ndokutaura navo nomufananidzo achiti, “Anga Sathani angadzinge tini Sathani? 24Umambo hukazvipandukira huchizvihwisa hwega hunopfuruka peno. 25Kana mhuri ikazvipesanisa inodzokonaba kumira; 26naSathaniwo akazvipandukira, wazviparadzanisa wega anenge achakonaba kumira, wapfuruka.
27Hapanai munhu angapinde muimba yomunhu ano simba kuti atore zvidziyo zvache kana asati wasunga nyamasimbayo, ipopo ndipo paanodzokona kupamba zviri mumba mache.
28Chokwadi ndinoti kwamuri vana vovanhu vanogona kuregerehwa zvitema zvese, kana nokutoshora Mwari chaiko. 29Asi anoshora Mweya Mutsvene haarekerehwe, ndava wava nomhosva yochitadzo chokusingapere. 30Adodaro ndava vanga vamuti ano mweya udoipa.
Amai novanin'ina’ina vaJesu
(Mateo 12:46-50; Ruka 8:19-21)
31Ipopo amaache novanin'ina’ina vache vadosvika. Vadomira panze, vadomira daipo vadotuma munhu komudaidza. 32Zvino mhomho yanga idogarikika naye mumba, idomunyepa ichiti, “Amai venyu novanin'ina venyu vari panze, vari kuda kukuonai.”
33Iye adovapindura achiti, “Amaangu mbani? Vanin'ina vangu mbani?” 34Adonangara nangara vanhu vanga vadogarikika makaremo, ndokubva wati, “Vakareva ndivo amaangu novanin'ina vangu! 35Wese anoita zvinodiwa naMwari, ndiye nomunin'ina wangu, nohanzvadzi yangu, namaangu.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mariko 3: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: