Mariko 2

2
Jesu Anoporesa Murume Adotonhora Nhengo
(Mateo 9:1-8; Ruka 5:17-26)
1Kwapera mazuva mashoma adounza pakamu kuKaperenaume. Vanhu vadonzva kuti ari pamumba. 2Vadoungana vadowanditsa zvokutadza kukwana mumba, vadotadza kukwana nopachivanze, iye adovaparidzira Shoko. 3Zvino varume vanai vadouya kwaari vadotembedzana murume wanga adotonhora nhengo. 4Pavadotadza kusvika papfupi naye nokuda kwomhomho yovanhu, vadonyandanura denga roimba yakareyo panga padonangana naJesu. Vadobva vadzikisa mukhangara waiva nomuhwere wavo. 5Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, “Mwanakomana wangu, zvitema zvako zvaregerehwa.”
6Zvino vamwe vanyori vanga vadogarikika makaremo vadonyairira mumwoyo yavo vachiti, 7“Seiko munhu wakareyu achinyaira zvidodai? Nghutoshora Mwari kwakareku! NdiMwari basi anokona kuregerera zvitadzo peno!”
8Pakarepo Jesu adobva wazivirafuti mumweya mache kuti vari kufunga zvakarezvi mumwoyo yavo, adobva wati kwavari, “Muri kufungireiko zvidodarozvo mumwoyo menyu? 9Nzvipi zvidopusa kuti kumurume adotonhora nhengo, ‘Zvitema zvako zvaregerehwa,’ kana kuti, ‘Sumuka, tora bonde rako, utekaire?’ 10Manje kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu anomasimba panyika yokuregerera zvitema,” adoti kumurume adotonhora nhengo, 11“Ndinoti kwauri, sumuka, tora bonde rako uende kumba kwako!”
12Adosumuka ndokuhwengeratu bonde rache achibirika vadomunangara vese. Vese vadoshamisika ndokurumbidza Mwari vachiti, “Zvidodaizvi hatinati tazviona.”
Jesu Anodaidza Revhi
(Mateo 9:9-13; Ruka 5:27-32)
13Jesu adobirika pakare achienda panyasi pogungwa roGaririya, vanhu vadoungana kwaari, iye ndokuvadzidzisa. 14Achitekaira daipo, adoona Revhi, mwanakomana waArufiyasi, anozita rokuti Mateo, wanga adogarikika paimba yomutero. Jesu adoti kwaari, “Nditevere.” Iye adosumuka ndokumutevera.
15Zvino paadogarikika kuti aje pathafura mumba maMateo, vateresi vazinji novatadzi vadogarawo pabodzi naJesu novadzidzi vache, ndava vaimutevera vanga vari vazinji. 16Zvino vanyori vovaFarisi, pavadoona kuti ari kuja novateresi novatadzi vadoti, kuvadzidzi vache, “Anga indava yei achija novateresi novatadzi?”
17Zvino Jesu paadozvinzva adoti kwavari, “Vapuma vanodaba chiremba, asi vanohwara ndivo vanoda chiremba. Ndidouyaba kudzodaidza vadorurama, asi vatadzi.”
Mubvunzo pamusoro Pokutsanya
(Mateo 9:14-17; Ruka 5:33-39)
18Vadzidzi vaJohwani novaFarisi vaitsanya. Zvino vamwe vanhu vadouya kwaari vachiti, “Anga indava yei vadzidzi vaJohwani novadzidzi vovaFarisi vachitsanya, asi vadzidzi venyu vasingatsanyewo?”
19Jesu adovapindura achiti, “Anga vadokokewa kumuchato vangatsanye chere mukwende ari pakati pavo? Kana mukwende ari pakati pavo vanotsanyaba. 20Mazuva yachasvika pachabiritsiwa mukwende kubva kwavari, ipopo ndipo pavachadzotsanya.
21Hapanai anosonerera chigamba chitsva pabiza rokare, akaita zvakarezvo chigambacho chinomwaura biza, boo ronyanyitsa kukura. 22Hapanai anoisa waini itsva muhomwe yodehwe rokare. Akaita zvakarezvo waini itsva inophabura homwe yodehwe, waini yotaika nohomweyo yoparara. Asi waini itsva inoisiwa muhomwe yodehwe ritsva.”
Mubvunzo pamusoro poSabata
(Mateo 12:1-8; Ruka 6:1-5)
23Noumwe musi woSabata Jesu adopinda nopakati pominda yogorosi. Pavaitekaira daipo, vadzidzi vache vadothanga kuchora hora dzogorosi. 24Ipopo vaFarisi vadoti kuna Jesu, “Sei vachiita zvisingatendehwe kuitiwa paSabata?”
25Iye adoti kwavari, “Hamunai kuverenga nai zvidoitiwa naDhavhiti paanga waanonzara iye novanhu vaanga anavo? 26Adopinda mumba maMwari pamazuva yomukuru wovaphirisita Abhiyata, achija mazingwa yanoyera. Mazingwayo yanga yasingabvumihwi kujiwa noumwe munhu kusiya kwokujiwa novaphirisita basi. Adopasawo vanhu vaanga anavo.”
27Jesu adoti, “Sabata idoitihwa kuti ibatsire munhu, aikona kuti munhu abatsire Sabata. 28Saka Mwanakomana woMunhu ndiShe woSabata pakare.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mariko 2: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល