Mariko 1
1
Kuparidza kwaJohwani Muombeki
(Mateo 3:1-12; Ruka 3:1-18; Johwani 1:19-28)
1Aya ndiyo mathangiro yoNyaya Dzidonaka dzaJesu Khirisitu, Mwanakomana waMwari. 2Semanyorehwo yazvidoitiwa nomuporofiti Isaya achiti,
“Ona, ‘ndinotuma nhume yangu pamberi pako
achanhadzira nzira yako.’
3Izvi roanokuwa musango,
‘nhadzirai mugwagwa waIshe,
yororai nzira dzache!’”
4Johwani Muombeki adooneka musango achiparidza ruombeko rokupinduka kuti vanhu varegerehwe zvitema. 5Vanhu vazinji vadosvokonoka kuenda kwaari vese vomunyika yoJudhiya novanhu vese vomuJerusarema, vadoombekewa naye muhwizi roJorodhani, vachireurira zvitadzo zvavo.
6Zvokusimira zvaJohwani zvanga zviri zvoukuse hwongamera, pakamu wanga anobhande rochikumba muchiuno chache. Zvokuja zvache zvanga zviri mabombo nouchi hwomusango. 7Iye adoparidza achiti, “Pano mukurufutiyo anokunda inini ari kuuya kumasure kwangu, inini ndinokodzeraba kukotama ndichisugudura murau woshangu dzache. 8Ndakuombekai nomvura asi iye achakuombekai noMweya Mutsvene.”
Kuombekewa noKuedzewa kwaJesu
(Mateo 3:13—4:11; Ruka 3:21,22; 4:1-13)
9Mumazuva yakareyo Jesu adouya achibva kuNazareta mudunhu roGaririya achibva waombekewa naJohwani muJorodhani. 10Jesu paadobirika mumvura, kabodzi nokabodzi adoona denga razururiwa futi Mweya achiburukira paari adoita kunge njiva. 11Zvino izvi ridobva kudenga ndokuti, “Ndiwe Mwanakomana wangu wandinoditsa, iwepa unondifadza zvidonyanya.”
12Nokamangu Mweya adomuendesa kusango, 13kwaadogara mazuva makumi manai, achiedzewa naSathani, nozvirombo zvomusango zvanga zviri kwakareko, futi ngirozi dzidomushandira.
Jesu Anodaidza Vabati Vohove Vanai
(Mateo 4:12-22; Ruka 4:14,15; 5:1-11)
14Zvino mumasure mokusungiwa kwaJohwani, Jesu adoenda kuGaririya koparidza Nyaya Idonaka yaMwari. 15Jesu adoti, “Nguwa yazazisiwa, futi umambo hwaMwari hwava papfupi! Pindukai kubva muzvitema zvenyu mutende Nyaya Idonaka!”
16Paanga achifamba nomunyasi mogungwa roGaririya, adoona Simoni naAndireya vaiva mukoma nomunin'ina vachikhandira mambure yavo mugungwa, ndava vaiva vabati vohove. 17Jesu adoti kwavari, “Nditeverei, ndikuitei varauri vovanhu.” 18Nokamangu vadosiirafuti mambure yavo, ndokumutevera.
19Paadondotekaira pashoma, adoona Jakobho mwanakomana waZebhedhiya, naJohwani waiva mukoma nomunin'ina’ina naye, vaiva mukamwadiya vachinhadziridza mambure yavo. 20Nokamangu adovadaidza, vadobva vasiya baba vavo Zebhedhiya vari mukamwadiya pabodzi novashandi ivo ndokutevera Jesu.
Murume wanga anoMweya Udoipa
(Ruka 4:31-37)
21Zvino vadoenda kuKaperenaume, nomusi woSabata adopinda musinagoge nokamangu ndokuvadzidzisa. 22Ivo vadoshamisika nomadzidzisiro yache, ndava adovadzidzisa semunhu anochikuriri, asingaite kunge vanyori.
23Pasinai nonhambwe yese musinagogemo manga muno munhu waiva nomweya udoipa, 24iye adokuwa achiti, “Munei nesu, Jesu woNazareta? Mauya kudzotiparadza chere? Ndinokuzivai kuti muri Mutsvene waMwari.”
25Asi Jesu adomudzuma achiti, “Nyarara, ubirike maari!”
26Mweya udoipa udodzutsa munhu wakareyo zvinosimba, uchikuwa noruzha, ndokubva wabirika maari. 27Vese vadoshamisiwa nazvo ndokuthanga kubvunzana vachiti, “Anga chiiko ichochi? Ikoku kudzidzisa kutsva chere? Anotodzuma nosimba mweya idoipa, iyo ichimuteerera!”
28Nokamangu nhau pamusoro pache dzidopararira muGaririya rese.
Jesu Anoporesa Vanhu Vazinji
(Mateo 8:14-17; Ruka 4:38-41)
29Nokamangu adobirika musinagoge, ndokupinda mumba maSimoni naAndireya, pabodzi naJakobho naJohwani. 30Zvino amezvara vaSimoni vanga vachihwara nomuviri vadotoenzera, nokamangu, vadonyepa Jesu pamusoro pavo. 31Iye adosvika, ndokuvabata ruoko achivamutsa. Pakarepo muviri udopora, vachibva vavatenairira.
32Mauro yakareyo zuva rakunyura ratoti piriviri, vadouya kwaari novese vanga vachihwara novadogahwa nomashave. 33Gurusvusvu rovanhu ridoungana pamusuwo richibva munzvimbo dzese dzoguta. 34Iye adoporesa vahwere vadowanda vanga vanomatenda yadosiyana siyana nokudzinga mashave mazinji. Adorambidza mashave kunyaira, ndava yaimuziva kuti mbani.
Jesu Anoparidza muGaririya
(Ruka 4:42-44)
35Mambakwedza, kuchidosvipa, Jesu adomuka ndokubirika. Adoenda kwache wega, konamata. 36Simoni naabiyake vadoenda kumutsvaga, 37pavadomuwana, vadoti kwaari, “Vanhu vese vari kukutsvagai.”
38Iye adoti kwavari, “Mbatiendei kunoyamwe maguta. Ndinofanira ndiparidzewo kwakareko, nokuti ndizvo zvandidovinga.”
39Nokudaro adofamba muGaririya rese, achiparidza mumasinagoge yavo nokudzinga mashave.
Murume Anoporesewa naJesu
(Mateo 8:1-4; Ruka 5:12-16)
40Munhu wanga anomabobo adouya kuna Jesu, ndokupfugama, achimuteterera achiti, “Kana muchida munogona kundinatsa.”
41Jesu adomunzvira tsitsi, ndokutambanudza ruoko rache achimubata. Adoti kwaari, “Ndinoda, chinatsiwa.” 42Kabodzi nokabodzi mabobo yadobirika kwaari, achibva wapora. 43Zvino Jesu adomutsindikira ndokumunyepa kuti aende zvache, 44Adoti kwaari, “Ona kuti hapanai waunozvinyepa. Asi enda kozvinangidza kumuphirisita, wopereka chibairo chokunatsiwa kwako sezvidoraihwa naMozisi kuti chive upfakazi kuvanhu.”
45Asi paadobirika kuenda, adothanga kuzvitaura taura, achiparadzira nhau yakareyo, zvokuti Jesu haanai kudzogona kupinda muguta zviri pachenu, asi adogara kunze munzvimbo dzache wega. Asi vanhu vadoramba vachiuya kwaari vachibva kwese kwese.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mariko 1: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International