Mateo 3
3
Kuparidza kwaJohwani Muombeki
(Mariko 1:1-8; Ruka 3:1-18; Johwani 1:19-28)
1Mumazuva yakareyo Johwani Muombeki adouya achiparidza ari musango roJudhiya. 2Adoti, “Pindukai, ndava umambo hwokudenga hwanyedza papfupi.” 3Nokuti wakareyu ndiye adorehwa nomuporofiti Isaya paadoti,
“Izvi roanokuwa musango,
‘nhadzirai mugwagwa waIshe,
yororai nzira dzache!’”
4Zvino Johwani waisimira mbacha dzoukuse hwongamera, nobhande rochikumba muchiuno chache. Zvokuja zvache yanga yari mabombo nouchi hwomusango. 5VoJerusarema noJudhiya rese nodunhu rese ridopoteredza hwizi hwoJorodhani vadosvokonoka kuenda kwaari. 6Vadoombekewa naye muhwizi roJorodhani, musure mokureurira zvitema zvavo.
7Asi paadoona vazinji vovaFarisi novaSadhusi vachiuya kudzoombekewa naye, adoti kwavari, “Naimi vana vonyoka, mbani adokuchenjedzai kuti mutize ukari hunouya? 8Itai ndipo zvibereko zvinoenderana nokupinduka kwacho. 9Rekai kufunga muchizviti, ‘Tiri vana vaAbhurahamu.’ Ndava ndinokunyepai kuti, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva pamabhwe iyoya. 10Kudaiku, sanho ratogwama mudzi womuti. Muti wese usingabereke muchero udonaka unogwatiwa uchikhandiwa mumoto.” 11“Inipano ndinokuombekai nomvura nokuti mapinduka. Asi ari kuuya mumasure mangu, mukuru kwandiri, inini ndinokodzeraba kutakura shangu dzache, iyeyo ndiye achakuombekai noMweya Mutsvene nomoto. 12Chisero chache chokuurutsisa anacho mujanja, achanatsa kuchenesa udzire hwache, gorosi achariunganidzira muchitura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwe.”
Kuombekewa kwaJesu
(Mariko 1:9-11; Ruka 3:21-22)
13Zvino Jesu adouya kuJorodhani achibva kuGaririya kudzoombekewa naJohwani. 14Asi Johwani adoda kumurambidza, achiti, “Inipano ndini ndinoda kuombekewa naimipa, manje mouya kwandiri kamu?”
15Asi Jesu adomupindura achiti, “Iyezvino reka zviite daro, ndava zvidofanira kuti tizazise kururama kwese.” Ipopo Johwani adobva wabvuma.
16Zvino Jesu paadoombekewa, adobirika mumvura kabodzi nokabodzi. Pakarepo matenga yadozururiwa futi adoona Mweya waMwari achiburuka adoita kunge njiva ndokuvhoda paari. 17Zvino izvi ridobva kudenga richiti, “Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, futi ndinofadziwa maninge naye.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mateo 3: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International