Mateo 28

28
Kumuka kwaJesu
(Mariko 16:1-10; Ruka 24:1-12; Johwani 20:1-10)
1Zvino mumasure moSabata, mambakwedza yozuva rokuthanga rosondo, Mariya woguta roMagadhara noumwe Mariya vadoenda koona guwa. 2Zvino padoita kugwetedzeka kwonyika kukuru, nokuti ngirozi yaIshe idoburuka kubva kudenga ndokuuya ichikungurutsa ibhwe racho, ndokugarikika pamusoro parene. 3Kuoneka kwache kwaiita kunge mheni, hembe dzache dzidochena kunge matarara. 4Nokumucha, varindi vadotetemera vachibva vaoma muviri kunge vapfa.
5Asi ngirozi idoti kuvakadzi, “Rekai kucha, ndava ndinoziva kuti muri kutsvaga Jesu wanga adorovehwa. 6Haapo pano, ndava wamuka, sezvaadotaura. Uyai, onai nzvimbo paanga adoradzikiwa. 7Saka endai nokukurumidza moudza vadzidzi vache kuti wamuka kuvadopfa, nangarai, achakuthangirai kuenda kuGaririya, kwakareko ndokwamuchamuona, Tetekerai, ndakuudzai.”
8Saka vadobva paguwa nokamangu, vachicha asi vadozara nomufaro, ndokubva vatizira vachienda koudza vadzidzi vache.
9Ipopo, Jesu adobva wakumana navo akati, “Moroi!” Ivo vadouya vachibata tsoka dzache vachimunamata. 10Ipopo Jesu adoti kwavari, “Rekai kucha, endai konyepa hama dzangu kuti dziende kuGaririya, vachandiona kwakareko.”
Zvidozivisiwa noVarindi
11Vachienda kudaro, vamwe varindi vadopinda muguta vachiudza vaphirisita vakuru zvese zvidoitika. 12Zvino vakuru vovaphirisita vadoungana novatungamiri vovanhu vachipangana, ndokupasa mari mauto 13vachiti, “Udzai vanhu kuti, ‘Vadzidzi vache vadouya usiku vachimuba isisu tidoenzera.’ 14Kana izvi zvikasvika munzeve dzomutongi, tichamugutsa tichikubisai mupfumvu.”
15Mauto yadotora mari ndokuita zvavadoudziwa, nyaya yakareyo idopararira pakati povaJudha kusvikira pazuva ranasi.
Jesu Anozvinangidza kuVadzidzi Vache
(Mariko 16:14-18; Ruka 24:36-49; Johwani 20:19-23)
16Zvino vadzidzi vanogumi nomubodzi vadoenda kuGaririya, kugomo ravadoraihwa naJesu kuti vaende. 17Pavadomuona vadomunamata, asi vamwe vadotsakidza. 18Zvino Jesu adouya kwavari achiti, “Ndidopasiwa chikuriri chese kudenga nopanyika. 19Nokudaro endai kumarudzi yese muite vadzidzi yomarudzi yese, muvaombeke muzita raBaba noroMwanakomana noroMweya Mutsvene, 20muchivafundisa kuchengeta zvese zvandidokurairai, onai, ndinemi nguwa dzese kusvika kumagumo yonguwa.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mateo 28: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល