Mateo 27
27
Jesu Anoisiwa kuna Pirato
(Mariko 15:1; Ruka 23:1,2; Johwani 18:28-32)
1Yava mangwanani, vakuru vovaphirisita vese novatungamiri vovanhu vadogara dare rokutongera Jesu ipfa, 2vadomusunga vachienda naye komupereka kuna Pirato mutongi.
Judhasi Anozvibaya
3Judhasi mupandukiri wache paadoona kuti Jesu watongehwa ipfa, adozvija mwoyo ndokudzotsa masirivha yacho makumi matatu kuvakuru vovaphirisita novatungamiri vovanhu 4achiti, “Ndatadza ndapandukira munhu asinai mhosva.”
Vadoti, “Zvinei nesu? Basa rako.”
5Adokhandira masirivha muimba yaMwari, ndokubirika achienda karisungirira.
6Asi vakuru vovaphirisita vadotora masirivha yacho vachiti, “Hazvisi pamurau kuti yaisiwe muchivigiro, sezvo yari mari yomagazi.” 7Saka vadopangana, kuti vayatengese munda womuumbi wohari, kuti vadzovigira vatohwa makaremo. 8Saka munda wakareyo nanasi unodaidziwa kuti Munda woGazi.
9Ipopo padozazisiwa zvidorehwa namuporofiti Joromiya, paadoti, “Vadotora masirivha makumi matatu, mutengo waiye ano mitengo idotahwa novanhu vomuIzirairi, 10ndokuyapasa kumunda womuumbi wohari, sekuraihwa kwandidoitiwa naIshe.”
Pirato Anobvunza Jesu
(Mariko 15:2-5; Ruka 23:3-5; Johwani 18:33-38)
11Zvino Jesu adomira pamberi pomutongi, mutongi adomubvunza achiti, “Ndiwe chere mambo wovaJudha?
Jesu adoti, “Wazvinyaira ndiwe.” 12Asi paainenedzehwa novakuru vovaphirisita novatungamiri vovanhu, adopinduraba.
13Ipopo Pirato adoti kwaari, “Unonzvaba muwandiro wozvinhu zvavanokunenera?”
14Asi haanai kumupindura, kana pachipomehwa chibodzi zvachene, zvokuti mutongi adoshamisika chaizvo.
Jesu Anotongehwa Ipfa
(Mariko 15:6-15; Ruka 23:13-25; Johwani 18:39—19:16)
15Zvino pamutambo wophasika mutongi anga ano tsika yokusunungurira mhomho musungwa upi zvache wavaida. 16Zvino vanga vano musungwa waizikana, waiitiwa Bharabhasi. 17Saka pavanga vaungana, Pirato adoti kwavari, “Mbani wamunoda kuti ndikusunungurirei, Jesu anonzi Bharabhasi kana kuti Jesu anoitiwa Khirisitu?” 18Ndava Pirato waiziva kuti vanga vamupereka nondava yochanje.
19Pirato paanga adogarikika pamupando wokutonga, mukadzi wache adotumira shoko kwaari achiti, “Reka kuwana chaunoita nomurume adorurama uyo, ndava nasi ndatambudzika chaizvo kuhope nondava yache.”
20Zvino vaphirisita vakuru novakuru vadopenzveredza vanhu kuti vakumbire Bharabhasi vabaye Jesu. 21Pakamu mutongi adoti kwavari, “Ngupi pavairi wamunoda kuti ndikusungunurirei?”
Vadoti, “Bharabhasi.”
22Pirato adoti kwavari, “Saka chii chandichaita naJesu anoitiwa Khirisitu?”
Vese vadoti, “Mbaarovehwe.”
23Iye adoti, “Nondava yei, chii chidoipa chaadoita?”
Asi vese vadokungudzirafuti kudaidzira, “Mbaarovehwe.”
24Zvino Pirato paadoona kuti hapanai chaari kuwana, kunze kwokutothanga bongozozo, adotora mvura achishamba manja yache pamberi pomhomho, achiti, “Handinai mhosva pagazi romurume uyu, zvionerei mega.”
25Vanhu vese vadopindura vachiti, “Gazi rache mbarive pamusoro pedu nopovana vedu!”
26Ipopo adovasunungurira Bharabhasi, ndokurova Jesu achimupereka kuti arovehwe pamuchinjikwa.
Mauto Yanonyadza Jesu
(Mariko 15:16-20; Johwani 19:2,3)
27Ipopo mauto yomutongi yadotora Jesu yachimupinza mumuzinda, vadounganidza mauto yese pamberi pache. 28Vadomusunhura, vachimusimidza jasi ritsvuku, 29ndokuruka korona yominzva vachimudzika mumusoro mache, vachimubatisa tsanga mujanja rache roruji. Vadopfugama pamberi pache zvomusese, vachiti, “Moroi mambo wovaJudha!” 30Vadomusvipira, ndokutora tsanga vachimbondomurova nayo mumusoro. 31Vadobva vamunyadza, vadomusunhura jasi, vachimusimidza hembe yache, ndokuenda naye komurovera pamuchinjikwa.
Jesu Anorovehwa Pamuchinjikwa
(Mariko 15:21-32; Ruka 23:26-43; Johwani 19:17-27)
32Pavaibirika kuenda, vadokumana nomurume woSairini, anozita rokuti Simoni, vadosukumidza murume wakareyu kutakura muchinjikwa wache. 33Pavadosvika panzvimbo inoitiwa Gorogota (kureva kuti nzvimbo yodehenya), 34vadomupasa waini kuti amwe, idokumanisiwa nonduru, asi paadoiraidza, adoramba kuimwa.
35Vabva kumurovera, vadokovana hembe dzache nokukhanda hakata, 36vadodzogara pasi pakarepo vachiramba vadomugaririra. 37Pamusoro pache vadoturika chinyohwa chomhosva yache chaiti, “Uyu ndiJesu, Mambo wovaJudha.” 38Zvino makororo mairi yadorovehwa pabodzi naye, rimwe kuruji rimwe kurubose.
39Vaipinda nopakarepo vadomushora vachikwetekwedza misoro yavo 40vachiti, “Iwepa wokuda kupwanya imba yaMwari uchiivakha nomazuva matatu, chizviponesaka! Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.”
41Nzvibodzizvo novaphirisita vakuru, novadzidzisi vomutemo novatungamiri vovanhu, vadomuseka, vachiti, 42“Adochidza vamwe, achitadza kuzvichidza. Ndiye mambo wovaIzirairi, mbaaburuke pamuchinjikwa, timutende. 43Anovimba naMwari, Mwari mbaachimununura zvino, kana achimuda, ndava waiti, ‘Ndini Mwanakomana waMwari.’”
44Nomakororo vanga vadorovehwa pabodzi naye vadomumbombodzerawo nonzira ibodzi bodziyo.
Kupfa kwaJesu
(Mariko 15:33-41; Ruka 23:44-49; Johwani 19:28-30)
45Zvino kubva paawa yogumi nodziiri padoita rima panyika yese, kusvika paawa yogumi nodzishano. 46Paawa yochipfemba Jesu adodaidzira noizvi ropamusoro, “Eri, Eri, ramasabhakatani?” Ndokuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?”
47Vamwe vanga vadomira pakarepo pavadozvinzva vadoti, “Murume uyu ari kudaidza Eriya.” 48Umwe wacho adobva wamhanyirafuti kotora chipanje, ndokuchinyika muvhiniga, achichijungirira patsanga, achibva wamupasa kuti amwe.
49Asi vamwe ndovadoti, “Mirai tione kana Eriya achiuya kudzomuchidza.
50Jesu adodaidzira kamu noizvi ropamusoro achibva warosa.
51Nonguwa yakareyo, biza romuimba yaMwari ridokeruka kuita mairi kubva kumusoro kuenda pasi. Nyika idogwetedzeka, mabhwe yadobamuka, 52makuwa yadovhurika, zvitunha zvizinji zvovatsvene vanga vadopfa zvidomutsiwa, 53vadobirika mumakuwa musure mokumuka kwache vachipinda muguta ritsvene vachionewa novazinji.
54Mukuru wozana romauto novaanga anavo, vadogaririra Jesu, pavadoona kugwetedzeka kwonyika nozvidoitika, vadozaziwa nokucha, vachiti, “Chokwadi uyu wanga ari Mwanakomana waMwari!”
55Paivawo novakadzi vadowanda vaimushumira vanga vatevera Jesu kubva kuGaririya, vainangara vari kurefu. 56Pakati pavo panga pana Mariya Magadharina, naMariya amai vaJakobho naJosefa, naamai vovanakomana vaZebhedhi.
Kuvigiwa kwaJesu
(Mariko 15:42-47; Ruka 23:50-56; Johwani 19:38-42)
57Yava mauro, padouya murume mupfumi kubva kuAramatiya, waiitiwa Josefa, wanga ariwo mudzidzi waJesu. 58Adoenda kuna Pirato achikumbira kuti apasiwe chitunha chaJesu. Ipopo Pirato adoraira kuti achipasiwe. 59Zvino Josefa adotora chitunha, ndokuchiputiridza nofuko ridochena, 60achichiradzika muguwa rache ritsva, raanga adofonga padombo, ndokukungurutsira ibhwe pamuromo poguwa, achibva waenda. 61Mariya wokuguta roMagadhara noumwe Mariya vanga varipo, vadogarikika padonangarana noguwa.
Varindi paGuwa
62Zuva ridotevera, kureva, zuva roSabata, vakuru vovaphirisita novaFarisi vadoungana kuna Pirato, 63vachiti, “Changamire,” tinoyeuka zvidonyaihwa nomunyengeri uyu, achiri mupenyu adoti, ‘Sure kwomazuva matatu ndichamuka kamu.’ 64Saka rairai kuti guwa richengetewe kusvikira pazuva rochitatu, kuti vadzidzi vache vareke kuenda komuba, vachidzoudza vanhu kuti, ‘Wamuka kubva kuvadopfa,’ mabhwodo yokupedzisira yanganyangaritse kukunda yokuthanga.”
65Pirato adoti kwavari, “Torai varindi kuti vaende korichengetedza semaziviro yenyu.”
66Saka vadoenda kochengetedza guwa ndokuisa chidhindo padombo rarene nokuisa varindi.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mateo 27: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: