Mateo 23
23
Chenjedzo pamusoro poVadzidzisi voMitemo novaFarisi
(Mariko 12:38,39; Ruka 11:43,46; 20:45,46)
1Zvino Jesu adoti kumhomho nokuvadzidzi vache, 2“Vadzidzisi vomutemo novaFarisi mbadudziri vomutemo waMozisi, 3itai uye chengetai zvese zvavanokuudzai, asi aikona kuita zvavanoita, ndava zvavanoparidza, hazvisi zvavanoita. 4Vanosunga mitoro inorema, isingatakurike, vachiiisa pamapfudzi yovanhu, asi ivo pachavo vanodaba kana nokubatsirako. 5Zvavanoita zvese nzvokuda kuonewa novanhu, ndava vanokudza tuborosa tavo tavanosungirira pahuma vachitorephesa mapfundo yomukombero womajasi yavo, 6nokufarira nzvimbo dzochiremerera pamabiko nomipando idonakitsitsa mumasinagoge, 7nokumoresewa zvinorukudzo pamisika, nokudaidziwa kuti mudzidzisi novanhu. 8Asi imipa rekai kudaidziwa kuti mudzidzisi, ndava muno Mudzidzisi mubodzi, mese muri vakoma novanin'ina’ina. 9Musadaidze munhu ari panyika kuti baba venyu, ndava muna Baba mubodzi, ari kudenga. 10Rekai kudaidziwa kuti mutungamiri, ndava muno Mutungamiri mubodzi, iye Khirisitu. 11Mukuru maninge pakati penyu mbaave muranda wenyu. 12Wese anozvikwidziridza achaninipisiwa, nowese anozvininipisa achakwiridzihwa.
Jesu Anoshora Unyengeri Hwavo
(Mariko 12:40; Ruka 11:39-42,44,52; 20:47)
13Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! ndava munozaririra vanhu kunze umambo hwokudenga, ndava imipa pachenyu munopindaba, novanoda kupinda vacho hamuvabvumire. 14Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! Ndava munotora midziyo yovajiche, muchinyepera kuita minamato mirefu. Saka muchapasiwa mhosva ikuru.
15Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! ndava munopoterera gungwa nonyika kuti muwane mubodzi wokupindutsira kuchiJudha, kana wapinduka, munomuita mwana woGehena zvidopetewa kairi kupinda zvamuri imipa.
16Mayanga kwamuri, vatungamiri marombe, vanoti, ‘Kana munhu akapika noimba yaMwari, hazvinai basa, asi kana munhu akapika nondarama yoimba yaMwari wasungiwa nomhiko yache.’ 17Imi marombe madzemwa! Anga chii chikuru, ndarama kana imba yaMwari inoita kuti ndarama iyere? 18Futi munoti, ‘Kana munhu akapika noatari, hazvinai basa, asi kana munhu akapika nochipo chiri paatari, wasungiwa nomhiko yache.’ 19Imi marombe! Anga chii chikuru, chipo kana atari inoita kuti chipo chiyere? 20Saka anopika noatari, anopika nayo pabodzi nozviri pairi zvese, 21nouyo anopika noimba yaMwari, anopika nayo pabodzi naMwari anogara makaremo, 22nouyo anopika nodenga, anopika nomupando waMwari pabodzi naMwari anougarirayo.
23Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! Ndava munobisa chogumi chomindi#23:23 mazani yanonushira nodhiri, nokhumini, asi mudosiya zvinhu zvinobasa pamutemo zvinoti, kuenzanisa, notsitsi nokutendeka, izvi maifanira kuzviita, asi musingasiye zvimwe zvacho. 24Imi vatungamiri marombe, munoungura muchibiritsa kanyerere asi muchinyongomedza ngamera!
25Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! ndava munosuka kunze kwokomichi nondiro, asi mukati mudozara zvidopambiwa nonhafu. 26Iwe muFarisi rombe! thanga kusuka mukati mokhomichi nondiro, kuti nokunze kuchenewo.
27Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! Ndava munenge manda yadopendewa, yanooneka kunaka kunze, asi mukati yadozara mapfupa yovanhu vadopfa notsambwa dzese. 28Naimipawo munooneka novanhu kururama kunze, asi mukati mudozara unyengeri nounhura.
Jesu Anoporofita Murango Wavo
(Ruka 11:47-51)
29Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! ndava munovakha makuwa yovaporofiti nokushongedza zviumbwa zvovadorurama, 30muchiti, ‘Dai tidorarama mumazuva yomadzibaba yedu, dai tisinai kubatana navo kuteura gazi rovaporofiti.’ 31Saka muri kuzvipupurira mega kuti muri vana voavo vadoponda vaporofiti. 32Endererai mberi ndipo nokuzaza chiyero chidosiiwa nomadzibaba yenyu. 33Imi nyoka, vana vonyoka, munopunyuka tini mutongo wokuti muendesewe kunzvimbo yokutambudzika nokusingapere? 34Ndichakutumirai ndipo vaporofiti novachenjeri novadzidzisi vomutemo, vamwe vacho muchabaya nokurovera pamuchinjikwa, vamwe ndivo vamucharova mumasinagoge yenyu nokuvatambudza kubva muguta rimwe muchienda kunorimwe guta. 35Kuti pamusoro penyu pauyisiwe gazi rese rovadorurama ridoteuhwa panyika, kubva pagazi raEbhero asinai mhosva kusvika pagazi raZakariya mwanakomana waBherekiya, wamudobayira pakati poimba yaMwari noatari. 36Chokwadi ndinokunyepai, izvozvi zvese zvichauya pamusoro povanhu ivova vonguwa iyoino!
Rudo raJesu kuJerusarema
(Ruka 13:34,35)
37Jerusarema, Jerusarema, unobaya vaporofiti nokutema nomabhwe vaye vanotumiwa kwauri! Kazinji sei pandaida kuunganidza vana vako pabodzi kunge tsekese inovhumbamira tutiyo tayene mumaphaphiro mayene, manje maramba! 38Nangarai imba yaMwari yasiiwa iri don’o. 39Ndava ndinokuudzai, muchandionaba kamu, kusvikira muchidzoti, ‘Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe.’”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mateo 23: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: