Mateo 22

22
Mufananidzo woMabiko yoMuchato
(Ruka 14:15-24)
1Zvino Jesu adonyaira kamu kwavari nomifananidzo achiti, 2“Umambo hwokudenga hungaenzanisiwe namambo adoitira mwanakomana wache mabiko yomuchato, 3ndokutuma varanda vache kodaidza vaye vaadokokera kumabiko yomuchato, asi havanai kuuya. 4Adotuma kamu vamwe varanda, achiti, ‘Udzai vadokokewa vaye, Onai, ndanhadzira kusvusvura kwangu, madhonza yangu nozvimhuru zvangu zvidokora zvabaiwa, futi zvinhu zvese zvanhadzihwa, uyai kumabiko yomuchato.’ 5Asi vadozviita zvisina basa, ndokuenda zvavo, umwe kupurazi rache, umwe kumaronda yache, 6vamwe ndivo vadobata varanda vache, vachivaitira zvidoipa, nokuvabaya. 7Mambo adokaripa, achibva watuma mauto koparadza mhondi dzakaredzo nokupisa guta radzene. 8Ipopo adoti kuvaranda vache, ‘Muchato wagadzihwa, asi vanga vadokokewa vaye vanga vasinai kufanira. 9Endai kumhararano dzonzira, mukokere kumabiko yomuchato wese wamawana.’ 10Varanda vadoenda mumigwagwa vachiunganidza vese vavadowana, vadoipa novadonaka, zvokuti imba yokuchatira idozara novarendo.
11Asi mambo paadopinda koona varendo, adoona munhu wanga asinai hembe yomuchato, 12adoti kwaari, ‘Shamwari, wapinda tini muno usinai hembe yomuchato?’ Adondoti zii. 13Ipopo mambo adoti kuvarindi, ‘Musungei maoko nomakumbo, mumukandidzire kurima rokunze, kwakareko vanhu vacharira vachigedageda meno yavo.’
14Ndava vadodaidziwa mbazinji asi vadosaruhwa mbashoma.”
Mubvunzo woKuripa Mitero
(Mariko 12:13-17; Ruka 20:20-26)
15Ipopo vaFarisi vadobirika vachipangana mabatiro yavangamuite pakunyaira kwache. 16Vadobva vatuma vadzidzi vavo kwaari, pabodzi novatsigiri vaHerudhe vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri wochokwadi, futi munodzidzisa nzira yaMwari pachokwadi, musinai basa nozvinofungiwa nomunhu, ndava hamunei kuti munhu mbani. 17Saka tinyepei zvamunofunga. Zviri pamutemo chere kuripa mitero kuna Khesari kana kureka?”
18Asi Jesu nokuziva mufungo wavo udoipa, adoti kwavari, “Imi vanyengeri, indava yei muchinditeya? 19Ndinangidzei kobiri romutero.”
Ivo vadouya naro kwaari. 20Jesu ndokuti kwavari, “Anga mufananidzo nozita iri nzvaani?”
21Vadoti, “NzvaKesari.”
Ipopo adoti kwavari, “Perekai ndipo kuna Khesari zvinhu zvaKesari, nokuna Mwari zvinhu zvaMwari.”
22Pavadozvinzva, vadoshamisika, vadomusiya vachibva vaenda.
Mubvunzo woKumuka kuVadopfa
(Mariko 12:18-27; Ruka 20:27-40)
23Zuva rakarero, vaSadhusi ivo vanoti hakunai kumuka kwovadopfa, vadouya kwaari, vachibva vamubvunza mubvunzo, 24vachiti, “Mudzidzisi, Mozisi adoti, ‘Kana munhu wapfa, asinai vana, munin'ina wache mbaaroore mujiche wacho, kuti amutsire mukoma wache vana.’ 25Manje pakati pedu paiva novakoma novanin'ina vanomwe, wokuthanga adoroora, ndokupfa asinai vana, mukadzi wache adobva wagahwa nhaka nomunin'ina. 26Ndozvibodzi bodzizvo kuno munin'ina’ina wochipiri nowochitatu kusvikira kuno munin'ina’ina wochinomwe. 27Vese vapera daipo, mukadzi adodzopedzisira wapfawo. 28Zvino pakumuka kwovadopfa, achava mukadzi woupi pavanomwevo, zvaadova mukadzi wavo vese?”
29Asi Jesu adovapindura achiti, “Muri kukanganisa, ndava munozivaba magwaro kana simba raMwari. 30Ndava pakumuka vanhu havaroore kana kuroorewa, asi vadoita kunge ngirozi dziri kudenga. 31Futi kana kuri kumuka kwovadopfa, mudoverengaba nai zvidorehwa kwamuri naMwari, 32‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho.’ Haasi Mwari wovadopfa asi wovapenyu.”
33Zvino mhomho paidozvinzva, idoshamisika nokudzidzisa kwache.
Mutemo Mukuru
(Mariko 12:28-34; Ruka 10:25-28)
34Asi vaFarisi pavadonzva kuti wapwisa vaSadhusi, vadoungana, 35Umwe wavo, gweta nyanzvi yomutemo, adomubvunza mubvunzo achimuedza. 36“Mudzidzisi, mumutemo ngupi murairo mukuru?”
37Futi adoti kwaari, “‘Unofanira kuda Ishe Mwari wako nomwoyo wako wese, nomweya wako wese, nokufunga kwako kwese.’ 38Wakareyu ndiwo murairo mukuru nowokuthanga. 39Wochipiri udofanana naiwoyu nguyu, ‘Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita.’ 40Pamirairo yakarei miviri ndipo padotsamira mutemo wese nodzidziso dzovaporofiti.”
Mubvunzo nozvaMesiya
(Mariko 12:35-37; Ruka 20:41-44)
41Zvino vaFarisi pavanga vaungana pabodzi, Jesu adovabvunza mubvunzo, 42achiti, “Munofungei nozva Khirisitu? Mwanakomana waani?”
Vadoti kwaari, “Mwanakomana waDhavhiti.”
43Adoti kwavari, “Sei zvino Dhavhiti, paadotungamihwa naMweya, achimudaidza kuti Ishe, paanoti,
44‘Ishe adoti kuna Ishe wangu,
Garikika kuruoko rangu roruji,
kusvikira ndaisa vavengi vako pasi potsoka dzako.’
45Kana Dhavhiti achimudaidza daro kuti Ishe, anodzova tini mwanakomana wache?”
46Hapanai adokona kumupindura kana shoko ribodzi, hapanai kamu kubva pazuva rakarero adodzotsunga kumubvunza umwe mubvunzo.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mateo 22: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល