Mateo 21
21
Kupinda muJerusarema Achipemberehwa
(Mariko 11:1-11; Ruka 19:28-40; Johwani 12:12-19)
1Kudzoti vaapanyasi noJerusarema vatosvika Bhetifegi paGomo roMiorivhi, Jesu adotuma vadzidzi vairi, 2achiti kwavari, “Endai mumusha uri pamberi penyu, muchabva maona buru ridosungirihwa, rino kamhuru karene, yasugudurei muuye nayo kwandiri. 3Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, taurai kuti, ‘Ishe anoyada,’ ipopo achabva wayatumira.”
4Izvi zvidoitika kuzazisa zvidonyaihwa nomuporofiti achiti,
5“Nyairirai mwanasikana woZioni,
Nangara, mambo wako ari kuuya kwauri,
nokuzvininipisa, adogadha kaburu,
iko kamwana koburu.”
6Vadzidzi vadoenda ndokuita zvavadoraihwa naJesu, 7vadouya nombongoro nokamwana kayene, vachibva vaisa hembe dzavo pamusoro pakene, ndokubva Jesu wakagadha. 8Vazinji mukati mogurusvusvu vadowaridza hembe dzavo munzira, vamwe ndivo vaitema mathai yomiti vachiyawaridza munziramo. 9Vazinji vaitekaira pamberi novaitevera mumasure mache vadodaidzira vachiti, “Hozana kuMwanakomana waDhavhiti! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe! Hozana kumusorosoro!”
10Paadopinda muguta roJerusarema, vanhu vese vadovhunduka vachibva vati, “Mbaniko iyeyu?”
11Mhomho idoti, “Uyu muporofiti Jesu anobva muguta roNazareta kuGaririya.”
Jesu Anoenda kuImba yaMwari
(Mariko 11:15-19; Ruka 19:45-48; Johwani 2:13-22)
12Jesu adopinda muimba yaMwari ndokudzinga vese vaitengesa novaitenga muimba yaMwari, adophidigura mathafura yovaitsinhana mari nomipando yovaitengesa hangaiva. 13Adoti kwavari, “Kudonyohwa kuti, ‘Imba yangu ichadaidziwa kuti imba yokunamatira,’ asi imipa maiita bako romakororo.”
14Ipopo marombe nomhetamakumbo vadouya kwaari muimba yaMwari achibva wavaporesa. 15Asi vaphirisita vakuru novadzidzisi vomurairo pavadoona zvinhu zvinoshamisa zvaaiita, novana vachidaidzira mukati moimba yaMwari, “Hozana kuMwanakomana waDhavhiti!” vadosemburiwa, 16vadobva vati kwaari, “Muri kunzva chere zviri kunyairiwa novana vakareva?”
Jesu adoti kwavari, “Inde, hamunai kuverenga nai, ‘Kubva mumiromo yovana novanomwa mudobirika rumbidzo idokwana?”
17Adovasiya, achibva wabirika muguta kuenda kuBhetani ndokuenzera kwakareko.
Jesu Anoshurikidza Mukuyu
(Mariko 11:12-14,20-24)
18Mangwanani ngwanani, achidzokera kuguta, adonzva nzara. 19Adoona mukuyu parutivi ponzira ndokuenda kwauri, paadosaya chaadowana mauri kunze kwomazani basi. Adobva wati kwauri, “Mbakurekerefuti kudzowanika muchero pauri!” Mukuyu udobva wasvavirafuti pakarepo.
20Vadzidzi pavadozviona vadoshamisika vachiti, “Ko sei mukuyu wabva waunirafuti?”
21Jesu adovapindura achiti, “Chokwadi ndinoti kwamuri, kana muno kutenda pasinai kana kutsakidza, maipereraba kundoita zvaitiwa pamukuyu, asi kana mukati kugomo iri, ‘Dzupuka uwire mugungwa,’ zvinoitika. 22Futi chese chamunokumbira nomunamato, muno chitambira, kana muno kutenda.”
Mubvunzo pamusoro poSimba raJesu
(Mariko 11:27-33; Ruka 20:1-8)
23Jesu paadopinda muimba yaMwari, vaphirisita vakuru novatungamiri vovanhu vadouya kwaari ari pakudzidzisa, ndokuti, “Anga isimba hwai raunoita naro zvinhu zvakarezvi noadokupasa simbaro mbani?”
24Jesu adovapindura, “Nainipano ndichakubvunzaiwo mubvunzo, kana mukandiudza mhinduro naininiwo ndichakuudzai simba randinoita naro zvinhu zvakarezvi. 25Ruombeko raJohwani, rudobva poi? Kudenga chere kana kuvanhu?”
Ipopo vadopikisana, “Tikati, ‘Ridobva kudenga,’ achati kwatiri, ‘zvino mudorekerei kumutenda?’ 26Asi kana tikati, ‘Ridobva kuvanhu,’ tinocha mhomho, ndava vese vanoti Johwani wanga ari muporofiti.” 27Saka vadopindura Jesu vachiti, “Hatizive.”
Iye ndokuti kwavari, “Nainipano ndinokunyepaiba simba randinoita naro zvinhu zvakarezvi.”
Mufananidzo woVanakomana Vairi
28“Munofungei? Murume anga ano vanakomana vairi, adoenda kuno wokuthanga ndokuti, ‘Mwanakomana, enda nasi koshanda mumunda womizambiringa.’ 29Iye adopindura achiti, ‘Handidi, asi pasure adodzopinduka ndokuenda. 30Adoenda kuno wochipiri achitaura zvibodzi bodzizvo, ipopo mwanakomana adopindura achiti, ‘Ndiri kuenda baba,’ asi haanai kuenda. 31Ngupi pavairi adoita kuda kwababa vache?”
Vadoti, “Wokuthanga.”
Jesu adoti kwavari, “Chokwadi, ndinoti kwamuri, vateresi nomahure vanokuthangirai kupinda muumambo hwokudenga. 32Ndava Johwani adouya kwamuri nonzira yokururama, asi hamunai kumutenda, asi vateresi nomahure vadomutenda, kana pamudozviona hamunai kudzopinduka muchimutenda.”
Mufananidzo woVashandi muMunda woMizambiringa
(Mariko 12:1-12; Ruka 20:9-19)
33“Inzvai umwe mufananidzo. Panga pano mwenekachiro womunda adorima munda wache womizambiringa, ndokuusosera, ndokuchera gomba rokusvinira muto mukati mawene, nokuvakha chirindo, ndokuusiira vashandi achienda kuno imwe nyika. 34Nguwa yokukohwa payanga yasvika, adotuma varanda vache kuvashandi, kuti vatore michero yache, 35vashandi vadobata varanda vache ndokurova umwe, umwe vachibaya, umwe vachimutema nomabhwe. 36Adotuma kamu vamwe varanda, kukunda vokuthanga, ivo ndokuvaitira zvibodzi bodzizvo. 37Pasure adodzotuma mwanakomana wache kwavari, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ 38Asi vashandi pavadoona mwanakomana, vadotaurirana vachiti, ‘Uyu ndiye muji wonhaka, mbatimubayei titore nhaka yache.’ 39Vadomubata ndokumukhandidzira kunze kwomunda womizambiringa, vachimubaya.
40Ko zvino kana muridzi womunda womizambiringa akauya, chii chaachaita kuvashandi vakarevo?”
41Vaphirisita novatungamiri vovanhu vadoti kwaari, “Achabaya vaipivo zvisinai tsitsi, woisa vamwe vashandi pamunda womizambiringa vachamupasa michero nonguwa idofanira.”
42Jesu adoti kwavari, “Hamunai kuverenga mumagwaro nai?
‘Mhanda idorambiwa novavakhi
ndiyo idodzova nyakatenga.
Uku kwanga kuri kuita kwaIshe,
futi kunoshamisa mumeso yedu!’
43Saka ndinokunyepai, umambo hwokudenga huchabisiwa kwamuri huchipasiwa rimwe rudzi runouyisa michero yacho.
44Futi wese anowira padombo rakareri achabeduka beduka, asi warinowira iro rinomukuya kuita upfu.”
45Vaphirisita vakuru novaFarisi pavadonzva mifananidzo yache, vadozingwa kuti wainyaira ivo. 46Asi pavadoedza kumusunga, vadocha vanhu, ndava vaiti muporofiti.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mateo 21: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International