Mateo 19
19
Dzidziso pamusoro poKusarambana
(Mariko 10:1-12)
1Zvino Jesu paadopedza kunyaira kwakareku, adobirika kubva muGaririya achipinda mumatunhu yoJudhiya kumhiri kwohwizi Jorodhani, 2mhomho dzikuru dzovanhu dzidomutevera iye ndokuvaporesa kwakareko.
3Zvino vamwe vaFarisi vadouya kwaari vachimuedza ndokumubvunza vachiti, “Zviri pamutemo chere kuti munhu arambe mukadzi wache nochikonzero chipi zvachene?”
4Adopindura, “Hamunai nai kuverenga kuti iye nyakuvasika kubva pakuthanga adovaita munhurume nomunhukadzi, 5achibva wati, ‘Nochikonzero chakarecho murume achasiya baba vache naamai vache achibatanidziwa nomukadzi wache, vairivo vobva vava muviri mubodzi?’ 6Nokudaro vachiriba vairi asi vava muviri mubodzi. Icho chabatanidziwa naMwari mbapareke ndipo kuva nomunhu anochikwachura.”
7Vadoti kwaari, “Manje sei Mozisi adoraira kuti murume apereke gupuro kumukadzi womuendesa?”
8Jesu adoti kwavari, “Noukukutu hwomwoyo yenyu Mozisi adokubvumirai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pamavambo zvanga zvisinai kudaro. 9Futi ndinoti kwamuri, wese anoramba mukadzi wache nondava yochimwe chikonzero chisiri uhure, akaroora umwe watoita upombwe.”
10Vadzidzi vache vadoti kwaari, “Kana zvidodaro pamurume nomukadzi wache hasa kundoreka kuroora.”
11Asi iye adoti kwavari, “Havasi vese vanhu vanotambira kutaura kwakareku, kusiya kwaivo chete vadopasiwa kuti vazvikwanise. 12Ndava pano ngomwa dzidondozvahwa dzidodaro, pova nongomwa dzokusunuriwa novanhu, poita ngomwa dzidozviita ngomwa dzega nondava youmambo hwokudenga. Anokwanisa kuzvitambira, mbaazvitambire.”
Jesu Anoropafadza Vana
(Mariko 10:13-16; Ruka 19:15-17)
13Zvino vana vadiki vadoisiwa kwaari kuti avaturike manja yache achivanamatira. Vadzidzi vadodzumidza vanhu, 14asi Jesu adoti, “Rekai vana vauye kwandiri, rekai kuvarambidza, ndava vadodaiva umambo hwokudenga ngwavo.”
15Wabva kuvaturika manja yache adobva waenda.
Jaha Mupfumi
(Mariko 10:17-31; Ruka 18:18-30)
16Ipopo pano adouya kwaari achiti, “Mudzidzisi, “Chii chidonaka chandinofanira kuita, kuti ndive noupenyu husingapere?”
17Zvino Jesu adoti kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pochidonaka? Panomubodzi basi adonaka. Kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.”
18Adoti kwaari, “Ipi yacho?”
Jesu adoti, “Reka kubaya, reka kuita upombwe, reka kuba, reka kuita upfakazi hwomabhwodo, 19kudza baba vako namaako, futi unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita.”
20Jaha ridoti kwaari, “Zvese zvakarezvi ndidozvichengeta, chii chandichiri kusaya?”
21Jesu adoti kwaari, “Kana uchida kukwana, enda kotengesa zvaunazvo upase varombo ipopo uchava nopfuma kudenga, wouya kudzonditevera.”
22Jaha paridonzva izvozvo ridoenda ridododoma kaso, ndava ranga rino zvinhu zvidowanditsa.
23Zvino Jesu adoti kuvadzidzi vache, “Chokwadi ndinoti kwamuri, zvichaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. 24Futi ndinokunyepai kuti, zvidopusira ngamera kupinda nopakaboo konariti panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
25Vadzidzi pavadonzva zvakarezvo vadoshamisika chaizvo ndokuti, “Zvino mbani angaponesewe?”
26Asi Jesu adovanangara ndokuti kwavari, “Novanhu izvi hazvikwanisike, asi naMwari zvinhu zvese zvinokwanisika.”
27Ipopo Pita adoti, “Onai, isisu tidosiya zvese tichikuteverai. Chii zvino chatichawana?”
28Jesu adoti kwavari, “Ndinokunyepai chokwadi, pakuvandudziwa kwozvinhu zvese, Mwanakomana woMunhu paanenge wagarikika pamupando wache woushe unoyetima, achitonga marudzi gumi nomairi yovaIzirairi. 29Pakare wese adosiya dzimba kana vakoma kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nondava yangu achatambira zvidopetewa kazana uye nhaka youpenyu husingapere. 30Asi vazinji vari vokuthanga vachava vokupedzisira, novazinji vokupedzisira vova vokuthanga.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mateo 19: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International