Mateo 17

17
Kusanduka
(Mariko 9:2-13; Ruka 9:28-36)
1Mumasure momazuva matanhatu Jesu adotora Pita naJakobho mukoma nomunin'ina’ina naJohwani ndokukwira mugomo rirefu pavo vega. 2Ipopo adosanduka pamberi pavo, chiso chache chidoyetima kunge zuva, majasi yache yadoti ngwerevere kunge chiedza. 3Zvino padobva paoneka Mozisi naEriya vachinyaira naye. 4Pita adoti kuna Jesu, “Ishe, zvidonaka kuti tiri pano, kana muchida, ndichakuvakirai matumba matatu pano, rimwe renyu rimwe raMozisi norimwe raEriya.”
5Paanga achiri kunyaira daipo, padobva pauya guti rinopenya ndokuvafukidza, izvi ridobva muguti rakarero ridoti, “Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, ndinofadziwa naye maninge mutetekerei!”
6Vadzidzi pavadonzva zvakarezvo, vadokotamira pasi nozviso zvavo, vachicha. 7Asi Jesu adouya ndokuvabata, achiti, “Mukai rekai kucha.” 8Pavadosumudza meso yavo, hapanai wavadoona kunze kwaJesu basi.
9Pavanga voburuka mugomo, Jesu adovatsindikira, “Rekai kuudza munhu zvamaona, kusvikira Mwanakomana woMunhu amutsiwa kubva kuvadopfa.”
10Zvino vadzidzi vadomubvunza, “Anga zvino seiko vadzidzisi vomurairo vachiti Eriya ndiye anothanga kuuya?”
11Iye adopindura achiti, “Eriya anouya, achidzotsera zvinhu zvese, 12asi ndinokunyepai kuti Eriya adotouya kare, asi havanai kumuziva, vadobva vamuitira zvavaida. NoMwanakomana woMunhu kamu achatambudziwa mumaoko yavo.”
13Ipopo vadzidzi vadonzvitsitsa kuti wanga achivanyairira zvaJohwani Muombeki.
Jesu Anoporesa Mukomana ano Shave
(Mariko 9:14-29; Ruka 9:37-43a)
14Pavadosvika pamhomho, murume adouya kwaari ndokupfugama pamberi pache achiti, 15“Ishe, nzvirai tsitsi mwanakomana wangu, nokuti anopfavi, anotambudzika zvidoipa, kazinji anowira mumoto, pamwe pacho mumvura. 16Ndidouya naye kuvadzidzi venyu, vachibva vatadzirira kumuporesa.”
17Zvino Jesu adopindura achiti, “Ndichava naimimi kusvikira rini, naimi vanhu vanasi vadopombonyoka, vasinai kutenda? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvika rini? Uyai naye kuno kwandiri.” 18Ipopo Jesu adodzuma shave, richibva rabirika mukomana achibva waporerafuti.
19Pasure vadzidzi vadouya kuna Jesu kabisira vachiti, “Ko isisu tatadzirira tini kuridzinga?”
20Adoti kwavari, “Indava yokutenda kwenyu kudiki. Ndava chokwadi ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kudiki kunge mbeu yomasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende uko,’ richaenda, hapanai chingatadzike nemi.” 21Asi rudzi iri rinobirikaba kunze kwokunamata nokutsanya.
Jesu Anonyaira Kamu zvoIpfa Yache
(Mariko 9:30-32; Ruka 9:43b-45)
22Pavadosangana kuGaririya, Jesu adoti kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaperekewa mumaoko yovanhu, 23ivo vachamubaya, asi pazuva rochitatu achamutsiwa.”
Ivo vadoshushikana nazvo chaizvo.
Kuripa Mutero woImba yaMwari
24Pavadosvika kuKaperenaume, vateresi vomutero woimba yaMwari vadoenda kuna Pita vachiti, “Ko mudzidzisi wenyu anoteraba mutero nai?”
25Iye adoti, “Anotera inde.”
Kudzoti Pita wasvika kumba, Jesu ndiye adothanga kunyaira kwaari achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo vonyika vanotora mitero kunani? Kubva kuvanakomana vavo chere kana kuvamwewo?”
26Iye paadoti, “Kubva kuvamwewo,” Jesu adoti kwaari,
“Saka vanakomana vadosunungukaka. 27Zvisinei, kuti tireke kuvagumbura, enda kugungwa wokhanda chirauro, utore hove inothanga kubirika, ukavhura mukamwa mayene uchawana kobiri rinokosha, ritore uvapase yangu noyako.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mateo 17: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល