Mateo 15

15
Tsika dzoVakuru
(Mariko 7:1-13)
1Zvino vaFarisi novadzidzisi vomurairo vadouya kuna Jesu vachibva kuJerusarema, vachiti, 2“Seiko vadzidzi venyu vasingatevere tsika dzovakuru? Ndava vanoshambaba manja yavo kana vaakuja.”
3Adovapindura, “Ko sei imimi muchichora mutemo waMwari nokuda kwotsika dzenyu? 4Ndava Mwari adoraira achiti, ‘Kudza Baba vako naamai vako,’ uye ‘Uyo anotaura zvidobookera kuna baba kana amai vache, mbaapunziwe.’ 5Asi imimi munoti, ‘Kana munhu akaudza baba vache kana amai vache, kuti chandaida kukubatsirai nacho chapasiwa Mwari. 6Iye achafaniraba kukudza baba vache nacho, saka nondava yotsika dzenyu, mudosayisa simba shoko raMwari. 7Imi vanyengeri! Isaya adonatsa paadoporofita pamusoro penyu, achiti:
8Vanhu ava vanondikudza nomiromo yavo,
asi mwoyo wavo uri kurefu nainini,
9hapanai zvokuti vanondinamata,
dzidziso dzavo mitemo yovanhu.’”
Zvinosvipisa Munhu
(Mariko 7:14-23)
10Zvino Jesu adodaidza vanhu kwaari ndokuti kwavari, “Inzvai, munzvitsitse: 11hapanai chinopinda mukamwa chinosvipisa munhu, asi chinobirika mukamwa, chakarecho ndicho chinosvipisa munhu.”
12Ipopo vadzidzi vadouya ndokuti kwaari, “Muri kuziva chere kuti vaFarisi vadogumbuka pavadonzva kunyaira kwakareku?”
13Adopindura achiti, “Muti wese usinai kusimiwa naBaba vangu vokudenga uchadzuriwa. 14Vasiyei daro! Mbatungamiri marombe, kana rombe rikatungamirira rimwe rombe, vese vanowira mugomba.”
15Asi Pita adoti kwaari, “Titsumbudzurirei mufananidzo.”
16Jesu adoti, “Naimimiwo kamu hamunati mava kunzvitsitsa? 17Munoonaba kuti chese chinopinda mukamwa chinoenda mumimba, chichidzobirika? 18Asi chinobirika mukamwa chinobva mumwoyo, chakarecho ndicho chinosvipisa munhu. 19Ndava mumwoyo munobirika pfungwa dzidoipa, kuponda, zvivi zvopabonde, upombwe, uhure, kuba, kupupura mabhwodo, kunyeya. 20Zvakarezvi ndizvo zvinosvipisa munhu, asi kuja nomanja yasinai kushambiwa kunosvipisaba munhu.”
Mukadzi ano Kutenda
(Mariko 7:24-30)
21Zvino Jesu adobirika pakarepo achienda kudunhu roTire noSidhoni. 22Ipopo, mukadzi muKhenani anobva kumatunhu yakareyo adouya achidaidzira, “Nai Ishe, Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvireiwo tsitsi, mwanasikana wangu ari kutambudziwa zvidoipitsitsa noshave ridomuphotera.”
23Asi haanai shoko raadomupindura. Zvino vadzidzi vache vadouya ndokumbiritsa vachiti, “Mudzingei, ndava ari kutevera achidaidzira kwatiri.”
24Adopindura achiti, “Ndidondotumiwa kuhwai dzidotaika dzoimba yaIzirairi basi.”
25Asi iye adouya ndokupfugama pamberi pache achiti, “Ishe, ndibatsirei.”
26Adopindura achiti, “Hazvinai kufanira kutora chikafu chovana uchichikandira imbwa.”
27Iye adoti, “Inde, Ishe, kana noimbwa dzinojawo zvinombwera pasi potafura yaatenzi vadzene.”
28Ipopo Jesu adomupindura achiti, “Amai imi, kutenda kwenyu nghukuru! itihwai zvamurikuda.” Mwanasikana wache adobva waporerafuti nguwa yakareyo.
Jesu Anoporesa Vanhu Vazinji
29Kubva pakarepo Jesu adoramba achienda achideva noGungwa roGaririya. Adokwira mugomo, ndokugarikika pasi makaremo. 30Ipopo zvaunga zvikuru zvidouya kwaari nomhetamakumbo, vaidzomhira, mapofu, zvimumumu, novamwe vazinji, ndokuvaisa patsoka dzache, achibva wavaporesa, 31zvokuti chaunga chidoshamisika, pachidoona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvichipora, mhetamakumbo dzichitekaira, nomarombe yachiona, vachibva varumbidza Mwari waIzirairi.
Jesu Anoposha Zviuru Zvinai
(Mariko 8:1-10)
32Ipopo Jesu adodaidza vadzidzi vache ndokuti, “Ndinotsitsi nomhomho iyi ndava ivova vatova nomazuva matatu vaneni, vasinai chavaja, handidi kuvaendesa nonzara, vangadzowa chikhomo munzira.”
33Vadzidzi vadoti kwaari, “Nghupi musango kwatingawane mazingwa yanokwanira chaunga chikurufutichi?”
34Jesu adoti kwavari, “Mangani mazingwa yamunayo?”
Vadoti, “Manomwe, notuhove tudiki tushomashoma.”
35Adoraira chaunga kuti chigarikike pasi, 36adotora mazingwa manomwe nohove, paadotenda adozvikomora komora ndokuzvipasa vadzidzi vache, vadzidzi ndokupasa chaunga. 37Vadoja vese vachiguta, vachibva vaunganidza zvimepfu zvidosara zvikazara tswanda dzinomwe. 38Vadoja vacho vanga vari vanhurume zviuru zvinai, vanhukadzi novana vasingaverengewe.
39Jesu paadokototsa vanhu, adopinda mukamwadiya ndokuenda kumatunhu yokuMagadhani.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mateo 15: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល