Mateo 1

1
Madziteteguru yaJesu Khirisitu
(Ruka 3:23-38)
1Bhuku romadziteteguru yaJesu Khirisitu, mwanakomana waDhavhiti, mwanakomana waAbhurahamu.
2Abhurahamu waiva baba vaIsaki, Isaki waiva baba vaJakobho, Jakobho waiva baba vaJudha novakoma vache, 3Judha waiva baba vaPerezi naZera vaadozvara naTamari, futi Perezi baba vaHezironi, Hezironi waiva baba vaRami, 4Rami waiva baba vaAminadhabhi, Aminadhabhi waiva baba vaNashoni, Nashoni waiva baba vaSarimoni, 5Sarimoni waiva baba vaBhowazi waadozvara naRahabhi, Bhowazi waiva baba vaObhedhi waadozvara naRute, Obhedhi waiva baba vaJese,
6Jese waiva baba vamambo Dhavhiti.
Dhavhiti waiva baba vaSoromoni waadozvara nomukadzi waUriya, 7Soromoni waiva baba vaRehobhoami, Rehobhoami waiva baba vaAbhija, Abhija waiva baba vaAsa, 8Asa waiva baba vaJehoshafati, Jehoshafati waiva baba vaJoramu, Joramu waiva baba vaUziya, 9Uziya waiva baba vaJotamu, Jotamu waiva baba vaAhazi, Ahazi waiva baba vaHezekiya, 10Hezekiya waiva baba vaManase, Manase waiva baba vaAmosi, Amosi waiva baba vaJosiya, 11futi Josiya waiva baba vaJekoniya novakoma vache, panguwa yokutapiwa kuenda kuBhabhironi.
12Mumasure mokutapiwa kuenda kuBhabhironi, Jekoniya adova baba vaSharitieri, Sharitieri waiva baba vaZerubhabheri, 13Zerubhabheri waiva baba vaAbhiudhi, Abhiudhi waiva baba vaEriyakimu, Eriyakimu waiva baba vaAzori, 14Azori waiva baba vaZadhoki, Zadhoki waiva baba vaAkimu, Akimu waiva baba vaEriudhi, 15Eriudhi waiva baba vaErieza, Erieza waiva baba vaMatani, Matani waiva baba vaJakobho, 16Jakobho waiva baba vaJosefa murume waMariya adozvara Jesu anoitiwa Khirisitu.
17Saka kubva pana Abhurahamu kusvika pana mambo Dhavhiti pano mazera gumi nomanai, kubva pana mambo Dhavhiti kusvika pakutapiwa kuenda kuBhabhironi pano mazera gumi nomanai, kubva pakutapiwa kuenda kuBhabhironi kusvika pana Khirisitu pano mazera gumi nomanai.
Kuzvahwa kwaJesu Khirisitu
(Ruka 2:1-7)
18Zvino kuzvahwa kwaJesu Khirisitu kudoitika nonzira idodai. Amai vache Mariya vanga vadobvunzihwa naJosefa, vasati vagara vese adooneka waanomimba yoMweya Mutsvene. 19Manje murume wache Josefa, semunhu wanga adorurama haanai kuda kumunyadzisa, adofunga kumuramba kabisira. 20Asi achiri kufunga zvakarezvo, ngirozi yaIshe idobva yazviratidza kwaari pakurota ichiti, “Josefa mwanakomana waDhavhiti, reka kucha kutora Mariya kuti ave mukadzi wako, ndava mimba yaanayo njoMweya Mutsvene. 21Iye achapona mwana mukomana, wodzomutenza zita rokuti Jesu, ndava ndiye achaponesa vanhu vache kubva pazvitema zvavo.”
22Zvakarezvi zvese zvidoitika kuzazisa zvidonyaihwa naIshe nomuromo womuporofiti: 23“Nangarai, mhandara ichava nomimba yozvara mwanakomana, zita rache richaitiwa Manuwere” (zvinoreva kuti Mwari anesu).
24Josefa paadomuka pahope, adoita zvaadoudziwa nongirozi yaIshe, adomutora kuva mukadzi wache, 25asi haanai kumuziva kusvikira wapona mwana womukomana, achibva wamutenza zita rache rokuti Jesu.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mateo 1: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល