Ruka 20
20
Mubvunzo Pamusoro Posimba raJesu
(Mateo 21:23-27; Mariko 11:27-33)
1Rimwe zuva, achidzidzisa vanhu muimba yaMwari nokuparidza vhangeri, vaphirisita vakuru novanyori novakuru vadouya 2vachiti kwaari, “Tinyepe kuti isimba hwai raunoita naro zvinhu zvakarezvi, kana naiye adokupasa simbaro.”
3Jesu adovapindura, “Naininiwo ndichakubvunzai mubvunzo, mundinyepe ipopano. 4Ko ruombeko raJohwani rudobva kudenga chere kana kuvanhu?”
5Vadokurukurirana vachiti, “Kana tikati, ‘Rudobva kudenga,’ achati, ‘Mudoregerei kumutenda?’ 6Asi kana tikati, ‘Rudobva kuvanhu,’ vanhu vese vachatitema nomatombo, ndava vanotenda kuti Johwani wanga ari muporofiti.” 7Saka vadodzopindura kuti vanga vasingazive kwaridobva.
8Zvino Jesu adoti kwavari, “Naininiwo handikunyepei kuti ndinoita zvinhu zvakarezvi nosimba ripi.”
Mufananidzo Wovarimi Vokuronjeresa
(Mateo 21:33-46; Mariko 12:1-12)
9Adothanga kuudza vanhu mufananidzo wokuti, “Umwe munhu adorima mazambiringa mudimba, ndokuronjeresa, achibva waenda kuimwe nyika kwonguwa irefu. 10Padosvika nguwa, adotuma muranda kuno vaadoronjeresa, kuti vamupase imwe michero yomunda womazambiringa, asi varimi ivovo vadomurova, ndokumudzotsa asinai chinhu. 11Zvino adotuma umwe muranda, naiyeyuwo vadomurova nokumubata uyanga, vachimudzotsa ari manja vhuzuvhuzu. 12Adotuma kamu wochitatu, uyu vadomukuwadza ndokumudzingira kunze. 13Ipopo mwenekachiro womazambiringa adoti, ‘Ndichaita tini? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikana, pamwe vangamuremekedze.’ 14Asi varimi pavadomuona vadotaurirana vachiti, ‘Iyeyu ndiye muji wonhaka, mbatimubaye, kuti nhaka ive yedu.’ 15Saka vadomudzingira kunze kwomunda womizambiringa ndokumubaya. Zvino chii chichaitiwa kwavari nomwenekachiro womizambiringa? 16Achauya achiparadza varimi vakarevo, achipasa munda womizambiringa kuno vamwewo.” Pavadonzva zvakarezvi vadoti, “Hazvifanire kudaro!” 17Asi adovanangara ndokuti kwavari, “Chii, manje ichi, chidonyohwa?
‘Iro ribwe rokurambiwa novavakhi
ndiro radzova musoro wokhona.’
18Wese anowira padombo rakarero achagwatikagwatika, asi pakava nowarinowira rinomukuya.”
Mubvunzo Pamusoro Pomitero
(Mateo 22:15-22; Mariko 12:13-17)
19Vanyori novaphirisita vakuru vadoedza kumubata panguwa yakareyo, asi vadocha vanhu, ndava vadozingwa kuti adotaura mufananidzo wakareyu achireva ivo. 20Saka vadomuteya, vachimutumira vashori vaiedzesera kuva pachokwadi, kuti vamubate nomashoko yache, kuti vagone kumupereka kunovanoukuru nokusimba romutongi. 21Vadomubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munonyaira nokudzidzisa zvidorungama, musingaite tsvete, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi. 22Ko zviri pamutemo chere kuti tiripe mitero kuna Khesari, kana kuti tireke?” 23Asi Jesu adoziva mambere yavo, ndokuti kwavari, 24“Ndinangidzei dhinari racho. Ko chiso nomunembo zviri pakarepa nzvani?” Ivo vadoti kwaari, “NzvaKesari.” 25Adodzoti kwavari, “Perekai kuna Khesari zvinhu zvaKesari, nokuna Mwari zvinhu zvaMwari.” 26Vadotadzirira kumubata pamanyairiro yache pamberi povanhu, asi pakushamisika nomhinduro yache vadodzondonyarara.
Mubvunzo Pamusoro Pokumuka Kwovadopfa
(Mateo 22:23-33; Mariko 12:18-27)
27VaSadhusi vadouya kwaari, ivo vanoti hakunai kumuka kwovadopfa, 28Vadomubvunza mubvunzo vachiti, “Mudzidzisi, Mozisi adotinyorera kuti kana mukoma womunhu wapfa achisiya mukadzi wache asinai vana, munin'ina womupfi mbaatore mukadzi amutsire vana kumukoma wache. 29Manje paiva novanakomana vanomwe, vomunhu mubodzi. Wokuthanga adotora mukadzi, ndokupfa asinai vana. 30Wochipiri 31nowochitatu vadomutorawo, futi vese vari vanomwe vadomutora ndokupfa pasinai adoita vana naye. 32Pasure mukadziyo adodzopfawo. 33Manje pakumuka kwovadopfa, mukadzi wakareyo achava waani? Nokuti vanomwe vadomuita mukadzi.” 34Jesu adoti kwavari, “Vanhu vonguwa ino vanoroora nokuroodzewa, 35asi avo vanonzi vadofanira kupinda munguwa iyoyo nomukumuka kwovadopfa vanorooraba kana kuroodzewa, 36Ndava vachapfaba, nokuti vadoenzana nongirozi pakare mbana vaMwari, zvavari vanakomana vokumuka kuvadopfa. 37Asi zvokuti vadopfa vanomuka, kana Mozisi adozvinangidza pandima yodzambwa raipfuta, paanodaidza Ishe kuti Mwari waAbhurahamu naMwari waIsaki naMwari waJakobho. 38Manje haazi Mwari wovadopfa asi wovapenyu, ndava kwaari vese mbapenyu.” 39Zvino vamwe vanyori vadopindura, “Mudzidzisi, mapindura bhwino.” 40Ndava vadodzotsungaba kumubvunza chero mubvunzo.
Mubvunzo Pamusoro paMesiya
(Mateo 22:41-46; Mariko 12:35-37)
41Asi adoti kwavari, “Vanotaura tini vachiti Khirisitu Mwanakomana waDhavhiti?” 42Ndava Dhavhiti pachake mubhuku raMaphisarema anoti,
“Ishe adoti kuna Ishe wangu,
Gara kuruoko rangu roruji,
43kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chotsoka dzako.”
44“Manje kana Dhavhiti achimudaidza kuti Ishe, anodzova Mwanakomana wache tini?”
Jesu Anovachenjedza Pamusoro Povadzidzisi Vomutemo
(Mateo 23:1-36; Mariko 12:38-40)
45Vanhu vese vachinzva adoti kuvadzidzi vache, 46“Chenjererai vanyori vanofarira kufamba vadosimira majasi marefu, vachida kumoresewa mumisika nokugara pamipando idonakitsitsa mumasinagoge nonzvimbo dzokukudziwa pamabiko, 47vanoparadza dzimba dzovajiche vachinyepera kuita minamato mirefu. Vachapasiwa mhosva ikuru.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 20: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: