Ruka 19
19
Jesu naZakeyo
1Adopinda nomuJeriko maanga achipindirira. 2Panga pano murume waiitiwa Zakeyo, waiva mukuru wovateresi, adopfuma. 3Adotsvaga kuona kuti Jesu mbani, asi waigonaba, nondava yovanhu nokuti wanga ari mupfupi. 4Saka adomhanyira kumberi ndokukwira mumuti womukuyu kuti amuone, nokuti wanga waakupinda nopakarepo. 5Zvino Jesu paadosvika pakarepo adonangara mudenga ndokuti kwaari, “Zakeyo, buruka nokamangu, ndava ndinofanira kugara kumba kwako nasi.”
6Saka adokurumidza kuburuka, ndokumutambira nomufaro. 7Pavadozviona vese vadonyunyuta, “Wapinda koita murendo womunhu mutadzi.”
8Zvino Zakeyo adosumuka ndokuti kuna Ishe, “Onai, Ishe, ndinopereka chikamu chopakati chopfuma yangu kuvarombo, futi kana pano chandabiridzira umwe munhu, ndinochidzotsera chapetewa kanai.”
9Jesu adoti kwaari, “Nasi ruponiso rapinda mumba muno, sezvo naiyewo ari mwanakomana waAbhurahamu. 10Ndava Mwanakomana woMunhu adouya kotsvaga nokuponesa chidotaika.”
Mufananidzo Wogumi roPondo
(Mateo 25:14-30)
11Pavainzva zvinhu zvakarezvi, adoenderera mberi kuvanyepa mufananidzo, ndava wanga wava papfupi noJerusarema, futi vaifunga kuti Umambo hwaMwari huchaoneka nokamangu. 12Nokudaro adoti, “Umwe murume, anoremekedzeka adoenda kunyika iri kurefu kopasiwa umambo nokubva wadzoka. 13Achidaidza varanda vache, adovapasa gumi ropondo, achiti kwavari, ‘Itai maronda nayo kusvikira ndauya.’ 14Asi nzvahwa dzachedzo dzaimuzonda dzidotumira mumiririri mumasure mache dzichiti, ‘Tinodaba murume wakareyo kuti atitonge.’”
15“Paadozodzoka wapasiwa umambo, adoraira varanda vakarevo vaadopasa mari, kuti vadaidziwe kuenda kwaari kuti azive zvavadowana pakuita maronda. 16Wokuthanga adouya kwaari achiti, ‘Ishe, pondo yenyu yazvara dzimwe pondo gumi.’ 17Iye adoti kwaari, ‘Waita mushe muranda adonaka! Ndava wanga udotendeka pazvishoma, uchava mukuru womaguta gumi.’ 18Wochipiri adouya ndokuti, ‘Ishe, pondo yenyu yazvara pondo dzishano.’ 19Zvino adoti kwaari, ‘Uchava mukuru womaguta mashano.’ 20Zvino umwe adouya achiti, ‘Ishe, pondo yenyu iyi yandidoputira nojira, 21ndava ndaikuchai, nokuti muri murume mukukutu, munotora chamusinai kuisa, munokohwa chamusinai kujara.’ 22Adoti kwaari, ‘Ndichakutonga nomashoko yomuromo wako, iwe muranda adoipa! Waziva zvako kuti ndiri murume mukukutu, anotora paasinai kuisa nokukohwa pandisinai kujara. 23Anga zvino udosairei kuisa mari yangu kubhengi, kuti pakuuya kwangu ndidzoitora yabereka?’ 24Zvino adoti kuno vanga vadomira pakarepo, ‘Mutorerei pondo, muipase kuno ano gumi ropondo.’ 25Ivo vadoti kwaari, ‘Ishe, ano gumi ropondo!’ 26‘Ndinokunyepai, kuti kuno anazvo achapasiwa zvizinji, asi asinai, nochaanofunga kuti anacho achatorehwa. 27Asi kana vari vavengi vangu ava, vanga vasingade kuti ndivatonge, uyai navo pano muvabaire pamberi pangu.’”
Kupinda MuJerusarema Achipemberehwa
(Mateo 21:1-11; Mariko 11:1-11; Johwani 12:12-19)
28Wapedza kunyaira zvakarezvi, adopfuurira mberi kuenda kuJerusarema. 29Wava panyasi noBhetifegi noBhetani, pagomo rinoitiwa roMiorivhi, adotuma vadzidzi vache vairi, 30achiti, “Pindai mumusha udonangarana nemi, pamunopinda muchawana kamhuru koburu kadosungirihwa, kasati kasinai kumbogadhiwa nomunhu, kasugudurei muuye nako kuno. 31Kana paita anokubvunzai kuti, ‘Muri kukasugudurirei?’ Munyepei kuti, ‘Ishe vari kukada.’”
32Saka vaye vadotumiwa vadoenda, ndokuzviwana zvidoita sekunyaira kwache. 33Pavanga vachisugudura kamhuru, venekachiro vakene vadoti kwavari, “Muri kukasugudurirei kamhuru koka?”
34Ivo vadoti, “Ishe vari kukada.” 35Zvino vadouya nako kuna Jesu, ndokukhandira hembe dzavo pakamwana koburu kuti Jesu adzigarire adokagadha. 36Achienda adogadha daipo, vadowaridza hembe dzavo munzira.
37Paanga wava papfupi, nopamateru yogomo roMiorivhi, gurusvusvu rese rovadzidzi ridothanga kufara nokurumbidza Mwari nomadzinga yopamusoro nondava yomabasa yese yosimba yavadoona. 38Vaiti, “Adokomborehwa Mambo anouya muzita raIshe! Runyararo kudenga nokubhwinya kumusorosoro!”
39Vamwe vaFarisi vanga vari mugurusvusvu vadoti kwaari, “Mudzidzisi, dzumai vadzidzi venyu.”
40Adopindura, “Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabhwe chaiyo yanothanga kudaidzira.”
Jesu Anoririra Jerusarema
41Paadosebera panyasi achiona guta adoriririra, 42achiti, “Dai waitoziva iye nasi chaiye zvinhu zvinouyisa runyararo! Asi manje zvidohwanziwa kubva pameso yako. 43Ndava mazuva yachakusvikira apo vavengi vako vachakupoteredza, vachikuvharira kumativi yese, 44Vachikuphomorera pasi, iwepa novana vako vari mauri, vanodzosiyaba dombo riri pamusoro porimwe mauri, ndava haunai kuziva nguwa yokubvakachihwa kwako.”
Jesu Anoenda kuImba yaMwari
(Mateo 21:12-17; Mariko 11:15-19; Johwani 2:13-22)
45Zvino adopinda muimba yaMwari ndokuthanga kudzinga vaitengesa, 46achiti kwavari, “Kudonyohwa kuti, ‘Imba yangu ichava imba yokunamatira,’ asi imimi muri kuiita bako romakororo.”
47Waidzidzisa ari muImba yaMwari mazuva yese. Vaphirisita vakuru, novanyori novakuru vovanhu vadotsvaga maparadziro yavaidzomuita, 48asi havanai kuwana chinhu chavaigona kuita, nokuti vanhu vese vanga vadondobatirira pamashoko yache.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 19: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: