Ruka 10
10
Jesu Anotuma Vanomakumi Manomwe Novairi
1Mumasure mozvakarezvi Ishe adomisikidza vanomakumi manomwe, ndokuvatuma kuenda mberi kwache, vari vairivairi, kumaguta yese nokunzvimbo dzaaidzoenda pachake. 2Adoti kwavari, “Goho ridowanditsa, asi vashandi vashoma, motonamata kuti Ishe muridzi wogoho atumire vashandi kugoho rake. 3Pindai munzira, onai, ndinokutumai sehwayana pakati pomasvitsi. 4Rekai kutakura chikwama, kana buthu rozvinhu, kana shangu, rekai kumoresa munhu panzira. 5Paimba yese yamunopinda, thangai kuti, ‘Rugare mbarive muimba ino!’ 6Kana mwanakomana worugare ari pakarepo, rugare renyu ruchagara paari, asi kana asipo, ruchadzoka kwamuri. 7Rambai muri mumba makaremo, muchija nokumwa zvamunopasiwa, nokuti mushandi anokodzero yomuripo wache, regai kuenda imba noimba. 8Pese pamunopinda muguta vachikutambirai, ijai zvinoisiwa pamberi penyu, 9poresai vahwere vari makaremo moti kwavari, ‘Umambo hwaMwari hwanyedza kwamuri.’ 10Asi kwese kwamunopinda muguta vasingakutambirei, endai mumigwagwa yarene moti kwariri, 11‘Kana nopfumbi roguta renyu ranamira patsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri, zvisinei zivai kuti, umambo hwaMwari hwauya papfupi.’ 12Ndinokuudzai, pazuva rakarero zvichanyanya kurerukira Sodhoma kupinda guta rakarero.”
Maguta Yasinai Kutenda
(Mateo 11:20-24)
13“Mayanga kwauri, Korazini! Mayanga kwauri, Bhetisaidha! Ndava dai mabasa yosimba yadoitiwa mauri, yadoitiwa muThire nomuSidhoni, dai vadopinduka kare kare, vadototi mvocha murota vadosimira masaga. 14Asi Tire noSidhoni vacharerukihwa pakutongewa kupinda imimi. 15Naiwewe Kaperenaume, uchasumudzihwa kudzuru chere? Uchaburutsihwa kuHadhesi. 16Uyo anokunzvai anonzva inini, noanokurambai anorambawo inini, noanondiramba anorambawo adondituma.”
Vanomakumi Manomwe Novairi Vanodzoka
17Vanomakumi manomwe vadodzoka nomufaro, vachiti, “Ishe, kana mashave yanga yachizviisa pasi pedu muzita renyu!”
18Zvino adoti kwavari, “Ndidoona Sathani achiwa kubva kudenga kunge mheni. 19Onai, ndidokupasai chikuriri chokutsika pamusoro ponyoka nomarize, kuti muve pamusoro pomasimba yese yomuvengi, futi hapanai chichakukuwadzai. 20Zvisinei regai kufara nozvakarezvi, zvokuti mweya inokuchai, asi farirai kuti mazita yenyu yadonyohwa kudenga.”
Jesu Anofara
(Mateo 11:25-27; 13:16-17)
21Muawa ibodziyo adofara muMweya Mutsvene ndokuti, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wodenga nonyika, kuti mudohwandisa zvinhu zvakarezvi kuno vadochenjera novanonzvitsitsa futi mudozviisa pachenu kuvana, Inde, Baba, ndava zvakarezvo ndizvo zvidova kuda kwenyu kwonyasha.”
22“Zvinhu zvese zvidopasiwa kwandiri naBaba vangu, futi hapanai anoziva kuti Mwanakomana mbani kusiya kwaBaba, kana kuti Baba mbani kunze kwoMwanakomana nowese anenge asaruriwa noMwanakomana kuti amuisire pachenu.”
23Zvino adochunungukira kuvadzidzi vache ndokuvanyepa zvidovanzika achiti, “Yadokomborehwa meso yanoona zvamuri kuona! 24Ndava ndinokunyepai kuti vaporofiti vazinji nomadzimambo vaida kuona zvamuri kuona, asi vadozvionaba, nokunzva zvamuri kunzva, asi vadozvinzvaba.”
Mufananidzo womuSamariya Adonaka
25Zvino gweta, ridosumuka richimuedza richiti, “Mudzidzisi, chii chandingaite kuti ndigare nhaka youpenyu husingapere?”
26Adoti kwaari, “Chii chidonyohwa mumutemo? Unoverenga tini?”
27Futi adopindura achiti, “‘Unofanira kuda Ishe Mwari wako nomwoyo wako wese, nomweya wako wese, nosimba rako rese, nokufunga kwako kwese, nokuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita.’”
28Futi adoti kwaari, “Wapindura zvidokohoroka, enda woita zvakarezvi, urarame.”
29Asi iye, achida kuzviita munatsi, adoti kuna Jesu, “Mabiyangu wacho mbani?” 30Jesu adopindura achiti, “Murume waiburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko, adobatiwa nomakororo, yadomusunhura nokumurova, nokumukuwadza vachibva vaenda vachimusiya wakomoka. 31Zvino muphirisita waitekairawo nonzira yakareyo, paadoona murume wakareyo adotsambuka achimutsemba. 32MuRevhiwo, paadosvika pakarepo achiona, adotsambuka achimutsemba kamu. 33Asi muSamariya, wanga ari pahwendo, paadosvika paanga ari, paadomuona, adomunzvira tsitsi, 34adoenda paari, ndokudira mapfuta nowaini pazvironda zvache, achizvipomberera, achibva wamukwidza paburu rache, achimuendesa kuimba yovarendo, kwaadomuchengetera. 35Mangwana yacho adobiritsa madhinari yake mairi achiyapasa muchengeti woimba yovarendo, achiti, ‘Muchengetei, pandinodzoka ndinodzoripa zvimwe zvese zvamunenge mashandisa.’”
36“Mbani pavatatu vakarevo, waunofunga, kuti ndiye adoratidza kuva mabiyake kumurume wokubatiwa nomakororo?”
37Ridoti, “Nyakumunzvira tsitsi.”
Jesu adoti kwaari, “Endawo woita zvakarezvo.”
Jesu Anobvakachira Marita naMariya
38Zvino pavanga vachienda, adopinda mumusha, mukadzi waiitiwa Marita adomutambira mumba mache. 39Wanga ari mukoma nomunin'ina naMariya, nyakudzogara patsoka dzaIshe achitetekera zvaaidzidzisa. 40Asi Marita anga achitadzisiwa nokutenaira kudonyanya, adoenda kwaari achiti, “Ishe, hamunei nazvo kuti mabiyangu wandisiya ndichitenaira ndega? Muudzei kuti andibatsirewo.”
41Asi Ishe vadomupindura achiti, “Marita, Marita, unoshushikana nokuzvishupa nozvinhu zvidowanditsa, 42pano chinhu chibodzi chinodiwa, Mariya adosarura chikamu chidonaka, chaasingadzotorehwa.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Ruka 10: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International