Johwani 7

7
Jesu Novanin'ina Vache
1Mumasure mozvakarezvo Jesu adopoterera nomuGaririya, waifamba fambaba muJudhiya nokuti maJudha vaitsvaga kumubaya. 2Zvino mutambo wovaJudha woMatumba wanga waakusvika. 3Saka vanin'ina vache vadoti kwaari, “Birika pano uende kuJudhiya kuti vadzidzi vako vaone mabasa yauri kuita. 4Nokuti hapanai munhu anoshanda kabisira iye achida kuti azikane. Kana uchiita zvinhu zvakarezvi, zvinangidze kunyika.” 5Nokuti naivo vanin'ina vache vanga vasingamutendewo.
6Jesu adoti kwavari, “Nguwa yangu hainati yasvika, asi kwamuri chero nguwa idokodzera. 7Vanhu vomunyika havagone kukuzondai, asi vanozonda inini ndava ndinopasa upfakazi hwokuti mabasa yavo yadonyangara. 8Endai kumutambo imimi, inipano ndiri kuendaba kumutambo wakareyu, ndava nguwa yangu inokodzera hainati yasvika.” 9Mumasure mokunyaira ikoko, adoramba ari muGaririya.
Jesu Pamutambo woMatumba
10Asi mumasure mokuenda kwovanin'ina vache kumutambo, iye adozoendawo, asingazviise pachenu, asi achizvisvisva. 11Vatungamiri vovaJudha vanga vachimutsvaga pamutambo, vachiti, “Ari poi?”
12Panga pano kunyaira nyaira kwovanhu kudowanda pamusoro pache. Ukuwo vamwe vaiti, “Munhu adonaka,” vamwe vachiti, “Neye, ari kutsambutsa vanhu.” 13Asi nokucha vatungamiri vovaJudha hapanai adonyaira pachena pamusoro pache.
14Panenge pakati pomutambo Jesu adoenda muchivanze choimba yamwari ndokudzidzisa. 15MaJudha vadoshamisika nazvo vachiti, “Seiko munhu wakareyu achiziva maninge, asi iye asinai kupfunda?”
16Saka Jesu adovapindura, “Dzidziso yangu njanguba, asi njaiye adondituma. 17Kana munhu upi zvache achida kuita kuda kwaMwari, achaziva kana kudzidzisa kwangu kuchibva kuna Mwari, kana kuti ndiri kundonyaira zvangu ndega. 18Uyo anozvinyaira pachake anotsvaga kukudziwa kwache. Asi anotsvaga kukudziwa kwoadomutuma pachokwadi, munowakareyo hamunai mabhwodo. 19Mozisi adokupasaiba mutemo? Asi hapanai kana mumwe wenyu anouchengeta. Sei muchitsvaga kundibaya?”
20Vanhu vadopindura vachiti, “Unoshave! Mbani ari kuda kukubaya?”
21Jesu adovapindura achiti, “Ndidoita chishamiso chibodzi, imipa mese mudoshamisika nacho. 22Mozisi adokurairai kuti muchecheudze vanakomana venyu (aikona kuti zvidobva kwaari, asi zvidobva kumadzibaba yenyu), naimipa munochecheudza munhu paSabata. 23Kana munhu achichecheudziwa paSabata, kuti mutemo waMozisi uregedze kuchohwa, maakundikaripira ndava ndaporesa munhu paSabata? 24Regedzai kutongera tsvete, asi tongai zvidorungama.”
Ko Jesu Ndiye Mesiya Nai?
25Vamwe vanhu vokuJerusarema vadodzoti, “Iyeyu ndiyeba nai munhu wavanga vachitsvaga kuti vabaye? 26Nguyu ari kunyaira pajekerere, futi hapanai chavari kunyaira kwaari! Zvingave izvo chere kuti vakuru vanonatsa kuziva kuti ndiye Khirisitu? 27Manje tinoziva kunobva munhu wakareyu, asi panooneka Khirisitu, hapanai anoziva kwaanobva.”
28Saka Jesu paanga achidzidzisira muchivanze choimba yaMwari adodaidzira achiti, “Munondiziva, futi munoziva kwandinobva. Asi ndidouyaba nokuda kwangu, uyo adondituma ndiye chokwadi. asi munomuzivaba, 29inini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, futi adondituma.”
30Saka vadotsvaga kumusunga, asi hapanai adomubata, nokuti nguwa yache yanga isati yakwana. 31Zvidodaipo vanhu vadowanda vadotenda kwaari, vadoti, “Kana Khirisitu wacho wauya, achaita zviratidzo zvizinji kukunda zvidoitiwa nomunhu iyeyu chere?”
Varindi Vanotumiwa Kosunga Jesu
32VaFarisi vadonzva mhomho yovanhu ichindonyaira nyaira pamusoro paJesu. Saka vatungamiri vovaphirisita novaFarisi vadotuma varindi voimba yaMwari kuti vamusunge. 33Zvino Jesu adoti, “Ndichava nemi kanguwa kapfupi, ndobva ndaenda kuno adondituma. 34Muchanditsvaga asi munondiwanaba, kwandinenge ndiri munokonaba kuuya.”
35Vatungamiri vovaJudha vadonyairirana vachiti, “Nghupi kwaari kuda kuenda munhu wakareyu kwatisingadzomuwana? Anoda kuenda koporika muvanhu vedu vari mukati momaguta yomaGiriki kodzidzisa maGiriki chere? 36Anorevei kana achiti, ‘Muchanditsvaga asi munondiwanaba,’ uye kuti, ‘Kwandinenge ndiri munokonaba kuuya?’”
Tuhwizi Tomvura Inopasa Upenyu
37Pazuva rikuru rokupedzisira kwomutambo, Jesu adosimuka ndokudaidzira achiti, “Kana pano anonyota, mbaauye kwandiri amwe. 38Uyo anotenda kwandiri, sezvidotauhwa noGwaro, ‘Mumwoyo mache muchaerera tuhwizi twomvura youpenyu.’” 39Manje zvakarezvi wanga achireva Mweya, waidzotambiriwa novaye vadotenda kwaari, nokuti kupasiwa Mweya kwanga kusati kwaitika, ndava Jesu wanga asati wasimudzihwa pakubhwinya.
Kupesana Pakati Povanhu
40Pavadonzva mazvi yakareya, vamwe vavo vadoti, “Chokwadi iyeyu ndiye muporofiti uye wataitarisira.”
41Vamwe vadoti, “Iyeyu ndiye Khirisitu.”
Asi vamwe vadoti, “Ko Khirisitu angauye achibva kuGaririya chere? 42Ko Gwaro harina kuti Khirisitu waidzova nzvahwa yaDhavhiti, achibva kuBheterehema, musha waigara Dhavhiti?” 43Saka padova nokupesana pakati povanhu nondava yache. 44Vamwe vavo vaida kumusunga, asi hapanai adomubata.
Kusatenda Kwovatungamiri vovaJudha
45Varindi voimba yaMwari vadodzoka kuvatungamiri vovaphirisita nokuvaFarisi, ndokubva vavabvunza vachiti, “Sei musina kuuya naye?”
46Varindi voimba yaMwari vadopindura vachiti, “Hapanai munhu adombonyaira kunge munhu wakareyu!”
47VaFarisi vadobva vavapindura vachiti, “Ko naimimiwo matsambutsiwa nai? 48Pano umwe pakati povatungamiri kana pakati povaFarisi watenda kwaari chere? 49Aiwa! Asi gurusvusvu rakareri, risingazivi mutemo ridoshurikidziwa.”
50Nikodhimo, uyo adomboenda kuna Jesu, uku ari umwe wavo, adoti kwaari, 51“Ko mutemo wedu unopomera mhosva munhu asinati wanzviwa nokuzikana kuti anoitei chere?”
52Vadopindura vachiti, “Naiwewe unobva kuGaririya chere? Zvitsvage mumaGwaro, uchaona kuti hapanai muporofiti achabva kuGaririya.” 53Ipopo munhu wese adobva waenda kumba kwache.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Johwani 7: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល