Johwani 21

21
Jesu Anozvinangidza Kuvadzidzi Vanomwe
1Mumasure mozvakarezvi Jesu adobirika pachenu kuvadzidzi panyasi pogungwa roTaibheriyasi, futi adozvionesa nomutoo udodai. 2Simoni Pita, Thomasi waiitiwa womaMhasa, naNatanieri wokuKhana roGaririya, vanakomana vaZebhedhiya pabodzi novamwewo vadzidzi vairi. 3Simoni Pita adoti kwavari, “Ndaakuenda koraura.”
Vadoti kwaari, “Tichaenda naiwewe.” Vadobirika ndokupinda mukamwadiya, asi havanai kubata chinhu usiku hwakarehwo. 4Zuva paranga rakubirika, Jesu adomira pamhenderekedzo yogungwa, uku vadzidzi vadozivaba kuti wanga ari Jesu. 5Jesu adoti kwavari,
“Shamwari dzangu, munohove chere?” Vadomupindura vachiti, “Neye.” 6Adoti kwavari, “Khandirai mambure kuruji rokamwadiya, kuti mubate.” Saka vadoyakhanda, ndokutotadza kuyadhonzera mukati nokuwanda kwohove.
7Uye mudzidzi waidiwa naJesu adoti kuna Pita, “NdiIshe!” Simoni Pita paadonzva kuti ndiIshe, adopfeka hembe dzache, ndava wanga wadzisunhura, wandosara nozvomukati, adozvikhandira mugungwa. 8Asi vamwe vadzidzi vadouya vari mukamwadiya, vachizvuva mambure yadozara nohove, ndava vanga vasiri kurefu nopanyika, asi panga padondoita mamita yanokwana zana. 9Pavadobirika vava panyika vadoona moto womarasha padotosasikiwa hove nomazingwa. 10Jesu adoti kwavari, “Uyai nodzimwe hove dzamabata popa.”
11Saka Simoni Pita adopinda ndokuzvuva mambure kunze, yanga yadozara nohove dzikurufutidzo, dzanga dzichitosvika zana ribodzi nomakumi mashano yanodzitatu, futi kunyange dzanga dzidowanditsa daipo mambure hayanai kukeruka. 12Jesu adoti kwavari, “Uyai muje zvokuja zvomangwanani.” Zvino hapanai mudzidzi adotsunga kumubvunza kuti, “Ndimi yani?” Vadoziva kuti ndiIshe. 13Jesu adosvika ndokutora mazingwa achivapasa, nohove pakare.
14Kakareka kanga kari kochitatu, Jesu achizvinangidza kuvadzidzi mumasure mokumuka kuvadopfa.
Jesu naPita
15Pavadopedza kuja kwomangwanani, Jesu adoti kuna Simoni Pita, “Simoni, mwanakomana waJohwani, unondiditsa kukunda ava chere?” Adoti kwaari,
“Inde, Ishe; munozviziva kuti ndinokudai.”
Jesu adoti kwaari, “Posha hwai dzangu dzidiki.” 16Kochipiri adomuti pakare, “Simoni, Mwanakomana waJohwani, unondida chere?” Adoti kwaari,
“Inde, Ishe; munozviziva kuti ndinokudai.”
Adoti kwaari, “Chengeta hwai dzangu.” 17Adoti kwaari kochitatu, “Simoni, mwanakomana waJohwani, Unondida chere?”
Pita adokaripa nazvo ndava wanga wati kwaari kochitatu, “Unondida chere?” Adoti futi kwaari, “Ishe, munoziva zvinhu zvese; munoziva kuti ndinokudai.”
Jesu adoti kwaari, “Posha hwai dzangu. 18Ndinokunyairira zvochokwadi, pawanga uri mudiki, waizvisunga wotekaira kuenda kwawaida; asi kana wakura uchatambanudza manja yako, umwewo achakusunga wokuendesa kwausingade kuenda.” 19(Zvakarezvi adozvinyairira kunangidza rudzi roipfa yaaidzoita kuti Mwari akudziwe). Futi pazvidopera zvakarezvo adoti kwaari, “Nditevere.”
Jesu Noumwe Mudzidzi
20 # 21:20: Johwani 13.25 Pita adocheuka ndokuona mudzidzi waidiwa naJesu achivatevera, uye wanga adotsveyamira papfupi naye pakuja kwomauro, adodzoti, “Ishe, mbani achakupandukirai?” 21Pita paadomuona adoti kuna Jesu, “Ishe, komurume uyu?”
22Jesu adoti kwaari, “Kana kukava kuda kwangu kuti arambe aripo kusvikira ndauya, zvinochokuita chei naiwewe? Nditevere!”
23Kunyaira kwakareku kudopamwarira kwese kwese pakati pohama kuti mudzidzi wakareyu waidzopfaba, asi Jesu haanai kumuti wanga asingadzopfa, asi, adoti, “Kana kuri kuda kwangu kuti arambe aripo kusvika ndichiuya, zvinochokuita chei naiwewe?”
24Ndiye mudzidzi ari kupa upfakazi hwozvinhu zvakarezvi, adodzonyora pakare zvakarezvi; futi tinoziva kuti kupupura kwache mhwochokwadi.
Kupeta
25Asi panozvimwewo zvinhu zvidowanda zvidoitiwa naJesu, dai zvese zvidonyorewa chibodzi nochibodzi, ndinofunga kuti pasi pese paikonaba kukwana mabhuku yaidzonyorewa.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Johwani 21: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល