Jakobho Kuwidzira

Kuwidzira
Tsamba raJakobho ridonyohwa noumwe munhu waiitiwa Jakobho anogona kuva Jakobho munin'ina waJesu wanga ari mutungamiri mukherekhe yokuthanga ari umwe wovodare ropaJerusarema (Mabasa 15:13). Nhumwa Phauro anomudaidzawo kuti “bango” rokherekhe pana (vaGaratiya 2:9). Ana muzvinafundo vanotenda kuti tsamba raJakobho ridonyohwa kumakore yokumakumi mashano sure kwokuberekewa kwaKhirisitu. Sezvo Jakobho wanga ari mutungamiri wokherekhe muJerusarema, kabanga adonyora tsamba iri achiri kugara makaremo.
Tsamba rache Jakobho adorinyorera “ndudzi gumi nodziiri dzidopararira pakati pomarudzi” (Jakobho 1:1). Zvidzidzo zviri muna Jakobho zvinobata maKhirisitu vese asi kushandisiwa kwomashoko “ndudzi gumi nodziiri” zvinoita kunge Jakobho adonyora adonanga maKhirisitu vochiJudha. Nondava yokuti tsamba rakareri ridoitihwa kubata boka rikuru rovaverengi, rinomisoro yonyaya idowanda. Jakobho anonangana noukama huri pakati pokutenda nozviito. Kutenda kwochokwadi kunoonesewa nokuita (Jakobho 2:17). Anochenjedzawo pamusoro pokunangidza tsvete kuvapfumi (Jakobho 2:1-4) nokutiudza kuti tichenjerere zvatinonyaira (Jakobho 3:1-12)
Marongehwo
Jakobho anomoresa vaverengi vache (Jakobho 1:1)
Chinotevera anokurudzira maKhirisitu kutsungirira pakutambudzika (Jakobho 1:2-27)
Wodzotaura makoshero yokuti kutenda kuti kunangidziwe nozviito (Jakobho 2:1-26)
Pasure pozvakarezvo anotaura simba rinogona kuva mumashoko (Jakobho 3:1-12)
Jakobho anotsanangura zvino musiyaniro udoita uchenjeri hwaMwari nouchenjeri hwonyika (Jakobho 3:13—4:10)
Chinotevera anoyambira vaverengi vache pamusoro pokuzvikudza (Jakobho 4:11—5:6)
Jakobho anopedzisa tsamba rache nokupasa rairo dzidosiyanasiyana. (Jakobho 5:7-20)

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Jakobho Kuwidzira: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល