Jakobho 1
1
1Kubva kana Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Khirisitu.
Kumarudzi gumi nomairi yadofararira pakati pomarudzi,
Moroi.
Kutenda noUchenjeri
2Hama dzangu, mbondotii mufaro basi, pese pamunopinda mumiedzo idosiyanasiyana, 3ndava munoziva kuti kuedzewa kwokutenda kwenyu kunozvara kutsungirira. 4Kutsungirira kunofanira kupedza basa rakwene kuti muve mipurumira idokwana pasinai chamunosaya. 5Kana panoumwe wenyu anosaya uchenjeri, mbaakumbire Mwari, anondopereka zvidotambanuka kuvanhu vese uye asingatsvage mhosva, achahupasiwa. 6Asi mbaakumbire nokutenda asingatsakidze, ndava anotsakidza adoita kunge fungu rogungwa rinosundiwa nokupupurutsiwa nomhepo. 7Munhu wakareyo mbaareke kutarisira kuti achatambira chinhu kuna Ishe, 8munhu adodaroyo anomifungo miviri, anodekharikaba pazvese zvaanoita.
Urombo noUpfumi
9Hama iri pasipasi mbaidade nokukwiridzihwa kwayene, 10nomupfumi mbaadade nokuderedzewa kwache, ndava achapfuruka kunge ruva romusango. 11Ndava zuva rinobirika nochithuthu charene rosvavisa usva, ruva rousvaho rinokuhumuka, kunaka kwarene kunoparara. Ndizvo zvichaita mupfumi achaumbuka ari pakati pokuita maronda yache.
Kuedzewa
12Adokomborehwa munhu anotsungirira pamuedzo, ndava kana wakunda pakuedzewa achatambira korona youpenyu idovimbisiwa naMwari kuno avo vanomuda. 13Pakuedzewa, mbapareke kuva nomunhu anoti, “Ndiri kuedzewa naMwari,” Ndava Mwari anoedzewaba nozvidoipa, naiye pachake anoedzaba munhu. 14Asi munhu wese anoedzewa kana zvido zvache zvidoipa zvamukwezva nokumunyengedza. 15Zvino kana chido chidoipa chabata, chinozvara chitadzo, chitadzo kana chakuritsa, chinozvara ipfa.
16Hama dzangu dzinodikana rekai kunyengedzewa. 17Chidonaka chese nochipo chese chidokwana chinoburuka chichibva kudzuru, kuna Baba vozviedza vasingasanduke kunge mimvuri inonyedza. 18Vadosarudza kutizvara kuburikidza noshoko rochokwadi, kuti tive chibereko chokuthanga chozvisikwa zvavo.
Kunzva noKuita
19Hama dzangu dzinodikana, zivai zvinhu zvakarezvi. Munhu wese mbaakurumidze kunzva, achehwe kunyaira futi achehwe kukaripa, 20ndava ukari hwomunhu hunouyisaba kururama kunodiwa naMwari. 21Saka bisai tsambwa dzese nokuipa kudowanda, nokuzvininipisa mutambire shoko ridotimbikiwa mamuri, rinogona kukuponesai.
22Rekerai kuzvinyengedza nokundotetekera shoko basi, asi itai zvarinoreva. 23Wese anotetekera shoko asi asingaite zvarinoreva adofanana nomunhu anoona chiso chache pachiringiriro, 24anoti kana wabva kuzvinangara, anoenda achibva wakangamwirafuti kuti adoita tini. 25Asi munhu anonatsa kunangara mutemo udokwana unosunungura, kana akaramba achiita daro, asingakoshiwe zvaanzva, asi achizviita, acharopafadziwa panozvaanoita.
26Uyo anozviona semunamati asi asingadzore chirimi chache, anozvinyengedza nokunamata kwacheko hakunai nokabonyo kese. 27Kunamata kunotambihwa naMwari Baba sekudochena kusinai tsambwa nghuku, kuchengeta hungwa novajiche pakutambudzika kwavo nokuzvichengeta kubva pakusvipisiwa nonyika.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Jakobho 1: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: