Jakobho 2
2
Chenjedzo pamusoro poTsvete
1Hama dzangu, sevatendi muna Jesu Khirisitu Ishe wedu wokubhwinya, rekai kuva norusarura. 2Tomboti paungano penyu pauya munhu adosimira mbacha dzidonaka nomhete yondarama, pouyawo murombo adosimira marengenya, 3kana mukanangidza kuremekedza kwopamusoro kumunhu adosimira zvidonaka momuti, “Garirai pamupando udonaka uyu,” asi moti kumurombo, “Mira apo,” kana kuti “Gara pasi pandidotsika,” 4hamusi kusarurana nai, nokuva vatongi vano pfungwa dzidoipa?
5Hama dzangu dzinodikana, tetekerai, anga Mwari haanai chere kusarudza vayevaye vanooneka nonyika kunge vadosauka kuti vave zvinoto pakutenda uye kuti vaje nhaka youmambo hwaadovimbisa ivo vanomuda? 6Asi mudozvidza varombo. Anga vapfumi ndivoba nai vari kukudzvinyirirai? Ndivoba nai vari kukukakatirai kudare? 7Ndivoba nai vari kushora zita rinokudziwa ramudotenzewa?
8Kana muchinatsa kuzazisa mutemo woumambo, maererano nogwaro rinoti, “Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita,” munoita zvidonaka. 9Asi kana muchinangidza rusaruro, muri kuita chitema, mutemo unokukomwesai sevachori vomutemo. 10Ndava wese anochengeta mupurumira womutemo asi achiphonya pabodzi anomhosva yokuchora wese. 11Nokuti uyo adoti, “Reka kuita upombwe,” ndiye adotiwo, “Reka kubaya.” Kana usingaite upombwe, asi uchibaya wava muchori womutemo. 12Nyairai nokuita kunge vaye vachatongewa nomutemo unosunungura, 13ndava mutongo usinai tsitsi uchanangidziwa kuno wese wanga asinai tsitsi. Tsitsi dzinokurira mutongo.
Kutenda noZviito
14Zvinokabonyo kei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asinai zviito? Kutenda kwacheko kungamuchidze nai? 15Tomboti vatendi biyedu vasinai zvokusimira kana zvokuja zvopazuva nozuva, 16umwe wenyu akati kwavari, “Endai murugare, muthumihwe nokuja muchiguta,” pasinai zvaavaitira pakusaya kwavo, zvingave nokabonyo kei? 17Ndizvo zvidoita kutenda kwega kwega kusinai zviito, kudopfa.
18Asi umwe angati, “Uno kutenda, inini ndino zviito.” Ndinangidze kutenda kwako kusinai zviito, inini ndikunangidze kutenda kwangu kuburikidza nozvandinoita. 19Iwewe unotenda kuti kuna Mwari mubodzi. Zvidonaka! Kana mashave yanotendawo zvakarezvo yachitogwagwadza nokucha. 20Iwe dzemwa, unoda chere kunangidziwa kuti kutenda kusinai zviito hakunai kabonyo? 21Anga baba wedu Abhurahamu adoitiwaba adorurama nondava yozvaadoita, paadopira mwanakomana wache Isaki paatari? 22Waona kuti kutenda kwache nozviito zvaishanda pabodzi, uye kuti kutenda kwache kudokwanisiwa nozvaadoita. 23Futi gwaro ridozazisiwa rinoti, “Abhurahamu adotenda Mwari, kwaari kuchibva kwanzi nghururama,” futi adobva waitiwa shamwari yaMwari. 24Maona kuti munhu anoruramisiwa nozvaanoita aikona nokutenda kwegakwega.
25Nzvibodzibodzi kana naRahabhi pfambi, haanai nai kuitiwa adorurama nondava yozvaadoita paadotambira nhumwa achidzodziendesa noimwe nzira? 26Sezvidoita muviri kana usinai mweya udopfa, nokutendawo kusinai zviito kudopfa.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Jakobho 2: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International