Mabasa yoNhumwa Kuwidzira

Kuwidzira
Bhuku raMabasa rinotohwa senyaya yokuthanga kwoKherekhe nokuingidzika kukura kwayene kubva muJerusarema ichienda kuJudhiya, nokuSamariya, ichimbondoenda dzamara yasvika kurefurefu, maererano nozvidonyaihwa naJesu kuvadzidzi vache asati wakwira kudenga (Mabasa 1:8).
Bhuku rakareri ridonyohwa naRuka, anova mubodzibodziyo adonyora bhuku rinoitiwa Vhangeri ridonyohwa naRuka. Ruka wacho waiva chiremba futi mumanyorero yache wainatsa kudonongodza zvidoitika. Zvinyohwa zvache zvese zvinoti, Vhangeri raRuka naMabasa yoNhumwa zvidonyorehwa munhu waiitiwa Tiyofirasi, waiva muGiriki. Mabhuku yacho yadonyohwa kuti yabatsire ungano dzese dzovatendi, kusanganisa vese vochiGiriki novochiJudha (Mabasa 1:1).
Bhuku raMabasa rinogona kunge ridonyohwa pakati pomakore makumi matanhatu kana kuti makumi matanhatu nomanai mumasure mokuzvahwa kwaKhirisitu, nokuti bhuku racho rinopera Phauro asati wasununguhwa mutorongo. Ruka adofambawo noNhumwa Phauro munzendo dzache futi anogona kunge adonyora bhuku raMabasa paanga ari muguta rinoitiwa Andiyoki. Bhuku raMabasa yoNhumwa rinotova Vhangeri raRuka richiri kuenderera kumberi, futi bhuku rakareri rinothanga richinyaira pamusoro paJesu achikwira kudenga. Chikonzero chaRuka chokunyora bhuku rakareri nyhibodzibodzi nochaadonyorera Vhangeri raRuka. Waida kuti Tiyofirasi pabodzi novatendi vanga vachiingidzika mukuwanda kuti vave nochokwadi pamusoro pozvavadodzidzisiwa. Saka adovanyorera nhoroondo yokurarama kwaJesu noyokuenda kunzvimbo dzidowanda kwochiKhirisitu. Bhuku raMabasa rinotipasa muenzaniso wozvanga zvidoita Kherekhe yokuthanga nozvazvanga zvidoita kurarama upenyu hwokutenda muna Jesu. Mienzaniso yese inopasiwa nonhumwa inonangidza matsamiriro yatinofanira kuita kusimba roMweya Mutsvene kuti tigone kuendesa vhangeri kunovamwe vasati varinzva.
Marongehwo:
Chokuthanga Mweya Mutsvene anouya pamusoro ponhumwa zvinodzoita kuti kherekhe ithange kukura (Mabasa 1:1—8:1)
Chiitiko chochipiri nyhokuti kherekhe inotambudziwa zvoiita kuti ithange kufararira kunze kwoJerusarema (Mabasa 8:2—12:23)
Mumasure mozvakarezvo Phauro anopinda pahwendo hwache hwokuthanga hwokuenda koshumira vhangeri (Mabasa 12:24—14:28)
Padodzoita boka rovakuru ridokumana muJerusarema kuti pave nokutenderana uye kumisikidziwa kwozvinodiwa pakuva mutendi woChibvumirano Chitsva (Mabasa 15:1-35)
Mumasure mozvakarezvi Phauro anopinda pahwendo hwache hwochipiri hwokoshumira (Mabasa 15:36—18:22)
Zvino Phauro anodzopinda pakamu pahwendo hwache hwoushumiri hwochitatu (Mabasa 18:23—20:38)
Zvino Phauro anodzosungiwa ari muJerusarema (Mabasa 21:1—26:32)
Phauro anopedzisira nokuendesewa kuRoma ari musungwa (Mabasa 27:1—28:31).

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mabasa yoNhumwa Kuwidzira: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល