Mabasa yoNhumwa 1

1
Tiyofirasi
1Tiyofirasi, ndidonyora mubhuku rangu rokuthanga pamusoro pozvese zvidothanga kuitiwa nokudzidzisiwa naJesu, 2kusvikira pazuva raadokwidziwa kudenga. Mumasure mokupasa rairo kuburikidza naMweya Mutsvene kunhumwa dzaadosarura. 3Vaadozvinangidzawo kwavari nozviratidzo zvidowanditsa kuti mupenyu, mumasure mokutambudzika kwache. Iye adozvinangidza kwavari kwomazuva makumi manai achinyaira pamusoro pozvoumambo hwaMwari. 4Adovaraira paanga achija navo achiti, “Rekai kubirika muJerusarema, asi garirirai chipo chidovimbisiwa naBaba vangu chamudonzva ndichinyaira pamusoro pachene. 5Nokuti Johwani adoombeka nomvura, asi mumazuva mashomashoma muchaombekewa naMweya Mutsvene.”
Jesu Anokwira Kudenga
6Manje vadoti vaungana, vadomubvunza, vachiti, “Ishe maakudzotsera umambo kuvaIzirairi nonguwa ino chere?”
7Iye adoti kwavari, “Hazvinai kufanira kuti muzive nguwa nomisi idotahwa naBaba pachavo nosimba ravo. 8Asi muchatambira simba kana Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu, ipopo muchava pfakazi dzangu paJerusarema, nopaJudhiya rese, nopaSamariya, kusvikira kudoperera nyika.” 9Zvino mumasure mokunyaira zvakarezvi, vadomunangara daipo, adokwidziwa kudenga, uye guti ridomusvisva havanai kudzomuona.
10Zvino pavanga vadonangaritsa kudzuru iye achikwira, pakarepo nokamangu vadoona varume vairi vanga vadosimira hembe dzichena vadomira padivi pavo 11ivo vadoti, “Naimi varume voGaririya, mudomirireiko popano mudonangara kudzuru? Jesu mubodzibodziyu, wabiritsiwa kwamuri achikwidziwa kudenga, achadzoka nonzira ibodzibodzi yamamuona achienda nayo kudenga.”
Matiyasi Anoisiwa Panzvimbo yaJudhasi
12Pakarepo nhumwa dzidodzokera kuJerusarema dzichibva kugomo rinoitiwa Miorivhi, riri papfupi noJerusarema huri yohwendo hwoSabata kubva muguta. 13Pavadopinda muguta vadokwira kukamuri yokumusoro mavanga vachigara. Pita, naJohwani, naJakobho naAndireya, naFiripi naTomasi, naBhatoromiyu naMateo, naJakobho mwanakomana waArufiyasi, naSimoni woushingi, naJudhasi mwanakomana waJakobho. 14Ivova vese vadotsungirira nomwoyo mubodzi pakunyengetera, pabodzi novanhukadzi, naMariya amai vaJesu, novanin'ina’ina vache.
15Pamazuva yakareyo Pita adosumuka pakati pohama, vanhu vaisvika zana nomakumi mairi achiti, 16“Hama gwaro rinofanira kuzazisiwa, pamusoro pozvidonyaihwa naMweya Mutsvene, karekare kuburikidza naDhavhiti, maererano nozvaJudhasi adoperekedza vakarevaye vadosunga Jesu. 17Nokuti wanga adoverengewa pabodzi naisisu, tichitoshanda naye muushumiri hwedu.
18Nomubairo waadobhadhariwa nokuda kwozvidoipa zvache, Judhasi adotenga munda, munova maadowira pasi nomusoro, muviri wache udophabuka nopakati, ura hwache hwese hudobva hwabirika kunze. 19Vanhu vese vaigara muJerusarema vadonzva pamusoro pozvakarezvi, saka vadotenza munda wakareyu kuti Akadhama, mumutauro wavo ndokuti, Munda woMagazi.”
20“Nokuti mubhuku raMaphisarema mudonyohwa kuti,
‘Musha wache mbauve don’o,
mbaureke kuva nomunhu anogara makaremo.’
Uye kuti,
‘Umwe mbaapinde pabasa rache.’
21Naizvozvo zvinokodzera kusarudza mubodzi pakati povarume vaiungana naisisu nguwa yese Ishe Jesu yaadorarama pakati pedu, 22kuthangira pakuombeka kwaJohwani kusvikira pazuva Jesu raadobiritsiwa kwatiri, mubodzi pavarume vakareva anofanira kuva pfakazi yokumuka kwache pabodzi naisisu.”
23saka vadosarudza varume vairi, Josefa waitiwa Bhasabhasi wanga adotenzewa kamu kuti Jusito, naMatiyasi. 24Pakarepo vadonyengetera vachiti, “Imimi Ishe munoziva mwoyo yovanhu vese, tinangidzei kuti mbani wamasarudza pakati poivova vairi 25kuti atore nzvimbo pabasa rakareri rounhumwa hwakarehu hwudosiiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yache chaiyo.” 26Zvino vadokhanda hakata, hakata idowira pana Matiyasi, iye adoingidzihwa kuboka ronhumwa gumi nomubodzi.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mabasa yoNhumwa 1: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល