Mabasa yoNhumwa 25

25
Phauro Anokwidza Nyaya kunaSiza
1Zvino Fesitasi paadouya mudunhu rache, mumasure momazuva matatu adoenda kuJerusarema achibva kuKesariya. 2Ipopo vaphirisita vakuru novakuru vovaJudha vadomuzivisa zvavaipikisana naPhauro, ndokumuteterera, 3vachimukumbira tsvete kuti murume wakareyo atumihwe kuJerusarema, vachironga kudzomuhwandira vomubaya munzira. 4Fesitasi adopindura kuti Phauro adochengetewa kuKesariya, uye iye pachake waitarisira kuenda kwakareko nokamangu. 5Adoti, “Saka itai kuti, vakuru pakati penyu vaende neni, uye kana pano zvidonyangara pamunhu wakareyu, mbavamunenere.” 6Paadogara pakati pavo kwomazuva yasingapfuure masere kana gumi, adoenda kuKesariya, uye pazuva ridotevera adogara pamupando wache nodare ndokuraira kuti vauye naPhauro kwaari. 7Zvino paadouya, vaJudha vanga vabva kuJerusarema vadomira vadomukomberedza, vachimunenedzera mirandu mizinji idokuritsa yavadotadza kupasa umboo hunogutsa. 8Phauro pakuzvidairira adoti, “Handinai chidoipa chandidoita kana kupikisana nomutemo wovaJudha, kana kupikisana noimba yaMwari, kana kupikisana naSiza.”
9Asi Fesitasi pakuda kuitira tsvete vaJudha, adoti kuna Phauro, “Unoda chere kuenda kuJerusarema, kuti watongewa kwakareko pamusoro pomirandu yakarei pamberi pangu?”
10Asi Phauro adoti, “Ndiri kudzomira pamberi podare raSiza, pandinofanira kuyedzewa, kuvaJudha hapanai chandidoita chidonyangara, sezvamunonatsa kuziva. 11Kana ndiri muiti wozvidonyangara, uye ndidopara chimwe chinhu chandinofanira kupfira, handisi kutsvaga kunzvenga ipfa, asi kana pasinai chiripo pakundinenedzera kwavo, hapanai anokodzero yokundiisa kwavari. Ndinokwidza nyaya yangu kunaSiza.”
12Pakarepo Fesitasi, paadorangana nodare, adopindura achiti, “Wakwidza nyaya kuna Siza, saka uchaenda kuna Siza.”
Phauro pamberi paAgiripa naBhenisi
13Zvino mazuva mashoma yadoti yapera, mambo Agiripa naBhenisi vadosvika kuKesariya kotambira Fesitasi. 14Sezvo vadogara pakarepo mazuva mazinji, Fesitasi adoisa nyaya yaPhauro pamberi pamambo, achiti, “Panomunhu adosiiwa naFerikisi ari muusungwa, 15uye pandanga ndiri kuJerusarema vaphirisita vakuru novakuru vovaJudha vadondizivisa pamusoro pache, vachikumbira kuti atongehwe kuisiwa mutorongo. 16Ndidovapindura kuti haisi tsika yochiRoma kupereka munhu upi zvache kana munenedzehwi wacho asinati wakumana chiso nochiso novanenedzeri, uye asinati wawana mukana wokuzvidairira pamirandu yaari kunenedzehwa. 17Zvino pavadodzouya kuno pabodzi, handinai kuchehwa, asi pazuva ridotevera ndidogara pamupando wangu padare ndokuraira kuti vauye nomurume wacho. 18Zvino vanenedzeri pavadosumuka, havanai kupasa umboo hunobatika panyaya yache sezvandaitarisira, 19Asi vanga vanozvimwe zvavanga vachipikisana naye pamusoro pozvavanotenda uye nopamusoro poumwe anoitiwa Jesu, wanga adopfa, asi Phauro achisimbisa kuti mupenyu. 20Ndidokundikana kuwana zvinobatika pamusoro ponyaya yakarei, ndidomubvunza kana waida kuenda kuJerusarema kotongewa kwakareko pamusoro pomirandu yakarei. 21Asi Phauro paadokwidza nyaya yache adoda kuchengetewa muusungwa kuti adzotongewa nomutongi Siza. Saka ndidomuraira kuti achengetewe kusvikira ndadzomutumira kuna Siza.”
22Ipopo Agiripa adoti kunaFesitasi, “Ndinoda kumunzva murume wakareyu pachangu.”
Iye adoti, “Muchamunzva mangwana.”
23Saka mangwana yacho Agiripa naBhenisi vadouya vadosimira mbacha dzinodhura dzidonakitsa, ndokupinda muimba ikuru yokutongera vano vakuruvakuru vomauto novakuru voguta. Zvino nokuraira kwaFesitasi vadouya naye Phauro. 24Fesitasi adoti, “Mambo Agiripa naimipa mese muri pano, munoona murume wakareyu wandidokumbihwa pamusoro pache novanhu vese vochiJudha, vese vokuJerusarema nopano, vachidaidzira kuti haafaniri kuenderera mberi nokuchira. 25Asi ndidowana kuti haanai chaadoita chingamusvitse paipfa, uye iye pachake zvaakwidza nyaya kuno mutongi mukuru, ndasarudza kumuendesa. 26Asi handinai chaicho chokunyora kunaishe wangu pamusoro pache. Saka ndamuunza pamberi penyu, uye kunyanya pamberi penyu, mambo Agiripa, kuti, mumasure mokumuongorora, ndiwanewo chokunyora. 27Nokuti kwandiri zvinova zvisinai hwenye, kutumira musungwa, pasinai kunangidza murandu waanonenedzehwa.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mabasa yoNhumwa 25: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល