Mabasa yoNhumwa 21
21
Phauro anoenda kuJerusarema
1Zvino patidopararana navo tidokhwasva, ndokuuya tidorungama kuKosi, nozuva ridozotevera tidosvika paRodzi, uye kubva pakarepo tidoenda kuPatara. 2Ipopo patidowana chikepe chaigwatira nokuFonisiya, tidochikwira, ndokukwasva. 3Patidosvika panoita kuti Saipurasi iwoneke, tichiisiya kurubose tidokhwasva kuenda kuSiriya, ndokumira paTire, ndava pakarepo chikepe chaidzoburutsa mutoro. 4Patidotsvaga vadzidzi, tidodzogara mazuva manomwe pakarepo. Kuburikidza naMweya vadoudza Phauro kuti areke kuenda kuJerusarema. 5Zvino padopera mazuva yedu yokuva pakarepo, tidobirika ndokuenda hwendo hwedu, zvino ivo vese novanhukadzi novana, vadotiperekedza kusvika kunze kwoguta, uye patidopfugama pamahombekombe yogungwa tidonamata ndokugonekana. 6Zvino tidokwira chikepe, ivo ndokudzokera kumba.
7Patidopedza hwendo hwokubva kuTire, tidosvika paToremisi, ndokumoresa hama tichitogara navo zuva ribodzi. 8Mangwana yacho tidobirika ndokusvika muKesariya, saka tidopinda mumba maFiripi Muvhangeri, wanga ari umwe wovanomwe, ndokubva tagara naye. 9Wanga ano vanasikana vanai dzanga dziri mhandara, vaiporofita. 10Patidogara kwomazuva, muporofiti waiitiwa Agabhasi adouya achibva Judhiya. 11Paadouya kwatiri adotora bhande raPhauro ndokuzvisunga makumbo nomanja, achiti, “Ndozviri kunyaihwa naMweya Mutsvene, ‘kuti vaJudha kuJerusarema vachasunga muridzi wobhande rakareri vomupereka mumanja yoyamwe marudzi.’”
12Patidonzva zvakarezvi, isisu novanhu vopakarepo tidomuteterera kuti areke kuenda kuJerusarema. 13Zvino Phauro adopindura achiti, “Chii chamurikuita, muchirira nokupwanya mwoyo wangu? Nokuti ndidozvimisira aikona kusungiwa chete asi kana kutopfira zita raIshe Jesu kuJerusarema.” 14Paadoreka kupenzveredzeka, tidonyarara ndokuti, “Kuda kwaIshe mbakuitiwe.”
15Mumasure momazuva yakareya tidogadzirira ndokuenda kuJerusarema. 16Uye vamwe vovadzidzi vadobva kuKesariya vadoenda naisisu, vachitisvitsa kumba kwaMunasoni wokuSaipurasi, mudzidzi wokuthanga, wataifanira kugara naye.
Phauro Anobvakachira Jakobho
17Patidosvika kuJerusarema, hama dzidotitambira nomufaro. 18Mangwana yacho Phauro adoenda naisisu kunaJakobho, uye vakuru vese vanga varipo. 19Tapedza kuvamoresa, adorondedzera chibodzi nochibodzi chozvinhu zvese zvidoitiwa naMwari kuburikidza noushumiri hwache pakati poyamwe marudzi. 20Zvino pavadozvinzva, vadorumbidza Mwari. Uye vadoti kuna Phauro, “Hama, unoona kuti zviuru zvingani zviripo pakati povaJudha vadotenda uye vanoshingairira mutemo. 21Vadonyepewa pamusoro pako kuti uri kudzidzisa vaJudha vese vari pakati poyamwe marudzi kuti vasiye Mozisi, uchivanyepa kuti vareke kuchecheudza vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. 22Zvino chii chatingaite? Chokwadi vachazvinzva kuti wauya. 23Zvino chiita zvatichakunyairira, tinovarume vanai vari pasi pomhiko, 24Tora varume vakareva uzvinatse pabodzi navo woripa miripo, kuti vaguse bvudzi misoro yavo. Pakarepo vese vachaziva kuti hapanai chiripo pano zvavadonyepewa pamusoro pako, asi kuti iwewe pachako unorarama uchiteedza mutemo. 25Asi pamusoro pomarudzi yadotenda, tatumira tsamba rino matongero yedu kuti vanofanira kusiyana nozvidobaihwa zvifananidzo nomusiya nozvidodzipiwa nokuita upombwe.” 26Naizvozvo Phauro adotora varumevo, pazuva ridotevera adozvinatsa pabodzi navo ndokupinda muimba yaMwari, kuti azivise paidzogumira mazuva yokuzvinatsa kwavo nokupereka chipo chinoperekewa nomunhu wese pakati pavo.
Phauro Ari muImba yaMwari
27Zvino mazuva manomwe payanga yaakutopera, vaJudha vadobva kuEzhiya, vadomuona muimba yaMwari, vadopesvedzera mhomho yese, ndokumusunga, 28vadodaidzira vachiti, “Varume voIzirairi, batsirai! Murume wakareyu ari kudzidzisa vanhu kwese kwese zvinopesana novanhu nonzvimbo ino, wauya pakare nomaGiriki muimba yaMwari, futi wasvipisa nzvimbo ino itsvene.” 29Nokuti mumasure vadombomuona muguta anaTirofimasi wokuEfeso, saka vadozimbwa kuti Phauro anogona kunge adopinda naye muimba yaMwari.
30Zvino guta rese ridonyongana, vanhu ndokutizirana pabodzi; vadobata Phauro ndokumuzvuvira kunze kwoimba yaMwari, kabodzi nokabodzi masuwo makuru yadovhariwa. 31Zvino pavaiedza kumubaya, shoko ridosvika kumukuru woboka romauto kuti Jerusarema rese rava nonyongano. 32Pakarepo adotorerafuti mauto novakuru vomazana, ndokumhanyira kwavari, pavadoona mukuru womauto nomauto vadomira kurova Phauro. 33Zvino mukuru womauto adosvika ndokumusunga, ndokuraira kuti asungiwe nongetani dziiri. Adobvunza kuti mbani pakare kuti chii chaanga waita. 34Vamwe mumhomho vadodaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwewo, saka paadotadza kubatitsitsa chinangwa nopamusaka pomhere mhere, adoraira kuti aendesewe kumuzinda womauto. 35Manje paadosvika pazvikwiriso, wanga adototakuriwa nomauto nondava yomunyonga womhomho, 36Nokuti mhomho yovanhu yaitevera, ichidaidzira ichiti, “Mbaabisiwe!”
Phauro Anozvidairira
37Zvino Phauro paanga wakuendesewa munhandare yomauto, adoti kumukuru wavo, “Ndinganyairewo zvimwe zvinhu kwamuri chere?”
Iye adoti, “Unoziva chiGiriki chere? 38Ndiweba chere muIjipiti adomutsa munyonga manjemanjepa ndokukweverera musango vapanduki vanosvika zviuru zvinai?”
39Phauro adopindura, “Inipano ndiri muJudha, anobva kuThasasi muSirisiya, mugari womuguta risiri romangamanga; ndinokukumbirai, nditenderei kunyaira kuvanhu.”
40Paadomubvumidza, Phauro paanga adomira pazvikwiriso adoninira nojanja kuvanhu, pavadonyarara, adonyaira kwavari nochiHebheru, achiti,
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 21: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: