Mabasa yoNhumwa 20
20
KuMakedhoniya noAkaya
1Bongozozo paridopera, Phauro adodaidza vadzidzi, paadovasimbisa adovagoneka ndokuenda kuMakedhoniya. 2Paadoenda nomunzvimbo dzakaredzi achishingisa vatendi zvidonyanya, adosvika kuGirisi. 3Pakarepo adogara mwedzi mitatu, uye maJudha pavadodzomurangana iye waitogadzirira kuenda nochikepe kuSiriya, achida kudzodzoka nokuMakedhoniya. 4Sopata nzvahwa yokuBhereya, mwanakomana waPairasi adomuperekedza, uye vokuThesaronika ndiArisitakasi naSekundasi, naGaiyasi naTimoti vokuDhebhe; novokuEzhiya Tikikasi naTirofimasi. 5Ivova vadotungamira kuenda vachidzotimirira paTiroasi. 6Asi tidokhwasva kubva paFiripi mumasure momazuva yoMazingwa Yasinai Mbiriso, uye mumazuva mashano tidosvika paTiroasi, ndipo patidogara mazuva manomwe.
Kubvakacha kwokupedzisira kwaPhauro paTiroasi
7Zvino nomusi wokuthanga kwosondo, patidoungana pabodzi kuti timepfure mazingwa, Phauro adotaura kwavari, achida kudzoenda mangwanachimuka. Adopindiridza kunyaira kwache kusvika pakati pousiku. 8Muimba yopamusoro matanga tidoungana manga muno moto mizinji. 9Uye mujaha waiitiwa Yutiko wanga adogarikika pafafitera. Adobatiwa nohope dzidokungudza Phauro achiri kunyaira nguwa irefu, paadokundiwa nohope, adokoromoka kubva paimba yochitatu ndokuhwengewa wapfa. 10Asi Phauro adoburuka ndokukotamira paari, adomuzvembetera ndokuti, “Rekai kutambudzika upenyu hwache huchiripo!” 11Uye Phauro paadokwira adokomora mazingwa ndokuja, adoita hurukuro navo nguwa irefu, kusvika zuva rabirika, ndopaadozobirika kuenda. 12Vadotora mujaya ndokuenda naye ari mupenyu, vadonyaradziwa chaizvo.
Kubva paTiroasi kusvika kuMeritasi
13Asi pakutungamira kuenda kuchikepe, tidokwasva kuenda kuAsosi, tichida kutora Phauro kwakareko kuti apinde, nokuti ndozvaanga waronga, paaida pachake kuenda nopanyika. 14Paadosangana naisisu paAsosi, tidomutora muchikepe ndokusvika kuMitairini. 15Patidokhwapa kubva pakarepo tidosvika padonangarana noKhiyosi zuva raitevera, pazuva rimwe raizotevera tidosvika paSamosi, uye pazuva ridotevera rakarero tidosvika kuMeritasi. 16Nokuti Phauro wanga wasarudza kupinda nokuEfeso, kuti areke kupedza nguwa ari muEzhiya, ndava wanga achiita kamangu kuti ave kuJerusarema, kana zvichikoneka pazuva roPendekositi.
Phauro Anotsindikira Vakuru vokuEfeso
17Zvino ari paMeritasi adotumira kuEfeso, kuti vakuru vokherekhe vauye kwaari. 18Saka pavadouya kwaari, adoti kwavari, “Imimi pachenyu munoziva mugariro wandidoita pakati penyu nguwa dzese, kubva pazuva randidosvika muEzhiya, 19Ndichishumira Ishe nokuzvidikipisa kwese uye nomisodzi nomiedzo idondiwira kuburikidza nokuranganiwa novaJudha, 20zvidodaipo ndidodududzaba kunyaira kwamuri zvese zvaibatsira, nokukudzidzisai pachenu uye muimba noimba, 21ndichipfakazira vese kuvaJudha noyamwe marudzi pamusoro pokupinduka kunaMwari nokutenda muna Ishe wedu Jesu Khirisitu. 22Manje, onai ndaakuenda kuJerusarema, ndidosungikana pamweya, ndisingazive zvichandiwana kwakareko; 23kunze kwokundoti Mweya Mutsvene ari kupfakaza mumaguta yese kuti kusungiwa nokutambudziwa zvidondimirira. 24Asi handiverenge upenyu hwangu kuti ndohwomhando kana hudokosha kwandiri, ndinondoda kupedzisa hwendo hwangu basi noushumiri hwandidotambira kubva kunaIshe Jesu, kupa chapupu kunhau idonaka yonyasha dzaMwari.
25Saka zvino, chionai, ndinoziva kuti mese vandidosvikira pavari ndichiparidza umambo hamuchadzoona chiso changu pakare. 26Nokudaro nasi ndinopupura kwamuri kuti ndidochena pamagazi yenyu mese, 27Nokuti ndidodududzaba kukunyairirai kudzidzisa kwese kwaMwari. 28Zvichenjererei noboka rese, ramudoitiwa vatariri varene naMweya Mutsvene, kuti murise Kherekhe yaMwari yaadowana nogazi romwanakomana wache. 29Ndinoziva kuti kana ndaenda masvitsi yanochisa yachauya pakati penyu, yasingasiye boka, 30uye kubva pakati penyu vakaremi pachasumuka varume vachinyaira zvidotaika, kuti vakwezvere vadzidzi kwavari. 31Nokudaro garai mudochenjerera, muchikumbuka kuti kwomakore matatu ndidorekaba usiku nomasikati kukurairai mese nomisodzi.
32Iye zvino ndinokuisai kunaMwari nokushoko ronyasha dzache, rinogona kukuvakhai nokukupasai nhaka pakati povese vadoitiwa vatsvene. 33Handinai kutorera munhu sirivha kana ndarama kana hembe. 34Imipa pachenyu munozviziva kuti manja aya yadondishandira zvandaida nozvaidiwa novandanga ndinavo. 35Pazvinhu zvese ndidokunangidzai kuti pakushanda kwakareko umwe munhu anofanira kubatsira vadorukutika, muchikumbuka mazvi yaIshe Jesu, manyairiro yaadoita, ‘Zvinomakomborero yadonyanya kana ukapereka panzvimbo yokutambira.’”
36Zvino Phauro paadonyaira daro, adopfugama ndokunamata navo vese. 37Vadorira vese vachimuzvembetera nokumutsvoda, 38vachisuwisiwa zvidokungudza nondava yomazvi yaanga wanyaira, kuti vaidzoonaba chiso chache. Uye vadodzomusvitsa kuchikepe.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 20: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: