Zvino vakuru vovaphirisita vadoungana novatungamiri vovanhu vachipangana, ndokupasa mari mauto vachiti, “Udzai vanhu kuti, ‘Vadzidzi vache vadouya usiku vachimuba isisu tidoenzera.’ Kana izvi zvikasvika munzeve dzomutongi, tichamugutsa tichikubisai mupfumvu.”
Mauto yadotora mari ndokuita zvavadoudziwa, nyaya yakareyo idopararira pakati povaJudha kusvikira pazuva ranasi.