1
Mariko 5:34
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Iye ndokumuti, “Mukunda, chitendero chako chakuporesa; chienda hako norugare, uyezve chirwere chako ngachipere uve wadi.”
ប្រៀបធៀប
រុករក Mariko 5:34
2
Mariko 5:25-26
Zvino paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri. Akanga aona nhamo mudzin'anga dzakawanda maaifamba, maakanga apedzera zvinhu zvake zvose asi pasina kana chiyamuro; akatenge otonyanya kurwara.
រុករក Mariko 5:25-26
3
Mariko 5:29
Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda, akabva azvinzwa mumuviri wake kuti chirwere charapwa.
រុករក Mariko 5:29
4
Mariko 5:41
Akamubata ruoko ndokuti kwaari, “Tarita kumi,” zvinoreva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri muka.”
រុករក Mariko 5:41
5
Mariko 5:35-36
Achiri kutaura kudaro, vamwe vakabva kumba kwomutungamiri wesinagogu uya vachiti, “Mwanasikana wenyu atofa. Muchiri kunetserei mudzidzisi?” Jesu paakazvinzwa, akati kumutungamiri wesinagogu, “Regai henyu kutya ingotendai bedzi.”
រុករក Mariko 5:35-36
6
Mariko 5:8-9
Nokuti Jesu akanga amuti, “Iwe mweya wetsvina, buda mumunhu uyu.” Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akapindura achiti, “Zita rangu ndinonzi Hondo nokuti takawanda.”
រុករក Mariko 5:8-9
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ