1
Mariko 4:39-40
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Jesu akamuka akakarira dutu achiti kugungwa, “Nyarara! Udzikame!” Dutu rakati zi–i kunyarara, kukabva kwanyatsoti dzikadzika. Zvino Jesu akati kwavari, “Sei muchitya kudai? Hamuna chitendero here?”
ប្រៀបធៀប
រុករក Mariko 4:39-40
2
Mariko 4:41
Ivo vakabatwa nokutya kukuru, ndokutaurirana vachiti, “Ko uyu ndianiko uyu anoteererwa kunyange nemhepo negungwa?”
រុករក Mariko 4:41
3
Mariko 4:38
Asi iye akanga ari mugwa necheshure akakotsira akatsamira pamutsago. Vadzidzi vake vakumumutsa vachiti kwaari, “Mudzidzisi hamuna hanya here kuti tava kupera?”
រុករក Mariko 4:38
4
Mariko 4:24
Akati kwavari, “Nyatsochenjerai zvamuri kunzwa: chiereso chamunoera nacho, ndicho chamuchaererwawo nacho, uye muchapamidzirwa.
រុករក Mariko 4:24
5
Mariko 4:26-27
Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakadaizvi, hwakaita somunhu anomwaya mbeu muvhu. Angavate zvake usiku, masikati achimukawo, asi mbeu iya inomera ichitokura, iye asingambozivi kuti zvinoitika sei.
រុករក Mariko 4:26-27
6
Mariko 4:23
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
រុករក Mariko 4:23
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ