1
Mariko 2:17
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Jesu paakazvinzwa akati kwavari, “Vakukutu havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodaidza vakarurama, asi vatadzi.”
ប្រៀបធៀប
រុករក Mariko 2:17
2
Mariko 2:5
Jesu, paakaona chitendero chavo, akati kumunhu akatonhora mitezo, “Mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.”
រុករក Mariko 2:5
3
Mariko 2:27
Jesu ndokuti kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kusikirwa Sabata, kwete.
រុករក Mariko 2:27
4
Mariko 2:4
Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye paari, pamusana pokuwanda kwavanhu, vakaita buri padenga remba nechapamusoro pake. Pavakanga vaita gwanza vakadzikisa uvato huya hwakanga hurere munhu akatonhora mitezo.
រុករក Mariko 2:4
5
Mariko 2:10-11
Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo.” Akati kuno munhu akatonhora mitezo uya, “Ndinoti kwauri, ‘Simuka utore rukukwe rwako uende kumusha.’ ”
រុករក Mariko 2:10-11
6
Mariko 2:9
Chakareruka ndechipi kuti kumunhu akatonhora mitezo, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka utore uvato hwako ufambe.’
រុករក Mariko 2:9
7
Mariko 2:12
Pakarepo munhu uya akati kwanyanu kusimuka, akatora rukukwe rwake akabuda vose vachiona, zvokuti vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari vachiti, “Aiwaiwa, hatisati tamboona zvakadai kwete.”
រុករក Mariko 2:12
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ