1
Marko 14:36
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Akati: Aba, Ƃaɓa, ɀose ɀinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuɗa kwaŋgu ŋgakurege kuitwa, asi kuɗa kwenyu.
ប្រៀបធៀប
រុករក Marko 14:36
2
Marko 14:38
Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba.
រុករក Marko 14:38
3
Marko 14:9
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evaŋgeri panyika dzose, ɀakaitwa naye ɀicarebga ʋo, ʋamuraŋgarire naɀo.
រុករក Marko 14:9
4
Marko 14:34
Akati kwaʋari: Mŋeya waŋgu uneshuŋgu kwaɀo, kuȿikira pakufa; garai pano murinde.
រុករក Marko 14:34
5
Marko 14:22
Ɀino ʋakati ʋacidya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa, aciti: Torai, ici ndiwo muʋiri waŋgu.
រុករក Marko 14:22
6
Marko 14:23-24
Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, ʋakanwa ʋose pauri. Akati kwaʋari: Ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rinoɗururirwa ʋazhinji.
រុករក Marko 14:23-24
7
Marko 14:27
Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai acaparadzwa.
រុករក Marko 14:27
8
Marko 14:42
Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwaʋari waʋa pedyo.
រុករក Marko 14:42
9
Marko 14:30
Jesu akati kwaari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, kuti nhasi, ʋusiku bguno, joŋgwe risati rarira kaʋiri, ucandiramba katatu.
រុករក Marko 14:30
គេហ៍
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ