1
Varoma 6:23
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Nokuti mubayiro wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
مقایسه
Varoma 6:23 را جستجو کنید
2
Varoma 6:14
Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurayiro asi pasi penyasha.
Varoma 6:14 را جستجو کنید
3
Varoma 6:4
Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuo tifambe noupenyu hutsva.
Varoma 6:4 را جستجو کنید
4
Varoma 6:13
uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipe imi kuna Mwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kuna Mwari.
Varoma 6:13 را جستجو کنید
5
Varoma 6:6
tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi
Varoma 6:6 را جستجو کنید
6
Varoma 6:11
Saizvozvo nemiwo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kuna Mwari, muna Kristu Jesu.
Varoma 6:11 را جستجو کنید
7
Varoma 6:1-2
Zvino tichatiiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here? Haisva! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo?
Varoma 6:1-2 را جستجو کنید
8
Varoma 6:16
Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama?
Varoma 6:16 را جستجو کنید
9
Varoma 6:17-18
Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomwoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.
Varoma 6:17-18 را جستجو کنید