YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 7

7
Jesu anoporesa muranda womukuru wezana
(Mateu 8:5-13)
1Zvino akati apedzisa mashoko ake ose, vanhu vachianzwa, akapinda Kapenaume. 2Muranda womumwe mukuru wezana aidikanwa naye, akanga achirwara, achitandadza. 3Zvino akati anzwa zvaJesu, akatuma vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. 4Ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakakumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Iye akafanira kuti mumuitire izvozvo; 5nokuti anoda rudzi rwedu, ndiye akativakira sinagoge redu.”
6Jesu akaenda navo. Zvino ava pedyo neimba, mukuru wezana akatuma shamwari dzake, kuzoti kwaari, “Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; 7naizvozvo ndakati handifaniri kuuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu achapora. 8Nokuti neniwo ndiri munhu akaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kune mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kune mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ anoita.”
9Jesu akati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendeuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri.”
10Vakanga vatumwa vachidzokera kumba, vakandowana muranda apora.
Jesu anomutsa mwanakomana wechirikadzi paNaini
11Zvino nezuva rinotevera, akaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye.
12Zvino, akati achiswedera pedyo nesuo reguta, akaona vanhu vakanga vakatakura munhu akafa, mwanakomana mumwe oga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye. 13Zvino Ishe akati achimuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari, “Usachema.” 14Ipapo akaswedera, akabata hwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka.” 15Iye akanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake.
16Vose vakabatwa nokutya; vakarumbidza Mwari, vachiti, “Muporofita mukuru akamuka pakati pedu; uyezve Mwari akashanyira vanhu vake.”
17Shoko iri pamusoro pake rikazwika muJudhea rose nenyika yose yakapoteredza.
Johani Mubhabhatidzi anotuma vadzidzi kubvunza Jesu
(Mateu 11:2-19)
18Vadzidzi vaJohani vakamuudza izvozvo zvose. 19Johani akadana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kuna Ishe neshoko rokuti, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?”
20Zvino varume vachisvika kwaari, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatitumira kwamuri neshoko rokuti, ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?”
21Nenguva iyo akaporesa vazhinji hosha dzavo, nohurwere, nemweya yakaipa; namapofu mazhinji akavasvinudza meso avo.
22Akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamakaona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anoona, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, navarombo vanoparidzirwa Vhangeri. 23Akaropafadzwa asingagumburwi neni.”
24Nhume dzaJohani dzakati dzabva, akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, achiti, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here? 25Asi makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vane nguo dzinobwinya, navanogara zvinonaka, vari mudzimba dzamadzimambo. 26Asi makanga mabuda kundooneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri, ‘Anopfuura zvikuru muporofita.’ 27Uyu ndiye akanyorwa pamusoro pake, zvichinzi,
‘Tarira, ndinotuma munyai wangu
pamberi pako,
Achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’ ”
28Ndinoti kwamuri, “Kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwaMwari mukuru kwaari.”
29Zvino vanhu vose navateresi vakati vachizvinzwa vakati Mwari akarurama, zvavakanga vabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwaJohani. 30Asi vaFarisi navadudziri vomurayiro vakaramba kufunga kwaMwari pamusoro pavo, vakasabhabhatidzwa naye.
31“Naizvozvo vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko? Vakafanana nei? 32Vakafanana navana vagere padare, vanodanidzira, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasachema.’ 33Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya, asingadyi chingwa, asinganwi waini, zvino moti, ‘Ane mweya wakaipa.’ 34Mwanakomana womunhu akauya achidya, achinwa, zvino moti, ‘Tarirai, munhu anokara, nomunwi, neshamwari yavateresi navatadzi.’ 35Asi uchenjeri hunoruramiswa navana vahwo vose.”
Mukadzi mutadzi anozodza makumbo aJesu
36Zvino mumwe wavaFarisi akamukumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarisi uyu, akagara pakudya. 37Zvino tarira, muguta iro makanga muno mukadzi aiva mutadzi; iye akati anzwa kuti agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chearibhasitera chaiva namafuta okuzora, 38akamira patsoka dzake mumashure make, achingochema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipukuta nevhudzi romusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza namafuta. 39Zvino muFarisi akanga amudana, akati achizviona, akareva mumwoyo make, achiti, “Munhu uyu, dai aiva muporofita, angadai aiziva mukadzi uyu anomubata kuti ndiani, uye kuti akadini, nokuti mutadzi.”
40Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari, “Simoni ndine shoko newe.” Akati, “Taurai henyu, mudzidzisi”
41Jesu akati, “Vanhu vaviri vakanga vane chikwerete kumunhu mumwe; mumwe akanga ane chikwerete chamadhenari ana mazana mashanu, mumwe chamakumi mashanu. 42Vakati vashayiwa chokuripa nacho, akangovakanganwira vose vari vaviri. Zvino ndoupiko kwavari achanyanya kumuda?”
43Simoni akapindura, akati, “Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here?” Akati kwaari, “Wareva kwazvo.” 44Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu akanyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipukuta nevhudzi rake. 45Hauna kunditsvoda, asi uyu chinguri chandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu.
46“Hauna kundizodza musoro wangu namafuta, asi uyu akazodza tsoka dzangu namafuta okuzora. 47Naizvozvo ndinoti kwauri, ‘Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikanganwirwa, nokuti akada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.’ ”
48Zvino akati kwaari, “Wakanganwirwa zvivi zvako.” 49Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumwoyo yavo, vachiti, “Uyu ndianiko anokanganwira zviviwo?”
50Akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare.”

Currently Selected:

Ruka 7: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy