YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 5

5
Kubatwa kwehove zhinji
1Zvino, vanhu vazhinji vakati vachimumanikidza kuti vanzwe shoko raMwari, iye amire pagungwa reGenesareti, 2akaona magwa maviri ari pagungwa, asi vabati vehove vakanga vabuda maari, vachisuka husvasvi hwavo.
3Akapinda mune rimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishona apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari muigwa.
4Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Endai kwakadzika, mukande husvasvi hwenyu, kuti mubate.”
5Simoni akapindura, akati, “Tenzi, takatambura usiku hwose, tisingabati chinhu; asi zvamadaro imi, ndichakanda husvasvi.” 6Vakati vaita izvozvo, vakakuva hove zhinji, husvasvi hwavo hukabvaruka. 7Vakaninira shamwari dzavo mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri, akanga onyura. 8Zvino, Simoni Pita wakati achizviona, akazviwisira pasi pamabvi aJesu, akati, “Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.”
9Nokuti akanga ashamiswa iye, navose vaakanga anavo nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. 10Ndizvo zvanga zvaitawo Jakobho, naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva shamwari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.”
11Zvino, vakati vaisa magwa kunyika, vakasiya zvose vakamutevera.
Jesu anoporesa munhu ana maperembudzi
(Mateu 8:1-4; Mako 1:40-45)
12Akati ari kune rimwe guta, tarira, kwakanga kune murume akanga anamaperembudzi muviri wose; iye akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
13Ipapo akatambanudza ruoko, akamubata, achiti, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. 14Akamurayira kuti asaudza munhu, akati, “Enda unozviratidza kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”
15Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuurisa; vanhu vazhinji-zhinji vakaungana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda avo.
16Asi iye akaenda mumarenje, akandonyengetera.
Jesu anoporesa munhu akafa mitezo
(Mateu 9:1-8; Mako 2:1-12)
17Nerimwe ramazuva iwayo akanga achidzidzisa; vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGariria neJudhea neJerusaremu; simba raIshe rokuporesa rakanga rinaye. 18Zvino, tarira, vamwe varume vakanga vakatakura munhu akanga akafa mitezo, ari panhoo, vakatsvaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake. 19Zvino, vakati vachishayiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhoo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. 20Iye akati achiona kutenda kwavo, akati, “Murume, wakanganwirwa zvivi zvako.”
21Vanyori navaFarisi vakatanga kufunga, vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndianiko angakanganwira zvivi, asi Mwari oga?”
22Zvino Jesu, zvaaiziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari, “Munofungeiko mumwoyo yengu? 23Chiiko chakareruka, kuti, ‘Wakanganwirwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’
24“Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu anesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kune akafa mitezo, ‘Ndinoti kwauri, simuka, utore nhoo yako, uende kumba kwako.’ ”
25Akasimuka pakarepo pamberi pavo, akatora chaakanga avete pamusoro pacho, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari. 26Vakashamiswa vose, vakarumbidza Mwari, vakatya kwazvo, vachiti, “Taona madambi nhasi!”
Kudanwa kwaRevhi
(Mateu 9:9-13; Mako 2:13-17)
27Shure kwaizvozvo, akabuda, akaona muteresi, ainzi Revhi, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!”
28Iye akasiya zvose, akasimuka, akamutevera. 29Revhi akamuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo vazhinji-zhinji vavateresi navamwe, vakanga vagere navo pakudya. 30VaFarisi navanyori vavo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti, “Munodyireiko navateresi navatadzi, nokunwa navo?”
31Jesu akapindura, akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki n'anga, asi vanorwara. 32Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi, kuti vatendeuke.”
Kuzvinyima zvokudya
(Mateu 9:14-17; Mako 2:18-22)
33Zvino vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanozvinyima zvokudya kazhinji, vachikumbira; navavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.”
34Jesu akati kwavari, “Mungadzivisa shamwari dzemuwani kudya, muwani achiri kwavari here? 35Asi mazuva achasvika; zvino kana muwani azobviswa kwavari, vachazvinyima zvokudya namazuva iwayo.”
36Akataura navo nomufananidzo, akati, “Hakuna munhu achabvarura chiremo panguo itsva, akachiisa panguo yakasakara; nokuti chichabvarura nguo itsva, uye chiremo chenguo itsva hachinganzwani neyakasakara. 37Hakuna munhu achadira waini itsva muhombodo tsaru kana akadaro waini itsva ichaparusa hombodo, ikateuka, nehombodo dzikafawo; 38asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva. 39Hakuna munhu anoti kana anwa waini tsaru, angazoda itsva; nokuti anoti, ‘Tsaru ndiyo yakaisvonaka.’ ”

Currently Selected:

Ruka 5: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy