Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. Nokutenda akandogara somutorwa Munyika yeChipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye