1
Varoma 6:23
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
nokuti mubayiro wechitadzo rufu. Asi chipo chaMwari chaanopa pachena upenyu husingaperi muna Jesu Kristu Tenzi wedu.
Linganisha
Chunguza Varoma 6:23
2
Varoma 6:14
Chitadzo hachizokutongai nokuti hamusi pasi pomutemo asi muri pasi penyasha.
Chunguza Varoma 6:14
3
Varoma 6:4
Naizvozvo takavigwa pamwechete naye nokuombekwa murufu rwake kuti sokumutswa kwakaitwa Kristu kuvafi nembiri yaBaba isuwo tifambe muupenyu hutsva.
Chunguza Varoma 6:4
4
Varoma 6:13
Musape nhengo dzenyu kuti dzishandiswe kutadza semidziyo yokuita nayo zvakaipa asi zvipei kuna Mwari savanhu vakabviswa murufu vachiendeswa kuupenyu mupe nhengo dzenyu kuna Mwari semidziyo yokushandisa mune zvakarurama.
Chunguza Varoma 6:13
5
Varoma 6:6
Tinoziva kuti humunhu hwedu hwakare hwakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye kuti muviri wezvitadzo uparadzwe uye kuitirawo kuti tirege kuva varanda vechitadzo
Chunguza Varoma 6:6
6
Varoma 6:11
Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu.
Chunguza Varoma 6:11
7
Varoma 6:1-2
Zvino totiiko? Toramba tiri muchitadzo here kuti nyasha dzifashukire? Kwete, handizvo. Zvingaitike sei kuti, isu kuchitadzo, tiri vanhu vakafa, tirambe tichirarama machiri.
Chunguza Varoma 6:1-2
8
Varoma 6:16
Hamuzivi here kuti mukazviisa mumaoko omumwe munhu savaranda vanomuteerera, matova varanda vomunhu iyeyo wamunoteerera? Chingave chitadzo chamunoteerera chinosvitsa kurufu kana kuteerera kunotsvitsa mukururama.
Chunguza Varoma 6:16
9
Varoma 6:17-18
Asi tinotenda Mwari kuti, imi makambenge muri varanda vechitadzo, mava kuteerera nemwoyo wose chidzidziso chiri pamwero chamakazvipira kwachiri. Madaro kuzvisunungura kuchitadzo, makave varanda voururami.
Chunguza Varoma 6:17-18
Nyumbani
Biblia
Mipango
Video