Mariko 5
5
Jesu Anoporesa Murume anoMweya Udoipa
(Mateo 8:28-34; Ruka 8:26-39)
1Zvino vadosvika kumhiri kwogungwa munyika yovaGarasa. 2Jesu paadobirika mukamwadiya, adokumana nomunhu wanga adogahwa nomweya udoipa 3murume wakareyo waigara mumakuwa. Hapanai wanga achakona kumusunga, kana nongetani chaidzo. 4Kazinji waisungiwa nongetani manja nomakumbo, asi waidzigwata dzese. Hapanai munhu wanga anosimba rokumudekhadza. 5Waigara mumakomo nomumanda masikati nousiku, achikuwa nokuzvisvurungunda nomabhwe.
6Paadondoona Jesu ari kurefu adomumhanyira ndokuwira pasi pamberi pache. 7Adokuwa nodzinga ropamusoro achiti, “Chii chamunoda kwandiri, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbiritsai muzita raMwari kuti mureke kundidzudza.” 8Ndava Jesu wanga wati kushave, “Birika maari, iwe mweya udoipa!”
9Jesu adomubvunza achiti, “Zita rako ndiwe yani?”
Iye ndokuti, “Rigiyoni, ndava tidowanditsa.” 10Mweya udoipa udokumbira Jesu kuti areke kuidzinga munyika yakareyo.
11Zvino papfupi nopakarepo panga pano boka rikuru rohumba dzanga dzichifura mumhera mogomo. 12Saka mweya idoipa idomukumbira ichiti, “Tiendesei kuhumba idzo mutisiye tichipinda madziri.” 13Iye adoibvumira. Ipopo mweya idoipa idobirika ndokupinda muhumba dzaitosvika zviuru zviiri. Dzidotizirana kumapiripiri dzichichudumukira mugungwa dzichipfira makaremo.
14Anyakabusa vohumbadzo vadobva vatizirafuti vachienda koudza vanga vari muguta nomumisha. Ivo vadobirika vachienda koona zvanga zvaitika. 15Vadosvika panga pana Jesu ndokuona murume uye anga adogahwa nomweya idoipa adogarikika, adotosimira, watokohoroka pfungwa, izvozvo zvidovachisa. 16Vaye vadoona muitikiro wazvene vadovanyepa zvidoitika kumurume wakareyo nokuhumba dzakaredzo.
17Ivo vadothanga kukumbira Jesu kuti abirike zvache mudunhu ravo.
18Jesu paadopinda mukamwadiya murume anga ano mweya idoipa adokumbira kuendawo naye.
19Zvisinei, Jesu adomurambira, asi adoti kwaari, “Enda kumba kuhama dzako wovaudza zvomutsa waMwari nozvinhu zvikuru zvaakuitira.”
20Nokudaro murume adobva waenda ndokuthanga kuzivisa vanhu vomuDhikapori, zvaanga waitihwa naJesu. Vese vadoshamisiwa nazvo.
Mwanasikana waJairosi noMukadzi Adobata Mukombero waJesu
(Mateo 9:18-26; Ruka 8:40-56)
21Jesu adoyambuka kamu gungwa achidzoka kumhiri, vanhu vazinji vadoungana kwaari panyasi pogungwa. 22Ipopo umwe wovatungamiri vosinagoge waiitiwa Jairosi, paadoona Jesu, adozvikhandira pasi pamberi potsoka dzache. 23Adomuteterera achiti, “Mwanasikana wangu waakutoda kupfa. Uyai mumuturike ruoko renyu pamusoro kuti achire.”
24Ipopo Jesu adoenda naye, vanhu vazinji vadomutevera vachimusvanikidza.
25Umwe mukadzi waibirika gazi kwomakore gumi nomairi, 26wanga watambudziwa pakurapiwa kwaaiitiwa non'anga’anga dzidosiyana siyana, nangwesa kwaitova kutaya pfuma yache, pasinai chaimuyamura asi kutoingidzihwa utenda hwache. 27Paadonzva nozvaJesu adouya nokumasure ndokubata jasi rache. 28Ndava adofunga kuti, “Ndikandobata mbacha dzache basi ndinochira.”
29Kabodzi nokabodzi gazi ridobva ragwata kubirika, achibva wanzva kuti watopora padenda rache. 30Pakarepo Jesu adonzvirafuti kuti simba rache rabirika maari, ndokubva wachungunuka mukati mochaunga achiti, “Mbani wabata mbacha dzangu?”
31Vadzidzi vache vadoti kwaari, “Murikuona vanhu vazinji vadokusvanikidzai, imimi ndopomoti, ‘Mbani wandibata?’”
32Asi Jesu adoramba achinangara nangara kuti aone wanga wamubatayo. 33Mukadzi achiziva zvanga zvaitika kwaari adotetemera nokucha ndokuuya achiwira pasi pamberi paJesu achimuudza chokwadi chese. 34Ipopo Jesu adoti kwaari, “Mwanasikana kutenda kwako kwakuporesa. Enda zvako norugare, usununguke kubva padambudziko rako.”
35Achiri kutaura daipo, vamwe vadobva kumba kwomukuru wosinagoge ndokuti, “Mwanasikana wenyu wapfa, muchashupireiko Mudzidzisi?”
36Jesu haanai kuita basa nozvavadotaura, ndokuti kumukuru wosinagoge, “Reka kucha ndotenda basi.” 37Ipopo adobvumiraba munhu kumutevera kusara kwaPita, Jakobho naJohwani mwanabiyache. 38Paadosvika kumba kwomukuru wosinagoge, adoona vanhu vachirira maundu, nokubvumvurika nokuridza mhere. 39Adopinda ndokuti kwavari, “Munoitireiko mhere idodai muchirira? Mwana haanai kupfa asi adoenzera.”
40Vadomuseka. Asi Iye adovabiritsa vese achitora baba namai vomwana novaadouya navo, ndokupinda navo mukamuri yanga idoradzikiwa mwana. 41Adobata ruoko romusikana achimumutsa achiti kwaari, “Tarita kumi,” ndokuti, musikana ndinoti kwauri muka.
42Kabodzi nokabodzi musikana uye ndiye khwakhwanyaku kumuka nokutekairirafuti, ndava wanga watova nomakore gumi nomairi. Vadoshamisiwa nazvo zvokutosaya nochokunyaira chese. 43Ipopo adovakohomedza achiti damba wamaudza, ndokuvaudza kuti vamupase chokuja.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mariko 5: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: