Mariko 10

10
Kuroorana Nokurambana
(Mateo 19:1-12; Ruka 16:18)
1Wabva pakarepo adoenda mudunhu roJudhiya, nokumhiri kwaJorodhani. Gurusvusvu rovanhu ridouya kamu kwaari. Iye adovadzidzisa semaitiro yaaiita nguwa dzese.
2Vamwe vaFarisi vadouya kudzomuedza vachibva vamubvunza, “Tiudze, zviri pamutemo chere kuti munhu arambe mukadzi wache?”
3Adovapindura achiti, “Ko Mozisi adokurairai chii?”
4Vadoti, “Mozisi adobvumira kuti murume apase mukadzi gupuro womuendesa.”
5Ipopo Jesu adovapindura kuti, “Kwaitova kuoma mwoyo kwenyu saka adokunyorerai mutemo udodaroyo. 6Asi kubva pakusikiwa, Mwari adovaita murume nomukadzi. 7Nochikonzero chakarecho murume achasiya baba vache namaache (anamatirane nomukadzi wache). 8Vairi vakarevo vachava nyama ibodzi. Saka vanenge vachiriba vairi asi nyama ibodzi. 9Saka chabatanidziwa naMwari mbaparege kudzova nomunhu anochikwachanura.”
10Vapinda mumba, vadzidzi vache vadomubvunza kamu pamusoro ponyaya yakareyo. 11Adoti kwavari, “Wese anoramba mukadzi wache achiroora umwe anomuitira upombwe. 12Futi mukadzi akaramba murume wache woroorewa noumwe, anoita uhure.”
Jesu Anoropafadza Vana
(Mateo 19:13-15; Ruka 18:15-17)
13Zvino vanhu vadoti vachiuya novana vadiki kuna Jesu kuti avabate, vadzidzi vache vadovatsiura. 14Jesu paadozviona haanai kufara nazvo ndokubva wati kwavari, “Siyai vana vadiki vauye kwandiri, regai kuvarambidza nokuti umambo hwokudenga ngwavo. 15Ndinokuudzai chokwadi, wese asingatambire umambo hwaMwari semwana mudiki, anopindaba mahuri. 16Adovabata mumaoko yache achiturika maoko yache pavari.
Jaha Ridopfuma
(Mateo 19:16-30; Ruka 18:18-30)
17Adoti wabirika waakutoenda, pano adoenda kwaari achitizira ndokupfugama pamberi pache achibvunza, “Mudzidzisi adonaka, chii chandingaite kuti ndigare nhaka youpenyu husingapere?”
18Jesu adoti kwaari, “Sei uchinditi adonaka? Hapanai adonaka kunze kwaMwari. 19Mirairo unoiziva inoti, ‘Reka kubaya, reka kuita upombwe, reka kuba, reka kuita upfakazi hwomabhwodo, reka kubiridzira, kudza baba vako namaako.’”
20Iye adoti kwaari, “Mudzidzisi, zvese zvakarezvi ndidozvichengeta kubva paudiki hwangu.”
21Ipopo Jesu adomunangara achibva wamuda, ndokuti kwaari, “Wasarihwa nochibodzi, enda wotengesa zvaunazvo zvese, wopasa varombo, ipopo unenge wava nopfuma kudenga, wouya wonditevera.” 22Jaha paridonzva zvakarezvo ridododoma kaso richibva raenda nochitsvumwoyo ndava ranga rinopfuma idowanditsa.
23Jesu adonangara nangara ndokuti kuvadzidzi vache, “Zvichaomera sei vapfumi kupinda muumambo hwaMwari!”
24Vadzidzi vache vadoshamisiwa chaizvo nomashoko yache. Asi Jesu adovapindura kamu achiti kwavari, “Vana, muomero rini wazvidoita kupinda muumambo waMwari! 25Zvidotopusira ngamera kupinda nopaboo ronariti pamupfumi kuti apinde muumambo hwaMwari.”
26Vadoshamisiwa zvidopindiridza ndokutaurirana vachiti, “Manje mbani anoponesewa?”
27Zvino Jesu adovanangara ndokuti, “Kuvanhu, zvinokwanisikaba, asi naMwari zvinokwanisika.”
28Ipopo Pita adoti kwaari, “Onai, tidosiya zvese tichikuteverai.”
29Jesu adovapindura achiti, “Chokwadi ndinokunyepai, hapanai munhu adosiya imba kana vana kana vakoma novanin'ina’ina kana hanzvadzi kana minda nokuda kwangu kana kwovhangeri, 30asingadzotambira zvidopetewa kazana zvino, muupenyu hwakarehuno, dzimba, vakoma novanin'ina’ina, hanzvadzi, anamai, vana, minda nokutambudziwa, uye munyika ichauya achava noupenyu husingapere. 31Asi vazinji vari vokuthanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokuthanga.”
Kochitatu Jesu Anonyaira Zvokupfa Nokumuka Kwache
(Mateo 20:17-19; Ruka 18:31-34)
32Pavanga vaamunzira vachikwidza kuenda kuJerusarema, Jesu wanga adovatungamira, vadzidzi vaishamisika, futi vaimutevera vachicha. Adotora vanogumi novairi parutivi ndokuvanyepa zvanga zvichadzoitika kwaari, 33achiti, “Onai, tirikuenda kuJerusarema, Mwanakomana woMunhu achaisiwa kuvaprista vakuru, nokuvanyori, ivo vachamutongera ipfa, vomuisa kuvanhu vasiri vaIzirairi. 34Ivo vachamuseka nokumuzvidza, vachamurova nokumusvipira mathe, vomubaya, asi musure momazuva matatu achamuka kamu.”
Anoda Kuva Mukuru Mbaave Muranda
(Mateo 20:20-28)
35Ipopo vanakomana vaZebhedhiya, Jakobho naJohwani, vadonyedza kwaari vachiti, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chese chatinokukumbirai.”
36Adoti kwavari, “Munoda kuti ndikuitirei chii?”
37Vadoti kwaari, “Itai kuti pamunogara mukubhwinya kwenyu mutiise umwe kuruji kwenyu umwe kurubose kwenyu.”
38Asi Jesu adoti kwavari, “Munozivaba zvamunokumbira, munogona nai iyemi kumwa mukombe womatambudziko wandinomwa inini? Nokuombekewa noruombeko randinoombekewa inini?”
39Ivo vadoti, “Tinogona,
“Jesu adobva wati kwavari, “Muchamwa zvenyu mukombe wandichamwa, nokuombekewa ruombeko randichaombekewa. 40Asi zvokugara kuruji kwangu nokumamose kwangu nzvanguba kuti ndizvipase munhu, asi nzvoavo vadozvigadzirihwa.”
41Vanogumi pavadozvinzva, vadomwamwira Jakobho naJohwani. 42Ipopo Jesu adovadaidza ndokuti kwaari, “Munoziva kuti vaye vanotohwa sevatongi vodzimwe Ndudzi, vanoremedza vari pasi pavo, novakuru vavo vanoita chisimba kwavari. 43Manje izvozvo ndizvoba zvazvinofanira kuva pakati penyu, wese achava mukuru pakati penyu anofanira kushandira abiyache. 44Noanoda kuva wokuthanga pakati penyu, achava muranda wovese. 45Nokuti naiyewo Mwanakomana woMunhu haanai kuuya kudzoshumihwa asi kudzoshumira nokupasa upenyu hwache kuti ruve rudzikinuro rovazinji.”
Kusvinudziwa kwaBhatimeyo
(Mateo 20:29-34; Ruka 18:35-43)
46Zvino vadosvika paJeriko, paanga waakubirika novadzidzi vache nogurusvusvu rovanhu, parutivi ponzira yakareyo panga padogarikika rombe raiitiwa Bhatimeyo mwanakomana waTimeyo. 47Ipopo adonzva kuti ndiJesu woNazareta, ndokuthanga kudaidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhiti ndinzvirei tsitsi.”
48Vazinji vadomudzuma vachimunyepa kuti anyarare, asi iye adobva wasokokerafuti kuramba achidaidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi.”
49Nokudaro Jesu adomira ndokuraira kuti adaidziwe.
Ivo vadodaidza rombe vachiti, “Tsunga, ari kukudaidza, chitosumuka uende.”
50Adokutukudza bhachi rake kudodaro ukwo, ndokuvhurumuka kusumuka achienda kuna Jesu.
51Jesu adoti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Rombe ridoti,
“Mudzidzisi ndinoda kuti ndione.”
52Jesu adoti kwaari, “Kutenda kwako kwakuporesa, chienda.”
Kabodzi nokabodzi adoona, ndokumutevera munziramo.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mariko 10: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល