Mateo 20

20
Vashandi muMunda woMizambiringa
1Umambo hwokudenga hudoita kunge muridzi womunda adobirika mangwanani kotsvaga vashandi vomumunda wache womizambiringa 2Musure mokubvumirana novashandi kuvaripa dhinari pazuva, adobva wavatuma kumunda wache womizambiringa. 3Adobirika paawa yochipfemba mangwanani ndokuona vamwe vadondoti puru, pamusika, 4adoti kwavari, ‘Naimipa endaiwo kumunda womizambiringa, chese chidokodzera ndinokupasai.’ Vachibva vadoenda. 5Adobirika pakare paawa inenge yogumi nodziiri noyochitatu masikati achiita zvibodzi bodzizvo. 6Dzava nguwa dzogumi noibodzi adobirika ndokuwana vamwe vadondoti puru, adovabvunza achiti, ‘Mudomirirei pano zuva rese pasinai chamurikuita?’ 7Vadomupindura vachiti, ‘Ndava hapanai watidaidza kundomba.’ Adoti kwavari, ‘Endaiwo koita basa kumunda womizambiringa.’
8Kudzoti yava mauro, muridzi womunda womizambiringa adoti kumutariri wache, ‘Daidza vashandi uvahorese mibairo yavo, uchithanga nowokupedzisira, uchiguma nowathanga.’ 9Padouya vaye vadopasiwa basa paawa yogumi noibodzi, vadotambirisiwa dhinari pamunhu. 10Manje vokuthanga pavadodzouya vadofunga kuti vachatambirisiwa idowanda, asi vese vadondotambirisiwa dhinari pamunhu. 11Pavadoritambira vadonyunyutira muridzi womusha, 12vachiti, ‘Ava vokupedzisira vandoshanda awa ibodzi basi, imipa mavaenzanisa naisisu tasvera tichibinduka zuva richitsvonda kupisa.’ 13Asi adopindura umwe wavo, ‘Shamwari, hapanai chandakukanganisira, haunai kubvumirana nainini dhinari ribodzi here? 14Tora chako, uende, ndasarudza kupasa wokupedzisira kunge zvandakupasa iwepa. 15Anga ndinobvumihwaba nai kuita zvandinoda nozvinhu zvangu? Kana kuti watsvisiwa mwoyo nokupereka kwangu?’
16Saka vokupedzisira vachava vokuthanga, novokuthanga vova vokupedzisira.”
Jesu Anonyaira zvoIpfa Yache koChitatu
(Mariko 10:32-34; Ruka 18:31-34)
17Jesu paanga achienda kuJerusarema, ari munzira adotora parutivi vadzidzi vanogumi novairi, ndokuti kwavari, 18“Onai, tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaperekewa kuvaprista vakuru novadzidzisi vomurairo, ivo vachamutongera ipfa, 19vomupereka kuno voDzimwe Ndudzi kuti vamunyadze nokumurova vodzomurovera pamuchinjikwa, iye wodzomutsiwa nozuva rochitatu.”
Chikumbiro Chaamai
(Mariko 10:35-45)
20Ipopo amai vovanakomana vaZebhedhi vadouya kuna Jesu, novanakomana vavo, vachibva vapfugama pamberi pache ndokumuruvira chimwe chinhu.
21Iye adoti kwaari, “Anga chii chaunoda?”
Adoti kwaari, “Tenderai kuti vanakomana vangu vairi ava, vagare umwe kuruoko renyu roruji umwe kurubose kwenyu, muumambo hwenyu.”
22Asi Jesu adopindura achiti, “Munozivaba zvamunoruvira. Munokona nai iyemi kumwa mukombe wandichamwa?”
Vadoti kwaari, “Tinokona.”
23Adoti kwavari, “Muchamwa zvenyu mukombe wangu, asi zvokugarikika kuruoko rangu roruji norokumabose nzvanguba kuti ndizvipase, asi nzvoavo vadozvigadzirihwa naBaba vangu.”
24Manje vadzidzi gumi pavadozvinzva, vadomwamwira mukoma nomunin'ina’ina. 25Asi Jesu adovadaidza kuti vauye kwaari ndokuti, “Munoziva kuti vatongi voDzimwe Ndudzi vano simba pamusoro pavo, vakuru vavo vanoita mukurira pavari. 26Mbazvirege kudaro pakati penyu, asi wese anoda kuva mukuru pakati penyu mbaave mushandi wenyu, 27nowese anoda kuva wokuthanga pakati penyu mbaave muranda wenyu, 28ndomwenze iye Mwanakomana woMunhu asinai kuuya kudzoshumihwa, asi kudzoshumira, nokupereka upenyu hwache kuti huve rudzikinuro rovazinji.”
Jesu Anoporesa Marombe Mairi
(Mariko 10:26-52; Ruka 18:35-43)
29Jesu novadzidzi vache pavanga vaakubirika muJeriko, mhomho ikuru idomutevera. 30Padoita, marombe mairi vanga vadogarikika panyasi nonzira, pavadonzva kuti ndiJesu ari kupinda, vadodaidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhiti, tinzvirei tsitsi!”
31Mhomho idovadzumidza, ichivaudza kuti vanyarare, asi ivo vadokungudzitsirafuti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhiti, tinzvirei tsitsi!”
32Jesu adomira ndokuvadaidza achiti, “Chii chamunoda kuti ndikuitirei?”
33Vadoti kwaari, “Ishe, kuti meso yedu yaone.”
34Jesu notsitsi adobata meso yavo, kabodzi nokabodzi vadopenyerafuti vachibva vamutevera.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mateo 20: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល