Mateo 18
18
Mbani Mukuru?
(Mariko 9:33-37; Ruka 9:46-48)
1Panguwa yakareyo vadzidzi vadouya kuna Jesu vachiti, “Mbani mukuru muumambo hwokudenga?”
2Zvino adodaidza mwana kwaari ndokumuisa pakati pavo, 3achibva wati, “Chokwadi ndinoti kwamuri kana, musingasanduke muchiita kunge vana, munopindaba muumambo hwokudenga. 4Wese anozvidikipisa kunge mwana wakareyu, ndiye mukuru maninge muumambo hwokudenga. 5“Wese anotambira muzita rangu mwana mudiki adodaro anotambira inini.
Muedzo kuti Utadze
(Mariko 9:42-48; Ruka 17:1,2)
6Uyo wese anokonzera umwe wovadiki vakareva vanotenda kwandiri kuti atadze, hasa kutoti guyo rikuru risungirihwe muhuro mache achudumutsiwe kumagwinakwina kwogungwa. 7“Nhamu kunyika nondava yomiedzo inokonzera vanhu kutadza! Muedzo inofanira kuuya zvayene, asi nhamu kumunhu anoiwuyisa!
8Futi kana ruoko rako kana kuti tsoka ichikonzera kuti utadze, igwate uitaye! Hasa kupinda muupenyu udoremara kana kuti udogwatika panokuti ukhandiwe mumoto usingapere unomaoko mairi notsoka dziiri. 9Kana ziso rako richikukonzera kutadza, ritokonore uritaye, hasa kwauri kupinda muupenyu uno ziso ribodzi panokuti ukhandiwe mugehena romoto unomaziso mairi.
Mufananidzo woHwai Idotaika
(Ruka 15:3-7)
10“Onai kuti munozvidzaba umwe wovadiki vakareva. Ndava ndinokunyepai kuti ngirozi dzavo kudenga dzinenge dziripo panaBaba vangu vari kudenga. 11Ndava Mwanakomana woMunhu adouya koponesa adotaika.
12Munofungei? Kana munhu ano mahwai zana, rimwe rikataika, anosiyaba nai makumi mapfemba nomapfemba mumakomo achienda kotsvaga ribodzi ridotaika? 13Chokwadi, ndinokunyepai kuti kana wariwana, anorifarira kukunda makumi mapfemba nomapfemba yasinai kutaika. 14Nonzira ibodzibodziyo Baba venyu vari kudenga vanodaba kuti umwe wovadiki vakareva aparadzike.
Kana Munhu Watadza
15Kana hama yako yakutadzira, enda komuudza uyanga hwache, muri pauviri hwenyu. Kana akakutetekera, wazviwanira hama yako. 16Asi kana waramba kukutetekera, tora umwe kana vairi muende mese, kuti nyaya yese isimbisiwe noupfakazi hwovairi kana vatatu. 17Kana akaramba kuvatetekera, zviudze kherekhe, kana akaramba kutetekera nokherekheyo, mutorei kunge wokunze kana muteresi.
Kurambidza Nokubvumidza
18Chokwadi ndinoti kwamuri, chese chamunosunga panyika chichasungiwa kudenga, nochamunosugudura panyika chichasuguduhwa kudenga.
19Pakare ndinoti kwamuri, kana vairi venyu mukabvumirana panyika pamusoro pochinhu chipi zvachene chamunokumbira, muchachiitihwa naBaba vangu vari kudenga. 20Ndava panoungana vairi kana vatatu muzita rangu, pakarepo ndiripo pakati pavo.”
Mufananidzo woMuranda Asingaregerere
21Zvino Pita adouya kwaari achiti, “Ishe, hama yangu inganditadzire kangani ndichimbondoiregerera? Kanomwe chere?”
22Jesu adoti kwaari, “Handiti kwauri kanomwe, asi makumi manomwe yadopetewa kanomwe. 23“Saka umambo hwokudenga hungaenzanisiwe namambo waida kunhadzirisa zvikwerete novaranda vache. 24Paadothanga kuverenga, umwe wanga ano chikwerete chozviuru gumi zvomasaga yondarama, adouyisiwa kwaari. 25Nondava yokutadzirira kuripa, ishe wache adoraira kuti iye atengesewe, pabodzi nomukadzi wache novana nozvese zvaanga anazvo, kuti chikwerete chiripiwe. 26Muranda adogodama nomabvi pamberi pache ndokuti, ‘Ishe ndiitirei mwoyo murefu, ndichakuripai zvese.’ 27Tenzi womuranda adoita tsitsi, ndokumuregerera kuti aende zvache.
28Asi muranda mubodzi bodziyo, paadobirika pakarepo, adouya kunoumwe muranda biyache wanga ano chikwerete kwaari chomakobiri zana yanonzi dhinari adomubata pahuro achiti, ‘Ripa chikwerete chako.’ 29Muranda biyache adogodama nomabvi achimukumbira achiti, ‘Ndiitire mwoyo murefu, ndichakuripa.’ 30Asi iye adoramba ndokuenda komuisa mutorongo kusvikira waripa chikwerete. 31Zvino varanda biyache pavadoona zvanga zvaitiwa, vadoshungurudziwa nazvo chaizvo, ndokuenda konyepa tenzi wavo zvese zvanga zvaitika. 32Ipopo tenzi adodaidza muranda ndokuti kwaari, ‘Iwe muranda adoipa! Ndidokuregerera chikwerete chiye chese ndava wanga wandikumbira, 33ko wanga usingafaniriwo kuitira tsitsi muranda biyako kunge zvandidokuitira iwepa?’ 34Noukari tenzi wache adomuendesa kuno vokutorongo, kuti atambudziwe kusvikira aripa chikwerete chache chese.
35Zvakarezvo ndizvo zvichaitiwa naBaba vangu vokudenga kwamuri umwe noumwe, kana musingaregerere hama yenyu zvichibva pamwoyo.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mateo 18: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: