Mateo 16
16
Vanopopera Chiratidzo
(Mariko 8:11-13; Ruka 12:54-56)
1Zvino vaFarisi novaSadhusi vadouya, kuti vayedze Jesu vadomukumbira kuti avanangidze chiratidzo kubva kudenga. 2Adovapindura achiti, “Kana yava mauro, munoti, ‘Kunze kuchamira mushe, ndava denga ridotsvuka.’ 3Kana yari mangwanani, ‘Kuchaita duthu nasi, ndava denga ririkusina sina ridotsvuka.’ Munoziva kurapanura mamiriro yodenga, asi muchitadza kurapanura zviratidzo zvonguwa dzino. 4Vanhu vomazuvano vadoipa vasinai kutendeka vanotsvaga chiratidzo, manje hapanai chiratidzo chavachapasiwa kusiya kwochiratidzo chaJona.”
Ipopo adovasiya achibva waenda.
Mbiriso yovaFarisi noVasadhusi
(Mariko 8:14-21)
5Vadzidzi pavadosvika kumhiri, vanga vakoshiwa kutakura kana kazingwako. 6Jesu adoti kwavari, “Hokoyo, chenjererai mbiriso yovaFarisi novaSadhusi.”
7Zvino vadzidzi vadozvikurukura pakati pavo vachiti, “Hatinai kuuya nomazingwa.”
8Asi Jesu paadozviziva adoti, “Imi vokutenda kudiki, seiko muchikurukura pakati penyu kuti hamunai mazingwa? 9Hamunati maakuona nanasi? Munoyeukaba mazingwa mashano pazviuru zvishano, kuti tswanda dzingani dzamudounganidza? 10Kana mazingwa manomwe pazviuru zvinai uye kuti tswanda dzingani dzamudounganidza? 11Muri kutadza tini kuona kuti ndanyairaba zvomazingwa? Chenjererai mbiriso yovaFarisi novaSadhusi.”
12Ipopo vadonzvitsitsa kuti wanga asingavaudze kuti vachenjerere mbiriso yomazingwa, asi yodzidziso yovaFarisi novaSadhusi.
Pita Anopupura kuti Jesu ndiye Khirisitu
(Mariko 8:27-30; Ruka 9:18-21)
13Zvino Jesu paadosvika mudunhu rinoitiwa Khesari Firipi, adobvunza vadzidzi vache, “Anga vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu mbani?”
14Ivo vadoti, “Vamwe vanoti Johwani Muombeki, vamwe vachiti Eriya, vamwewo vachiti Joromiya, kana umwe wovaporofiti.”
15Iye adoti kwavari, “Asi imimi munoti ndini yani?”
16Simoni Pita adopindura achiti, “Ndimi Khirisitu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”
17Zvino Jesu adomupindura achiti, “Udokomborehwa iwepa, Simoni mwanakomana waJona! Ndava nyama nogazi ndizvoba zvakuzururira izvozvi, asi Baba vangu vari kudenga. 18Zvino ndinokuudza, ndiwe Pita, pamusoro poruware uhu ndichavakha kherekhe yangu, nomasimba yoGehena yachaikundaba. 19Ndichakupasa makhiyi youmambo hwokudenga, chese chaunosunga panyika chichasungiwa kudenga, nochese chauchasugudura panyika chichasuguduriwa kudenga.”
20Ipopo adotsindikira vadzidzi vache kuti vareke kuudza munhu kuti ndiye Khirisitu.
Jesu Anovanyepa Zvokutambudzika noKupfa Kwache
(Mariko 8:31-38; 9:1; Ruka 9:22-27)
21Kubva panguwa yakareyo Jesu adothanga kunangidza vadzidzi vache kuti anofanira kuenda kuJerusarema kotambudziwa novaphirisita vakuru novadzidzisi vomurairo, pamusoro pozvinhu zvizinji, wobaiwa, nokudzomutsiwa nozuva rochitatu.
22Zvino Pita adomutora parutivi ndokuthanga kumudzumidza achiti, “Zvinoitikaba izvo, Ishe! Zvakarezvo mbazvireke kuitika kwamuri.”
23Asi Jesu adochununguka ndokuti kuna Pita, “Ibva kwandiri Sathani! Uri chitadziso kwandiri, ndava hausi kudivi raMwari, asi rovanhu.”
24Ipopo Jesu adoudza vadzidzi vache, “Kana munhu achida kunditevera, mbaazvirambe atore muchinjikwa wache anditevere. 25Ndava wese anoda kuchidza upenyu hwache anotaikihwa nahwo, nowese anotaikihwa noupenyu hwache nokuda kwangu achahuwana. 26Anga chii munhu chaanowana kana akawana nyika yese achipfurutsa upenyu hwache? Kana kuti chii munhu chaachapereka chinotsivana noupenyu hwache? 27Ndava Mwanakomana woMunhu achauya nongirozi dzache ari mukubhwinya kwaBaba vache, ipopo acharipa munhu wese zvichienderana nozvaadoita. 28Chokwadi, ndinoti kwamuri, varipo vamwe vadomira pano vasingadzopfa vasati vaona Mwanakomana woMunhu achiuya muumambo hwache.”
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mateo 16: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: