Ruka 5

5
Jesu Anodaidza Vadzidzi Vokuthanga
(Mateo 4:18-22; Mariko 1:16-20)
1Zvidoitika kuti vanhu pavaimusvanikidza kuti vanzve Shoko raMwari, iye wanga adomira mumhera mogungwa roGenesareti. 2Futi adoona tumwadiya tuiri pamhera pogungwa, asi vabati vohove vanga vabirika maturi vaakusuka mambure. 3Achipinda munokamwe kotumwadiya, kanga kari kaSimoni, adomukumbira kuti anyedze pashoma kubva panyika. Zvino adogarikika pasi ndokudzidzisa vanhu ari mukamwadiya.
4Paadopedza kutaura, adoti kuna Simoni, “Nyudzai mambure yenyu kugwiri kuti mubate.”
5Zvino Simoni adopindura, “Tenzi, tatambura usiku hwese asi hapanai chatabata! Asi noshoko renyu, ndichanyudza mambure.” 6Zvino pavadondoita zvakarezvo, vadobata hove dzidowanditsa, mambure yavo yakatoda kuparuka, 7vadoninira abiyavo munokamwe kamwadiya kuti vauye vavabatsire. Ivo vadouya ndokuzaza tumwadiya twese tuiri, zvokuti twanga totonyura. 8Asi Simoni Pita paadoona izvi, adowira pasi patsoka dzaJesu, achiti, “Birikai kwandiri, ndiri mutadzi Ishe!”
9Nokuti wanga washamisiwa, novese vaanga anavo, nokuwanda kwohove dzavadobata.
10Fanikewo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhiya, vanga vachishanda pabodzi naSimoni. Zvino Jesu adoti kuna Simoni, “Rega kucha, kubva manje uchabata vanhu.”
11Pavadouyisa tumwadiya twavo panyika, vadosiya zvese ndokumutevera.
Jesu Anoporesa Murume woMapere
(Mateo 8:1-4; Mariko 1:40-45)
12Paanga ari munorimwe guta, padouya munhu wanga anomabobo muviri wese. Paadoona Jesu, adowira pasi pamberi pache ndokumuteterera achiti, “Ishe kana muchida, munogona kundinatsa.”
13Zvino adotambanudza ruoko rache ndokumubata. Adoti kwaari, “Ndinoda, chinatsiwa.” Kabodzi nokabodzi mabobo yadobva yabirika kwaari. 14Zvino adomutsindikira, kuti areke kuzvinyepa munhu asi adomuti, “Enda kozvinangidza kumuphirisita, upire chipiriso chokunatsiwa kwako sezvidoraihwa naMozisi, chive upfakazi kuvanhu.”
15Asi zvidodaro runyerekupe pamusoro pache hudopararira, gurusvusvu rikuru ridoungana kuti rimunzve nokuporesewa hodza dzavo. 16Asi iye adobirika achienda kwake wega konamata.
Jesu Anoporesa Murume Adoputana Nhengo
(Mateo 9:1-8; Mariko 2:1-12)
17Panorimwe romazuva yakareyo, paanga achidzidzisa, panga pano vaFarisi novadzidzisi vomutemo vanga vadogarikika pakarepo, vanga vabva mumisha yese yoGaririya noJudhiya nokuJerusarema, zvino simba raIshe rokuporesa ranga riri paari. 18Zvino ona, varume vadouya nomurume adotonhora nhengo ari pabonde, vadotsvaga mapindiro yavaidzoita naye kuti vamuradzike pamberi paJesu. 19Asi nokuda kwomhomho yovanhu vadotadza kusvitsa muhwere wavo paiva naJesu, saka vadokwira padenga roimba, ndokunyandanura denga vachibva vaburutsa muhwere ari pamukhangara wache nopaboo padonangana naJesu. 20Zvino paadoona kutenda kwavo adoti, “Muhwere, zvitadzo zvako wazviregerehwa.”
21Asi vanyori novaFarisi vadothanga kubvunzana vachiti, “Mbani iyeyu anotaura zvokushora Mwari! NdiMwari basi peno anokona kuregerera zvitema!”
22Jesu paadoziva zvaiva mumwoyo yavo adovapindura achiti, “Seiko muchiita mibvunzo mumwoyo yenyu? 23Nzvipi zvidopusa kuti, ‘Zvitema zvako zvaregerehwa,’ kana kuti, ‘Sumuka utekaire?’ 24Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ano masimba panyika yokuregerera zvitema,” adoti kumurume adotonhora nhengo, “Ndinoti kwauri, sumuka, tora bonde rako, uende kumba kwako!”
25Kabodzi nokabodzi adosumuka pamberi pavo, achitora bonde rache, ndokuenda kumba kwache achirumbidza Mwari. 26Kushamisika kudovabata vese, vadobva varumbidza Mwari, futi vadozara nokucha, vachiti, “Nasi taona zvinhu zvinoshamisa.”
Jesu Anodaidza Revhi
(Mateo 9:9-13; Mariko 2:13-17)
27Mumasure mozvakarezvo adobirika, ndokuona muteresi waiitiwa Revhi, anozita rokuti Mateo, wanga adogarikika paimba yomutero. Jesu adoti kwaari, “Nditevere.” 28Iye adosiya zvese, ndokusumuka achimutevera.
29Zvino Revhi adomuitira mabiko makuru mumba mache, ipopo panga pano vateresi vazinji novamwewo vanga vadogarikika kuti vaje pathafura naye. 30Zvino vaFarisi novanyori vadonyunyutira vadzidzi vache. Vadoti kwavari, “Indava yei muchija nokumwa novateresi novatadzi?”
31Jesu adovapindura achiti, “Vapuma vanodaba chiremba, asi vanohwara ndivo vanoda chiremba. 32Ndidouyaba kudzodaidza vadorurama, asi vatadzi kuti vapinduke.”
Mubvunzo Pamusoro Pokutsanya
(Mateo 9:14-17; Mariko 2:18-22)
33Zvino vadoti kwaari, “Vadzidzi vaJohwani vanotsanya nokunamata kadowanda, futi vadzidzi vovaFarisi vanoita zvibodzi bodzizvo, asi vadzidzi venyu vanoja nokumwa.”
34Jesu adoti kwavari, “Mungatsanyise vadokokewa kumuchato iye mukwende anavo chere? 35Mazuva yachasvika, pachabiritsiwa mukwende kubva kwavari, pamazuva yakareyo ndipo pavachatsanya.”
36Adovanyepawo mufananidzo ndokuti kwavari, “Hapanai anokerura kajira kubva pabiza ritsva achikasonerera pahembe yasakara. Kana akaita zvakarezvo, achakerura hembe yasakarayo, futi kajira kanobva pabiza ritsva kanotadza kuenderana nohembe yasakara. 37Futi hapanai anoisa waini itsva muhomwe dzomatehwe yokare, akaita zvakarezvo waini itsva inophabura homwe dzomatehwe yokare, wainiyo yotaika, ukuwo matehwe yoparara. 38Asi waini itsva inofanira kuisiwa muhomwe dzomatehwe dzitsva! 39Futi hapanai anoti mumasure mokumwa waini yokare, angadzoda kumwa waini itsva, ndava anoti, ‘Yokare, ndiyo idonaka.’”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 5: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល