Ruka 11

11
Jesu Anodzidzisa Kunamata
(Mateo 6:9-13; 7:7-11)
1Wanga achinamata pano imwe nzvimbo, paadopedza umwe wovadzidzi vache adoti kwaari, “Ishe tidzidziseiwo kunamata kunge zvidoitiwa naJohwani kuvadzidzi vache.”
2Zvino adoti kwavari, “Kana maakunamata namatai muchiti,
‘Baba,
Zita renyu mbarikudziwe noutsvene,
umambo hwenyu mbahuuye.
3Tipaseiwo zvokuja zvedu zvomazuva yese,
4mutiregerere zvitadzo zvedu, nokuti
isisu tinoregererawo vese vanotitadzira.
Rekai kutipinza pakuedzewa.’”
5Adodzoti kwavari, “Mbani pamuri angaite shamwari yaanovinga pakati pousiku achimuti, ‘Shamwari ndikweretesewo mazingwa matatu, 6Ndava shamwari yangu iri pahwendo yasvika, apa handinai chokumubikira,’ 7Zvino iye angamupindure nai ari mukati achiti, Reka kundinetsa, ndavhara sasa, futi inini novana vangu tatoenzera. Handingamuke kamu ndichikupasa chinhu. 8Ndinokunyepa, kunyange asingamuke nondava yokuti ishamwari yache, asi nondava yokumbondomupenzverera asinganyare achamuka basi achimupasa zvese zvaanoda. 9Saka ndinoti kwamuri, Kumbirai, muchapasiwa, tsvagai, muchawana, gugudzai, muchazururihwa. 10Nokuti wese anokumbira anopiwa, noanotsvaga anowana, noanogugudza anozururihwa. 11Mbapi baba pakati penyu, anoti kana mwanakomana wache akaruvira hove angamupase nyoka panzvimbo yohove, 12kana akakumbira zai, angamupase karize? 13Manje kana imipa vadoipa, muchiziva kupasa vana venyu zvidonaka, Baba vari kudenga vanokungudzirabafuti nai kupasa Mweya Mutsvene kuno avo vanovakumbira!”
Jesu naBherizebhuri
(Mateo 12:22-30; Mariko 3:20-27)
14Zvino wanga achidzinga shave rouchimumumu, shave paridobirika chimumumu chidotaura, vanhu vadobva vashamisika. 15Asi vamwe vadoti, “Anobiritsa mashave naBherizebhuri mukuru womashave.”
16Vamwewo vachimuedza, vadotsvaga chiratidzo chokudenga kubva kwaari. 17Asi iye achiziva mifungo yavo, adoti kwavari, “Umambo hwese hunozvipesanisa hunowira pasi, noimba idopatsanurana inowa. 18Kana naiyewo sathani achizvipesanisa, umambo hwache huchamira tini? Nokuti muri kuti ndinodzinga mashave naBherizebhuri. 19Kana inini ndichidzinga mashave naZerubhabhu, ko vanakomana venyu vanoyadzinga naani? Saka vanakomana venyu vachava vatongi venyu. 20Asi kana ndichidzinga mashave noruoko raMwari, saka Umambo hwaMwari hwauya kwamuri.”
21Kana nyamasimba, adopakata zvombo zvese, achichengetedza muzinda wake, midziyo yake inenge idochengetedzeka, 22asi pakaita anomukunda masimba womuhwisa achimukurira, anomutorera zvombo zvaanga achivimba nazvo, wokovera zvaapamba.
23Asiri nainini anopesana nainini, noasingaunganidze pabodzi nainini anopamwadza.
Kudzoka Kwomweya Udoipa
(Mateo 12:43-45)
24“Kana mweya udoipa wabirika mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzisinai mvura uchitsvaga pokuthurira mafemo, ukapasaya unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandidobva.’ 25Kana wadzoka unowana mumba muye matsvaihwa futi marongedzewa. 26Unobva waenda kotora imwe mweya minomwe inoukunda kuipa, inopinda yogara makaremo, kupedzisira kwomunhu wakareyo kudoipitsa kukunda kuthanga kwache.”
Mufaro Wochokwadi
27Paanga achitaura zvakarezvo, mukadzi anga ari mugurusvusvu adosumudza izvi rache achiti kwaari, “Idokomborehwa mimba idokuzvarai nomazamu yamudomwa!”
28Asi adoti, “Vadokomborehwa maninge mbaye vanonzva shoko raMwari nokurichengeta!”
Kupopera Chishamiso
(Mateo 12:38-42)
29Apo gurusvusvu rovanhu paraiingidzika kuwanda, adothanga kunyaira achiti, “Vanhu vonguwa ino vadoipa, vanotsvaga chiratidzo, manje hapanai chiratidzo chavachapasiwa kusiya kwochiratidzo chaJona. 30Ndava fanike Jona adova chiratidzo kuvanhu voNinivhi, ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kuvanhu vonguwa ino. 31Mambokadzi wokuchamhembe achasumuka pakutongwa achipasa mhosva vanhu vonguwa ino, nokuti adobva kumhera kwonyika kuti anzve uchenjeri hwaSoromoni, onai adokura kuna Soromoni ari pano. 32Varume vokuNinivha vachasumuka pakutongewa vachipikisa vanhu vonguwa ino nokuvapasa mhosva, nokuti vadotendeuka pavadoparidzihwa naJona, zvino chinhu chikuru kukunda Jona chiri pano.”
Chiedza choMuviri
(Mateo 5:15; 6:22-23)
33“Hapanai anobatidza mwenje achiuisa padohwanda kana pasi potsvanda, asi unoisiwa pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza. 34Ziso rako ndiro mwenje womuviri wako. Kana ziso rako ridonaka, muviri wako wese unenge udozara chiedza, asi kana risinai kunaka, muviri wako wese unenge udozara rima. 35Saka chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chireke kuva rima. 36Kana muviri wako wese udozara chiedza, pasinai panorima, unenge udovheneka wese, kunge zvinoitiwa nomwenje uchikupasa chiedza pakuvhenekera kwawene.”
Jesu Anopasa Mhosva vaFarisi novaDzidzisi voMutemo
(Mateo 23:1-36; Mariko 12:38-40)
37Achiri kunyaira daipo, umwe muFarisi adomukumbira kuti aje naye, saka adoenda ndokutsveyama pathafura. 38MuFarisi adokanuka kuona kuti haanai kuthanga washamba. 39Ishe adoti kwaari, “Manje imimi vaFarisi munosuka kunze kwokomichi nombenge, asi mukati menyu mudozara nonhafu nokuipa. 40Imipa madzemwa! Handiti adoita kunze ndiye mubodziyo adoitawo mukati? 41Asi perekai zviri mukati, muchaona kuti zvese zvidochena kwamuri.”
42“Manje mayanga kwamuri imimi vaFarisi! nokuti munopereka chogumi chomindi, noruwu nomiriwo yese, muchisiya kururamisira norudo raMwari izvozvi maifanira kuzviita, musingaregeri zvimwe zvacho.”
43“Mayanga kwamuri imimi vaFarisi! Ndava munofarira mipando yopamusoro mumasinagoge nokumoresewa pamisika. 44Mayanga kwamuri! ndava munenge makuwa yasingaoneki, zvokuti vanhu vanotekaira payari vasingazvizive.”
45Rimwe romagweta ridomupindura richiti, “Mudzidzisi, pakunyaira zvakarezvi muri kutoshorawo naisisu.”
46Iye adoti, “Mayanga kwamuriwo magweta! munotakudza vanhu mitoro inorema kutakura, asi imimi hamugwami mitoro yakareyo kana nokakumo kabodzi chaiko. 47Mayanga kwamuri! nokuti munovakhirira makuwa yovaporofiti vadobaiwa nomadzibaba yenyu. 48Saka muri pfakazi dzinobvumirana nozvidoitiwa nomadzibaba yenyu, ndava ivo vadovabaya, imimi munovakhira makuwa yavo. 49Sakawo uchenjeri hwaMwari hudoti, ‘Ndichavatumira vaporofiti nonhumwa, vamwe vachavabaya, vamwe vachavatambudza,’ 50kuti gazi rovaporofiti vese, ridodeuhwa kubva pamavambo yonyika ribvunziwe pavanhu vakareva. 51kubva pagazi raEbhero kusvika pagazi raZakariya, adobaihwa pakati poTafura yokupira zvipo noimba yaMwari. Inde, ndinokunyepai kuti richabvunziwa pamusoro povanhu vakareva.”
52“Mayanga kwamuri imimi magweta! nokuti mudobiritsa khiyi yokupinda kuruzivo, imipa pachenyu hamunai kupinda, mudotadzisa vaye vanga vachipinda.”
53Paanga waakubva pakarepo, vaNyori novaFarisi vadothanga kumupikisa zvidonyanya, vachimusora kuti ataure zvinhu zvidowanda, 54vadomuteya kuti vawane pavangamubate napo pakunyaira.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Ruka 11: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល