Johwani 8
8
Mukadzi Adobatiwa Achihura
1Jesu adoenda kugomo roMiorivhi. 2Adopinda futi muimba yaMwari mambakwedza, vanhu vese vadouya kwaari, saka adogarikika ndokuvadzidzisa. 3Vadzidzisi vomutemo novaFarisi vadounza mukadzi wanga awanikidziwa achiita zvobonde, ndokubva vamumisa pakati pavo 4vadobva vati, “Mudzidzisi, mukadzi iyeyu wawanikidziwa achihura. 5Manje pamutemo, Mozisi adotiraira kuti titeme nomatombo mukadzi adodaroyo. Munoti chii naye?” 6Vadonyaira zvakarezvo kumuedza, kuti vawane mhosva yokumutonga nayo, asi Jesu adokotama ndokuthanga kunyora pasi nokakumo kache. 7Pavadoramba vachimubvunza, adokotamuka ndokuti kwavari, “Wakareyo asinai chitadzo pakati penyu mbaave wokuthanga kumukhuva nodombo.” 8Adokotama pakare ndokunyora pasi nokakumo kache. 9Asi pavadonzva zvakarezvo, vadobirika mubodzi mubodzi, zvichithanga nomukuru wacho, vadosiya Jesu wega nomukadzi adomira pamberi pache. 10Jesu adokotamuka ndokumubvunza achiti, “Nai amai, vari poi? Hapanai wakunenedzerai mhoka chere?”
11Adopindura achiti, “Hapanai Ishe.”
Jesu adobva wati, “Nainini ndinokupaiba mhosva, endai zvenyu, mureke kudzotadza pakare.”
Jesu Chiedza Chonyika
12Jesu adotaura kwavari pakare achiti, “Ndini chiedza chonyika, uyo anonditevera anofambaba murima, asi achawana chiedza choupenyu.”
13VaFarisi vadobva vati kwaari, “Uri kuzviitira upfakazi, kupupura kwako hakunai chokwadi.” 14Jesu adopindura achiti,
“Kana dai ndikazviitira upfakazi, upfakazi hwangu ngwochokwadi, ndava ndinoziva kwandidobva nokwandiri kuenda. Asi munozivaba kwandidobva nokwandiri kuenda. 15Imimi munotonga nomutoo wovanhu, inini hapanai wandinotonga. 16Kana zvazvene ndikatonga, kutonga kwangu ndokwochokwadi, ndava handitonge ndega, asi ndinaBaba vadondituma. 17Mumutemo wenyu mudonyohwa kuti upfakazi hwovairi ichokwadi, 18ndinozvipa upfakazi, futi Baba vadondituma vanopawo upfakazi pamusoro pangu.”
19Saka vadoti kwaari, “Vari poi Baba vakovo?”
Jesu adovapindura achiti, “Munondizivaba kana naBaba vangu, dai maindiziva maizivawo Baba vangu.”
20Adonyaira mazvi yakareya ari paiisihwa zvipo, paanga achidzidzisa muimba yaMwari, asi hapanai adomusunga, nokuti nguwa yache yanga isinati yasvika.
Munokonaba Kuenda Kwandiri Kuenda
21Pakare Jesu adoti kwavari, “Ndinobirika ndichienda, muchanditsvaga futi muchapfira muzvitadzo zvenyu, kwandiri kuenda munokonaba kuuya.” 22Vatungamiri vovaJudha vadobva vati, “Achazvibaya chere, asi ndicho chikonzero chaanonyairira kuti, ‘Kwandiri kuenda munokonaba kuuya?’” 23Adoti kwavari, “Muri vopasi pano, inini handisi wopano, ndinobva kumusoro. 24Ndakunyepai kuti muchatopfira muzvitadzo zvenyu ndipo. Kusiya kwokunge matenda kuti ndini iye, chokwadi muchapfira muzvitadzo zvenyu.” 25Vadomubvunza vachiti, “Ndiwe yani?”
Jesu adovapindura achiti, “Ndiri iye wandaikuudzai kubvira pakuthanga. 26Ndinozvidowanda zvokutaura pamusoro penyu zvokukutongai, asi adondituma ngwochokwadi, futi zvandidonzva kwaari ndinozvinyaira pachena kuvanhu vonyika.” 27Havanai kunzvitsitsa kuti wainyaira kwavari nozvaBaba vache. 28Saka Jesu adoti, “Kana masumudza Mwanakomana woMunhu, pakarepo ndopamuchaziva kuti ndini iye, futi kuti ndinoitaba chinhu mumasimba yangu ndega asi ndinotaura sezvandidodzidzisiwa naBaba. 29Adondituma aneni, haanai kundisiya ndega, ndava ndinombondoita zvinomufadza.” 30Paanga achitaura daipo vazinji vadotenda kwaari.
Chokwadi Chichakusunungurai
31Jesu adodzoti kuvaJudha vadotenda kwaari, “Kana mukaramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvochokwadi, 32futi muchaziva chokwadi, chokwadi chichakuitai vadosununguka.”
33Vadomupindura vachiti, “Tiri nzvahwa dzaAbhurahamu, futi hapanai adombotiita varanda vache. Unodzotaura tini uchiti, ‘Muchasununguhwa?’” 34Jesu adovapindura achiti, “Chokwadi ndinoti kwamuri, wese anoita chitadzo muranda wochitadzo. 35Muranda haagari mumba nokusingapere, mwanakomana anopfuurira nokusingapere. 36Saka kana Mwanakomana achikusunungurai muchasununguka chaizvo izvo. 37Ndinoziva kuti muri nzvahwa dzaAbhurahamu, asi muri kuda kundibaya, ndava mamuri hamunai nzvimbo yoshoko rangu. 38Ndiri kukunyairirai zvandidoona kuna Baba vangu, naimimi munoita zvamudonzva kuna baba venyu.” 39Vadomupindura vachiti, “Abhurahamu ndivo baba vedu.” Jesu adoti kwavari, “Dai manga muri vana vaAbhurahamu maiita zvidoitiwa naAbhurahamu. 40Asi manje muri kuda kundibaya, inini munhu adokunyairirai chokwadi chandidonzva kuna Mwari, zvakarezvi ndizvoba zvidoitiwa naAbhurahamu. 41Munoita zvidoitiwa nababa venyu.” Vadoti kwaari, “Hatisi vana vouhure, tina Baba mubodzi, iye Mwari.” 42Jesu adoti kwavari, “Dai Mwari waiva Baba venyu, maindida, ndava ndidobva kuna Mwari, handinai kuzviuyira, asi adondituma saka ndiri pano. 43Nondava yei musiri kunzvitsitsa zvandinonyaira? Chikonzero nyhokuti munotambiraba kudzidzisa kwangu. 44Muri vababa venyu jabhurosi, futi chido chenyu nyhokuita zvinodiwa nababa venyu. Anga ari mhondi kubvira pakuthanga, futi haanai chokuita nochokwadi, nokuti haanai chokwadi maari. Paanobhwodoka anonyaira zvache chaizvo, ndava ndinyamabhwodo futi ndibaba wayene. 45Asi nondava yokuti ndinonyaira chokwadi, hamunditende. 46Mbani wenyu angandikomwese kuti ndaita chitadzo? Ndikakunyairirai chokwadi, sei musinganditende? 47WaMwari, anonzva mashoko yaMwari, chikonzero chokureka kunzva kwenyu indava yokuti hamuzi vaMwari.”
Jesu naAbhurahamu
48Vatungamiri vovaJudha vadomupindura vachiti, “Hatisi kunyaira zvidokohoroka chere patiri kuti uri muSamariya futi unoshave?”
49Jesu adopindura kuti, “Handinai shave, asi ndinoremekedza Baba vangu, asi munondizvidza. 50Handizvitsvagire kuremekedzewa, asi aripo anotsvaga kuremekedzewa wakareyo ndiyewo mutongi. 51Chokwadi ndinoti kwamuri, wese anochengeta shoko rangu anodzopfaba.”
52VaJudha vadoti kwaari, “Manje taakuziva kuti unoshave. Abhurahamu adopfa, kunge zvidoitawo vaporofiti, iwewe waakuti, ‘Wese anochengeta shoko rangu, anopfaba!’ 53Uri mukuru kuna baba vedu Abhurahamu? Ivo vadopfa, novaporofiti vadopfawo! Unozviti ndiwe yani?”
54Jesu adovapindura achiti, “Kana ndikazvirumbidza, kuzvirumbidza kwangu hakureve chinhu, Baba vangu vamunoti ndivo Mwari wenyu ndivo vanondirumbidza. 55Asi hamunai kumuziva, inini ndinomuziva. Ndikati, handimuzive, ndingavewo womabhwodo kunge imimi, asi ndinomuziva, futi ndinoteerera kudzidzisa kwache. 56Baba venyu Abhurahamu vadokondwa kuti vaidzoona zuva rangu, vadoriona ndokupfara.”
57Vatungamiri vovaJudha vadodzoti kwaari, “Hausati wasvika makore makumi mashano, manje udoona Abhurahamu iwewe?”
58Jesu adopindura kuti, “Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahamu asati wavapo, Ndiripo.”
59Saka vadohwenga matombo kuti vamuteme nayo, asi Jesu adoverera kubva muimba yaMwari.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Johwani 8: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: