Johwani 6

6
Jesu Anoposha Zviuru Zvishano
(Mateo 14:13-21; Mariko 6:30-44; Ruka 9:10-17)
1Mumasure mozvakarezvi Jesu adoenda kumhiri kwogungwa roGaririya raidaidziwawo kuti Taibheriyasi. 2Manje vanhu vadowanditsavo vadomutevera nondava yokuti vadoona zviratidzo zvaadoita pano vaye vanga vanomatenda. 3Jesu adokwira pagomo, ndokugarikika novadzidzi vache. 4Ipopo Phasika, unova mutambo wovaJudha yanga yaakusvika. 5Paadonangara ndokuona gurusvusvu raiuya kwaari, ndokuti kuna Firipi, “Tichatenga poi mazingwa kuti vanhu ivova vaje?” 6Adonyaira zvakarezvo kuti amuedze, nokuti Jesu pachake waiziva zvaanga achidzoita. 7Firipi adomupindura achiti, “Muhoro womwedzi mitanhatu unokwanaba kutenga mazingwa yanoita kuti munhu wese awane kachimepfu.” 8Umwe mudzidzi wache, Andireya anova mukoma nomunin'ina naSimoni Pita adoti kwaari, 9“Panomukomana pano ano mazingwa yobhaari mashano nohove dziiri, asi izvozvi zvingave chii pavanhu vadowanditsa zvidodai?”
10Jesu adoti kwavari, “Itai kuti vanhu vagarikike pasi.” Zvino panzvimbo yakareyo panga panousva huzinji, vanhurume vadogarikika pakarepo vaitosvika zviuru zvishano. 11Jesu adodzotora mazingwa, ndokuita munamato wokukomborera, adodzoyakovanisa vanhu vanga vadogarikika, ndokuita zvakarezvo nohove, achivapasa zvidoenderana nozvavaida. 12Pavadoja vachiguta, adoudza vadzidzi vache achiti, “Unganidzai zvimepfu zvasara kuti pareke kuva nochinotaiwa.” 13Saka vadodzozviunganidza ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu zvidosiiwa novadoja kubva pamazingwa mashano yobhaari.
14Vanhu pavadoona chiratidzo chaadoita, vadoti, “Chokwadi uyu muporofiti waidzouya munyika!” 15Jesu paadoziva kuti vanga vaakutouya komutora nochisimba kuti vamusukumidze kuita mambo, Jesu adobirika pakare kuti ave wega kugomo.
Jesu Anotekaira Pamusoro Pomvura
(Mateo 14:22-33; Mariko 6:45-52)
16Pakwanga kwadoka vadzidzi vache vadoenda kugungwa, 17vadopinda mukamwadiya ndokuthanga kuyambukira kuKaperenaume. Kwanga kwatodoka, Jesu asati wadzoka kwavari. 18Masaisai yogungwa yadosumuka nokuti duthu ridosimba ranga richivhuvhuta. 19Pavanga vafambisa kamwadiya makhiromita yanenge mashano kana matanhatu, vadoona Jesu achitekaira pamusoro pomvura mugungwa achitonyedza kukamwadiya. Vadocha, 20asi iye adoti kwavari, “Ndini, rekai kucha.” 21Saka vadoda kumutora kuti apinde mukamwadiya, ipopo kamwadiya kadobva kasvika panyika kwavaienda.
Vanhu Vanotsvaga Jesu
22Mangwana yacho vanhu vadosara kumhiri kwogungwa vadoziva kuti kwanga kwandova nokamwadiya kabodzi, futi Jesu wanga asinai kupinda mukamwadiya novadzidzi vache, asi kuti vadzidzi vache vadoenda vega. 23Zvisinei, tumwadiya tudobva kuTaibheriyasi tudonyedza panzvimbo yavadojira mazingwa musure mokunamata kudoitiwa naJesu. 24Saka vanhu pavadoona kuti Jesu kana vadzidzi vache vanga vasiri pakarepo, ivo pachavo vadopinda mutumwadiya ndokuenda kuKaperenaume vachimutsvaga.
Jesu Ndiye Zingwa Roupenyu
25Pavadomuwana kuimwe kumhiri yogungwa, vadomuti, “Mudzidzisi, mauya riniko kuno?”
26Jesu adovapindura achiti, “Chokwadi ndinoti kwamuri, munonditsvaga isiri ndava yokuti mudoona zviratidzo, asi nondava yokuti mudoja mazingwa muchiguta. 27Rekai kushandira kuti muwane zvokuja zvinoparara, asi zvokuja zvinogara kusvikira kuupenyu husingapere. Ndizvo zvamunopasiwa noMwanakomana woMunhu nokuti paari Mwari Baba vadoisa chisimbiso.”
28Zvino vadoti kwaari, “Tingaitei kuti tiite mabasa yanodiwa naMwari?”
29Jesu adovapindura achiti, “Basa raMwari ndorokuti mutende uyo waadotuma.”
30Saka vadoti kwaari, “Nyhipi chiratidzo chaunoita, kuti tione tikutende? Ibasa ripi rauchaita? 31Madzibaba yedu vadoja mana musango, sekunyohwa kwazvidoitiwa, ‘Adovapasa zingwa ridobva kudenga kuti vaje.’”
32Jesu adoti kwavari, “Chokwadi ndinokunyepai, ndiMozisiba adokupasai zingwa ridobva kudenga, asi Baba vangu vanokupasai zingwa rochokwadi kubva kudenga. 33Ndava zingwa raMwari ndiro rinouya kubva kudenga, ropasa upenyu kunyika.” 34Vadoti kwaari, “Ishe, tipasei zingwa rakareri nguwa dzese.” 35Jesu adoti kwavari, “Ndini zingwa roupenyu, uyo anouya kwandiri anodzonzvaba nzara, noanotenda kwandiri anodzonzvaba nyota. 36Asi sekukuudzai kwandidoita, mudondiona asi nanasi hamusati manditenda. 37Vese vandinopasiwa naBaba vachauya kwandiri, nouyo anouya kwandiri ndinomutairaba kunze. 38Ndava ndidoburuka kudenga, aikona kudzoita zvandinoda, asi kuda kwaiye adondituma. 39Kwakareku ndiko kuda kwoadondituma, kuti ndireke kurasikihwa kana nomubodzi panovese vaadondipasa, asi kudzozvimutsa pazuva rokupedzisira. 40Nokuti uku ndiko kuda kwaBaba wangu, kuti wese anonangara Mwanakomana nokutenda kwaari anofanira kuva noupenyu husingapere, futi ndichamumutsa nozuva rokupedzisira.” 41Zvino vaJudha vadon'un'uzika ndava wanga wati, “Ndini zingwa ridoburuka kubva kudenga.” 42Vadobva vati, “NdiJesuba uyu mwanakomana waJosefa, anababa namai vatinoziva? Sei waakuti, ‘Ndidobva kudenga?’” 43Jesu adovapindura achiti, “Rekai kun'un'uzika pakati penyu megamega. 44Hapanai angakone kuuya kwandiri kunze kwokutoti Baba vadondituma vamukwezvera kwandiri, futi ndichamumutsa pazuva rokupedzisira. 45Zvidonyohwa mumabhuku yovaporofiti kuti, ‘Futi vese vachafundisiwa naMwari.’ Wese adonzva achidzidza kubva kuna Baba anouya kwandiri. 46Hapanai adoona Baba kusiya kwouyo basi adobva kuna Mwari, ndiye adoona Baba. 47Chokwadi ndinoti kwamuri, uyo anotenda anoupenyu husingapere. 48Ndini zingwa roupenyu. 49Madzibaba yenyu yadoja mana musango, asi vadopfa. 50Iri ndiro zingwa ridoburuka kubva kudenga, kuti munhu arije areke kupfa. 51Ndini zingwa ripuma ridoburuka kubva kudenga, wese zvache anoja zingwa rakareri, anochira nokusingapere, futi zingwa randichapasa, kuitira kuti nyika iwane upenyu ndiwo muviri wangu.” 52VaJudha vadozvipikisa pakati pavo, vachiti, “Ko murume wakareyu angatipase sei muviri wache kuti tije?” 53Saka Jesu adoti kwavari, “Chokwadi ndinokunyepai kuti, kusiya kwokuti matoja muviri woMwanakomana woMunhu nokumwa gazi rache, hamunai upenyu mamuri, 54uyo anoja muviri wangu nokumwa gazi rangu ano upenyu husingapere, futi ndichamumutsa nozuva rokupedzisira, 55nokuti muviri wangu chikafu chaicho, pakare gazi rangu nyhokumwa chaicho. 56Uyo anoja muviri wangu nokumwa gazi rangu anogara mandiri, nainini maari. 57Fanike Baba vapenyu vadondituma, inini ndinorarama nokuda kwaBaba, saka uyo anondija achararama nokuda kwangu. 58Iri ndiro zingwa ridouya kubva kudenga, risinai kufanana noridojiwa nomadzibaba vadodzopfa, uyo anoja zingwa rakareri anochira nokusingapere.” 59Izvozvi adozvinyairira musinagoge, paanga achidzidzisa kuKaperenaume.
Shoko Roupenyu Husingapere
60Vadzidzi vache vazinji pavadozvinzva, vadoti, “Kunyaira kwakareku kudooma, mbani angakutambire?” 61Asi Jesu paadoziva mukati mache kuti vadzidzi vache vadonyunyuta nozvakarezvi, adoti kwavari, “Ko magumbuhwa nozvakarezvi nai? 62Ko kana mukadzoona Mwanakomana woMumhu achikwira kuenda kwanga ari kare? 63Mweya ndiye anopasa upenyu, nyama inobatsiraba chinhu, mashoko yandidonyaira kwamuri, ndiyo mweya noupenyu. 64Asi pano vamwe venyu vasingatende.” Nokuti Jesu waiziva kubva pakuthanga kuti mbapi vasinai kutenda, futi kuti mbani waidzomupandukira. 65Adodzoti pakare, “Ndosaka ndakunyepai kuti hapanai angauye kwandiri kusiya kwokunge wazvigonesewa naBaba vangu.” 66Mumasure mozvakarezvo vadzidzi vache vazinji vadoita chinepfu ndokurega kumutevera. 67Jesu adoti kuno vanogumi novairi, “Naimipa munoda kuendawo chere?” 68Simoni Pita adomupindura, “Ishe, tingaende kunani? Ndimi munomazvi youpenyu husingapere. 69Futi tidotenda, ndokuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” 70Jesu adovapindura, “Handinai kukusarudzai imipa gumi novairi? Manje mumwe wenyu ndijabhurosi!” 71Adotaura achireva Judhasi mwanakomana waSimoni Sikariyoti, ndava wanga ari umwe wovanogumi novairi, waidzomupandukira.

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Johwani 6: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល