Johwani 4
4
Jesu noMukadzi wokuSamariya
1Zvino Jesu paadoziva kuti vaFarisi vanga vanzva kuti iye wanga achiita nokuwombeka vadzidzi vadowanda kukunda Johwani, 2kunyange Jesu pachake wanga asingawombeke, asi vadzidzi vache basi. 3Zvino adosiya Judhiya ndokuenda pakare kuGaririya. 4Asi waifanira kupinda nomuSamariya. 5Nokudaro adosvika muguta rinoitiwa Saika riri muSamariya, panyasi pomunda Jakobho waadopasa senhaka kumwanakomana wache Josefa. 6Pakarepo panga panosime raJakobho. Jesu waneta nohwendo hwache, adogarikika panyasi posime. Yanga yakutova masikati makuru. 7Ipopo mukadzi muSamariya adouya koteka mvura. Jesu adoti kwaari, “Ndipasewo mvura yokumwa.” 8Nokuti panguwa yakareyo vadzidzi vache vanga vaenda muguta kotenga zvokuja. 9Mukadzi muSamariya adoti kwaari, “Waita tini naiwe! Uri muJudha, inini ndiri mukadzi muSamariya. Unondikumbira tini mvura yokumwa?” (Nokuti vaJudha havajidzane novaSamariya). 10Jesu adomupindura achiti, “Dai waiziva chipo chaMwari, futi kuti mbani ari kuti kwauri, ‘Ndipasewo chokumwa,’ waitomukumbira, iye wokupasa mvura inopasa upenyu peno.”
11Mukadzi adoti kwaari, “Changamire, hamunai mukombe wokutekesa, apa sime ridonoka kuti gwiri. Munoitora poi mvurayo inopasa upenyu? 12Muri mukuru chere kuna baba vedu Jakobho, vadotipasa sime rakareri, nokumwa pakarepa ivo novanakomana vavo nozvipfuwo zvavo?”
13Jesu adoti kwaari, “Wese anomwa mvura yakarei anonzva nyota pakamu, 14asi wese anomwa mvura yandichamupasa anodzonzvaba nyota pakare. Mvura yandichamupasa ichava maari chithubu chinobirika mvura inothubukira kuupenyu husingapere.”
15Mukadzi adoti kwaari, “Changamire, ndipaseiwo mvura yakareyo, kuti ndirege kunzva nyota, nokudzouya pano koteka mvura.”
16Jesu adoti kwaari, “Enda kodaidza murume wako, muuye pano.”
17Mukadzi adomupindura achiti, “Handinai murume.”
Jesu adobva wamuti, “Wakohorora pawati, ‘Handinai murume.’ 18Ndava udoita varume vashano, nomurume waunaye ngwakoba, ipopa wanyaira chokwadi.”
19Mukadzi adoti kwaari, “Changamire, ndiri kuona kuti muri muporofiti. 20Madzibaba yedu vainamatira pagomo rakareri, manje imipa munoti vanhu mbavanamatire muJerusarema.”
21Jesu adoti kwaari, “Amai imi, nditendei kuti nguwa iri kuuya, yamusingadzonamata Baba muri pagomo rakareri kana muJerusarema. 22Munonamata zvamusingazive, isisu tinonamata zvatinoziva, nokuti ruponiso runobva kuvaJudha. 23Asi nguwa inouya, naipopa yatosvika, yokuti vanamati vochokwadi vachanamata Baba mumweya nomuchokwadi, ndava Baba vanotsvaga vadodaro kudzovanamata. 24Mwari ndiMweya, vanomunamata vanofanira kunamata muMweya nomuchokwadi.”
25Mukadzi adoti kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiya ari kuuya, iye anoitiwa Khirisitu, kana wauya achatitsanangurira zvinhu zvese.”
26Jesu adoti kwaari, “Inipano ndiri kutaura naiwewe ndini wacho.”
27Pakarepo vadzidzi vache vadobva vasvika. Vadoshamisika kuti wanga achinyaira nomunhikadzi, asi hapanai adoti kumukadzi, “Anga chii chauri kuda?” Kana kuti kuna Jesu, “Muri kunyairireiko naye?”
28Mukadzi adobva wasiya mukhate wache womvura ndokuenda muguta achiti kuvanhu, 29“Uyai, muone munhu wandinyepa zvese zvandidoita. Angaveba Khirisitu nai wakareyu?” 30Vadobirika muguta ndokuenda kwanga kuna Jesu.
31Nguwa yakareyo vadzidzi vanga vachimukumbira vachiti, “Mudzidzisi, ijai.”
32Asi adoti kwavari, “Ndinochikafu chokuja chamusingazive.”
33Saka vadzidzi vadotaurirana vachiti, “Kuti pangave nowamuvigira zvokuja?”
34Jesu adoti kwavari, “Chikafu changu ndiko kuita zvinodiwa naiye adondituma, nokupedzisa basa rache. 35Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi minai kuti kukohwa kusvike?’ Ndinokunyepai kuti, nangarai muone minda yaibva yaakuda kukohwewa. 36Zvino uyo anokohwa anotambira mubairo, achiunganidza muchero woupenyu husingapere, kuti mujari nomukohwi vafare pabodzi. 37Pakarepa tsumo inoti, ‘Umwe adojara, umwe ndokukohwa,’ inobva yava chokwadi. 38Ndidokutumai kokohwa pamusinai kushanda, vamwe vadoshanda, imimi mukakohwa kubva padukuta ravo.”
39Vanhu vazinji vomuSamariya vadobva muguta iroro raiitiwa Saika vadotenda kwaari nopamusaka pochapupu chomukadzi wakareyo chaadoti, “Wandiudza zvese zvandidoita.” 40Zvokuti vanhu vomuSamariya pavadosvika kuna Jesu, vadomukumbira kuti agare navo. Iye adodzogara ipopo mazuva mairi.
41Novamwe vazinji vadotenda nondava yoshoko raJesu pachake. 42Vadoti kumukadzi, “Hatichatenda nondava yomashoko yako, nokuti tazvinzvira tega, futi taakuziva kuti, chokwadi uyu ndiye Muponisi wonyika.”
Jesu Anorapa Mwanakomana woMutungamiri
43Mazuva mairi payadopera adosumuka ndokuenda kuGaririya. 44Nokuti Jesu pachake adopupura achiti, “Muporofiti anokudziwaba munyika yache.” 45Saka paadosvika muGaririya, vanhu vomuGaririya vadomutambira, nokuti vadoona zvaadoita muJerusarema kumutambo woPhasika kwavanga vaendawo.
46Saka adoenda pakare paKana roGaririya, paadosandura mvura kuiita waini. Zvino kuKaperenaume kwanga kuno mutungamiri waiva nomwanakomana waihwara. 47Paadonzva kuti Jesu wanga wauya kuGaririya achibva kuJudhiya adoenda komuteterera kuti asvike kuKaperenaume korapa mwanakomana wache, nokuti wanga wakutopfa. 48Jesu adobva wati, “Munotendaba kusiya kwokunge maona zviratidzo nozvishamiso.”
49Mutungamiri adobva wati kwaari, “Changamire, uyai mwanakomana wangu asati wapfa.”
50Jesu adoti kwaari, “Enda, mwanakomana wako achachira.”
Murume adotenda shoko raadotaurihwa naJesu ndokubva waenda kumba. 51Paanga achienda vashandi vache vadosangana naye ndokumuudza kuti mwanakomana wache wanga wapurumuka.
52Saka adovabvunza nguwa mwana yaadothanga kupurumuka, vadomuudza kuti, “Nezuro masikati paawa yochinomwe ndipo padogwata kupisa muiri.” 53Baba vomwana vadobva vaziva kuti ndiyo nguwa Jesu yaadotaura achiti, “Mwanakomana wako achachira.” Saka iye adotenda pabodzi nomhuri yache yese.
54Wakareyu wanga uri munana wochipiri udoitiwa naJesu paadobva kuJudhiya achienda kuGaririya.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Johwani 4: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: